— Ziva —CECIL SHUMBA

20 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

SHUMBA yakauraiwa kuHwange yainzi Cecil. Hatina kufara nekuuraiwa kweshumba iyoyi nekuti masango edu nemhuka dzawo inhaka yedu. Hatizive kuti akapa shumba iyi zita rekuti Cecil ndiani.

Asi isu hatiwanzopa mazita evanhu kumhuka. Shumba dzedu ngadzipihwe mazita ari mumitauro yedu, nekuti zita rekuti Cecil izita remuRungu, mupambepfumi Cecil John Rhodes. Chakaita kuti Rhodes azouya muZimbabwe hwaive upfumi hwezvicherwa, miti nemhuka. Kuuya kwaRhodes muZimbabwe ndiko kwakaita kuti vaRungu veBritain vapambe nyika ino kubva kuvanhu vatema, ndokuitumidza kuti Rhodesia. Kuuraiwa kweshumba inonzi Cecil kwakonzera kunyunyuta pasi rose vanhu vachishora muvhimi wekuAmerica akapara mhosva iyi.

 

Share This:

Sponsored Links