Zivai mbeu yekurima: Seed Co

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Zivai mbeu yekurima: Seed Co

Kwayedza

VARIMI vakakurudzirwa kudyara mbeu dzechibage nedzimwewo dzinofambirana nematunhu avo nedonzvo rekuti vawane goho rakanaka zvichitevera kushanduka kuri kuita mamiriro ekunze.

Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera muguta reHarare naVaDenias Zaranyika vanova managing director kukambani inouchika mbeu yeSeed Co pamabiko avakaitira vatori venhau vakabva kumapoka akasiyana.

“Varimi ngavarime mbeu inofambirana nematunhu avo, zvikuru sechibage chinoita kuti nyika igute. Haikona kuti murimi wekuMasvingo otora mbeu inorimwa kuManicaland wekuManicaland otorawo yekuGokwe, ngatirimei mbeu inofambirana nenzvimbo dzedu. Tikadaro tinoburitsa nyika munzara sezvo kudya kuri kushoma munyika uyewo nedzimwe nyika dzakaita seZambia, Malawi, South Africa nedzekudunhu rekuchamhembe kweAfrica,” vakadaro.

Vakayambira varimi kuti varime nenguva kuitira kuti vabate mwaka.

“Ikurudziro yedu sekambani inowanisa varimi mbeu dzakatsaukana kuti vashandewo nevarimisi vanova nyanzvi dzezvekurima,” vakadaro VaZaranyika.

Zvakadaro, pachiitiko ichi Seed Co yakapawo makombiyuta maviri kuchikamu chinoona nezvemamiriro ekunze cheMetereological Services Department uyewo nemabhini zana ekuisa marara kukanzuru yemuguta reHarare.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>