Ziva: BHAIBHERI

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

NYANGWE afa kudaro, dare rechechi rakaramba kugashira basa raJohn Wycliffe. MaBhaibheri akanga aturikirwa naWycliffe akabva arambidzwa. Asi kwakabva kwauyawo murume ainzi William Tyndale, aive nyanzvi yezvemitauro paOxford. Tyndale aiziva mitauro misere inoti chiHebheru, chiGiriki, chiLatin, chiSpanish, chiFrench, chiItalian, chiRungu nechiGerman. Shungu dzake dzaive dzekuturikira Bhaibheri zvekuti chero “mukomana wemombe chaiye agone kuriverenga.” Saka akabva aenda kunoshandira kuGermany kwakanga kusina njodzi kwaanenge akanosangana naMartin Luther akanga achiturikira Bhaibheri muchiGerman. Tyndale akaturikira Testamende Itsva muna 1526 nemabhuku mashanu aMoses muna1530.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey