Ziunze akaenda nemukombe

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views
Ziunze akaenda nemukombe

Kwayedza

IZVI ndizvo zvezvimwe zvaiitika kumakwikwi eKwayedza African Women of the Year pane imwe hotera muguta reHarare svondo rapera. Vaverengi tarisirai mimwe mifananidzo svondo rinouya. Mifananidzo: Memory Mangombe.

IZVI ndizvo zvezvimwe zvaiitika kumakwikwi eKwayedza African Women of the Year pane imwe hotera muguta reHarare svondo rapera. Vaverengi tarisirai mimwe mifananidzo svondo rinouya. Mifananidzo: Memory Mangombe.

MUDZIMAI wechidiki, Varaidzo Ziunze wekuWarren Park, muHarare, ndiye Kwayedza African Woman wegore ra2014. Ziunze akaenda nemubairo mukuru wemakwikwi anokurudzira madzimai kupfeka zvine mutsigo uye zvakanaka uyo waisanganisira 4-plate smart gas cooker, sunbeam eletric skillet grill pamwe nemachira ekusonesa mbatya dze”African attire”. Ndiye ainge akahwinha mumwedzi waKubvumbi.

Vaverengi veKwayedza ndivo vanovhotera munhukadzi wavanofunga kuti ndiye anenge akachena uye akapfeka zvine mutsigo.

Ziunze, uyo ainge akachena zvinonwisa mvura, akakunda vamwe vakadzi 11 mumakwikwi ekupedzesera, angangonzi makwishu, ndokugashidzwa mubairo wake achiita seachachema nekufara pane imwe hotera muHarare nemusi weMugovera wadarika.

Irene Mapinde wekuChinhoyi ndiye akatora mubairo wechipiri kuchiti amai vechikuru, Simangaliso Mahaka wekwaMutare, ndivo vakaita wechitatu.

Ziunze akarumbidza Kwayedza nekuronga nekutsigira makwikwi anokurudzira vanhukadzi kupfeka mbatya dzine mutsigo aya pamwe nekuburitsa zvikamu zvedzidzo zvinobatsira vana kuchikoro.

“Ndinofarira Kwayedza nekuti rine nhau dzinofadza zvikuru pamwe nekupa dzidziso muzvikamu zvakaita sezveutano uye vana vanodzidziswa zvinhu zvinozobuda mubvunzo dzavo zvichivaita kuti vabudirire.

“Gore rapera ndakatora mubairo wechipiri mumakwikwi aya, asi neshungu ndikati regai ndiwedzere kusvika ndatora uno mubairo wekutanga. Ndafara zvikuru nekuti ndakwanisa kuzadzikisa chishuviro changu,” akadaro chiso chake chizere nemufaro.

Vachitaura pachiitiko ichi, vaive muenzi anoremekedzwa, Mai Rebecca Chisamba, vakayambira vanhukadzi panyaya dzekuchena neutsanana.

“Madzimai ikodzero yenyu kuti munge makachena nenzira dzamunoda. Asika, ngatiregerei kuvavarira kuda kuva vaRungu nekuzora mafuta nemishonga inotsvukisa nekuti zvimwe zvacho zvinokuvadza. Ngatidadei nezvatiri nekuti ndiko kusikwa kwatakaitwa. Kufanana nemuRungu handiko kuti unzi wakapfeka zvakanaka kana kuti wakanaka,” vakadaro.

Zimpapers general manager Harare Branch, VaSamuel Bepe vakapembedza bepanhau reKwayedza mukudzoreredza tsika nemagariro evanhu vemuZimbabwe.

“Kwayedza riri kuita basa guru rekudzoreredza tsika nemagariro evanhu izvo zvange zvave kuyeredzwa nechiRungu. Mapfekero edu sevanhu vatema anofanira kuyemurika,” vakadaro.

Mupepeti weKwayedza, Patrick Shamba, akati makwikwi aya ane donzvo rekukurudzira mapfekerero anoyemurika, mapfekero emunhukadzi wemuZimbabwe.

“Rino rave gore rechina tichiita makwikwi eKwayedza African Woman of the Year, shungu dzedu dziri dzekusimudzira madzimai mukupfeka kwavo kune chiremerera,” akadaro Shamba.

Zimpapers assistant circulation manager (Harare Branch), VaSimba Manjiche vakati chishuwo chavo kuti makwikwi aya arambe achikura.

Achitaurawo, anoona nezvekusimudzirwa kwemabasa muZimpapers, Mai Charity Gwata-Chirume, vanoti makwikwi aya acharamba ariko uye pane zvirongwa zvekuti akure nechinangwa chekudzosera kuvaverengi nevatsigiri vakuru veKwayedza – vanhukadzi.

“Ticharamba tichiita kuti makwikwi aya akure uye mibairo ichiwedzera. Pepanhau reKwayedza rakakosha nekuti inhaka yedzidzo, rinoita kuti vanhu vakuru nevana vasarase tsika nemagariro avo,” vakadaro Mai Gwata-Chirume.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey