Ziva mbeu dzekurima muzhizha

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

John Basera

SVONDO rapera takabata nyaya dzine chitsama dziri maringe nekugadzirira mwaka weZhizha unotevera uyo uri kunzi uchange uine mvura yakawanda. Takabata kukosha kwekugadzirira minda, kukosha kwekuongororesa ivhu, uye zvatinokurudzira kana ivhu redu richivava.Takabata kukosha kweLime nemaisirwo ayo muminda. Ndinovimba kuti makaibata nyaya iyi uye makatoendesa mavhu enyu kumalaboritories kuti anoongorerwe kuvava kana kutapira! Sekuvimbisa kwatakaita, svondo rino tichabata nyaya inopindura mubvunzo wekuti ndeipi mbeu yatingarima mwaka uno.

Kubudirira kwemurimi kunobva pakurongeka kwake uye nekuziva mbeu nemhando yayo (variety) yekurima Zhizha risati ratanga.

Chii chirimwa chandingarima mwaka uno uye ndeapi mavariety arikupa goho?

Kana wafunga kurima muZhizha, chibva waziva mhando yembeu yekurima inoenderana nenzvimbo yaunorimira. Chibva watanga kutoronga iko zvino. Kuziva mhando yembesa yaunoda kurima ndihwo hwaro hwekutanga kurongera Zhizha zvozotipa kuti tizive magadziriro evhu, mainputs ekutenga nezvimwe zvakawanda zvakakosha zvatinofanira kuita kugadzirira Zhizha.

Zirimwa zvatingarima muZhizha zvechikafu zvinosanganisira chibage, soya beans, mapfunde, nzungu, sugar beans uye nyemba.

Musvondo rino tiri kubata mhando dzembeu (mavarieties) dzechibage dzatingarima dzinotipa goho rakakura rinotipa pundutso sevarimi uye senyika.

Chibage ndicho chirimwa chakakosha muno muZimbabwe. Chibage imbesa yegutsaruzhinji. Imbesa inopa mari ine chitsama pahekita imwe chete kana wachirima zvakanaka uye nenguva. Ukaisa $1 rinokubudisira mamwe madhora anopfuura 4 kana wachirima zvakanaka uye nenguva. Tinoona mwaka wapfuura chibage chaiita $390 patonne rimwe chete, zvinoreva kuti ukasvitsa 10tonne chete pahekita watowana mari inosvika pa$4 000, iwe unenege waisa mari isngapfuuri $1 000 pahekita iyoyo.

Zvinonzi ‘Kutsvaga chiremba ndokuti urapwe’. Kana wafunga kukohwa zvine mutsindo tsvaga mhando yembeu yeSeed Co inoenderana nenzvimbo yaunorimira. Kugona kusarudza mbeu chete chidanho chakakosha pakubudirira kwemurimi. Ndichabata mipanda yembeu inokwana mishanu inoti Nzou, Shumba, Mbizi, Tsoko uye Tsuro iri kupa varimi goho rakanaka.

NZOU

Uyu mupanda wembeu yeHybrid wakauchikwa zvine hunyanzvi. Imbeu yaita mukurumbira mudunhu rese reAfrica. Kwese kwairi kurimwa mbeu iyoyi iri kupa varimi goho rakakura, riri kutosvika kuma 18 tonnes pahekita. Kana wafunga zvekukohwa zvine mutsindo uri kunzvimbo dziya dzinonaya mvura iri pakati nepakati kusvika pamvura yakawandisa, rima mbeu dzinoti SC727 kana SC719. Apa tiri kutarisa nzvimbo dziya dziri muregion 1 kusvika muregion 3.

Imbue yemwaka murefu inotora mazuva anoita kuma 145 kunzvimbo dzinopisa kusvika kuma 155 kunzvimbo dzinotonhora sekuHighveld. Varimi vazhinji vanoiti inotatamuka serekeni (elastic) zvichireva kuti kana mwaka wakanaka inotora mazuva akawanda as kana mvura iri shoma inotora mazuva mashoma asi isingaderedzi goho remurimi.

Mbeu idzi dzinotivirira zuva zvekuti kune vamwe vari kuzama kudzirima kunzvimbo dziya dzinonaya mvura shoma asi zvichivaitira. Nzou SC727 yakuiswa mumapakiti akaverengwa huwandu hwetsanga. Pakiti re50 000 kernels ndiro rinokwana pahekita imwe chete. Kozotiwo 20 000 kernels inokwana paeka imwe chete. SC719 inoiswa mumapakiti anoti 25kg, inokwana pahekita, 10kg ichikwana paeka, kozotiwo ma5kg nema2kg.

Chandiri kuda kukurudzira pamupanda uyu ndechekuti idyarei nemvura iya yekutanga pakutanga kwemwaka weZhizha. Mbeu idzi dzinotivirira zvirwere zvakawanda zvinobata chibage muno muZimbabwe.

Kune vari kupfuya mombe dzemukaka nedzenyama mbeu mbiri idzi tinokwanisa kudzirima kuitira chikafu chesilage nekuti dzine hunaku hunodiwa nemombe.

Paongororo inoitwa neveART Farm gore negore mbeu idzi ndidzo dziri kukunda mhando dzese dzembeu dzinorimwa muno muZimbabwe uye nemuAfrica. Ndipo panobva zita rekuti “Nzou yeSeed Co Murigadzose”. Tine varimi vane chitsama vanorima Nzou vari kuwana goho rinokatyamadza.

SHUMBA

Iyi imbue yeHybrid inopa murimi goho rinodzvova seshumba. Inopa goho rakakura uye mupanda une mbeu dzine chitsama dzinoti: SC637, SC627, SC633 uye itsva inonzi SC643. Dzinotora mwaka uri pakti nepakati dzichipa murimi chibage chichena. Dzinotora mazuva 135 kusvika pa145 zvichienderana nenzvimbo uye nemvura yanaya mwaka iwoyo. Mbeu idzi tinodzikurudzira munzvimbo dzinonaya mvura iri pakati nepakati kusvika pamvura yakawanda asi zvakare inoda kukurumidzirwa kudyara. Nembeu idzi zviri nyore kupfuura 8 tonnes pahekita kana yarimwa nemvura yemudenga. Ikaiswa madiridziro inotosvika ikoko ku14 tonnes, dzimwe nguva 16 tonnes pahekita. Mbeu idzi dzinotivirira zuva dzichipa murimi mukana wekurima chimwe chirimwa munguva yechando. Mbeu idzi kunyanya SC633 dzinokurumidza kuoma izvo zvakanakira vaye vanoda kuisa chirimwa chegorosi muchando icho chatinokurudzira kuti chinofanira kudyarwa nekukurumidza muna April, May kana kutanga kwaJune kuti tiwane goho rakakura. Zvakare mbeu idzi dzinoda kukurumidzirwa kudyarwa ndokuti dzinyatsopa goho rinobatika.

Mbeu inonzi SC608 inobudisa chibage cheKenya iri kupa varimi goho rinonwisa mvura rinosvika kuma14 tonnes pahekita. Iyi mbeu yakanakira kune vaye vanochengeta mhuka nehuku nekuti inopa kudya kweprotein kwakanaka.

Mbeu idzi ndidzo dziri pamusoro maringe negoho pambeu dzemupanda iwoyu paongororo inoitwa neART Farm gore negore.

Tinokupai dzimwe mbeu dzekurima muZhizha muchinyorwa chinotevera.

 

.  Batai Mudhumeni Mukuru panhare dzinoti 0772 413 184 kana 0731 413 184 munzwe zvakawanda.

Share This:

Sponsored Links