— Ziva — BHAIBHERI

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

BHAIBHERI
JOHANNES Gutenberg akanga atogadzira muchina wekudhindha kuma1450, zvekuti zvakanga zvave nyore kudhindha mabhuku akawanda. Mabhuku ekutanga-tanga kudhindhwa pamuchina waGutenberg aive mabhuku mazana maviri ebhuku rinonzi Vulgate raMusande Jerome.

Mabhuku makumi maviri nerimwe emabhuku mazana maviri aya achiriko nanhasi. Mabhuku eTestamende itsva aTyndale akapinzwa muEngland zvekubiridzira.

Nyangwe zvazvo Tyndale akaedza kushanda muchivande, akatengeswa, akasungwa ndokutongerwa rufu. Muna 1536, akasungirirwa pamuti ndokudzipwa akapiswa.

Mashoko ake ekupedzisira akati, “Tenzi, vhurai maziso amambo weEngland.”
Mushure megore, Mambo Henry Wechisere akabvumira maBhaibheri echiRungu kuti apihwe vanhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey