ZRP FC yodzvokora PSL

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
ZRP FC yodzvokora PSL

Kwayedza

SACHIGARO weZimbabwe Republic Police FC iyo inotambira muDivision One Northern Region, Officer Commanding Support Unit, Senior Assistant Commissioner Mekia Tanyanyiwa, vanoti mwaka uno vari kuumba chikwata chakasimba chine vatambi vechidiki icho chichazorwira kudzoka muligi rePremier Soccer League mugore ra2016.

ZRP FC, iyo inozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Batai Munhu, yakaburitswa muPSL muna 2013 apo yaidaidzwa kuti Black Mambas.

Zvakadaro, Snr Asst Comm Tanyanyiwa vanoti gore radarika chikwata chavo chakazosangana nematambudziko ekushaikwa kwemari izvo zvakamboona vatambi vavo vachitadza kubhadharwa pamwe nekupihwa mabhonasi.

Zvisinei, vanoti pari zvino vakapedza kubhadhara vatambi vavo vose.

“Gore radarika, taida chaizvo kudzoka muligi asi zvakakona. Takasangana nematambudziko akasiyana ekushaiwa mari sezvo takanga tisina vakotsveri kana kuwana rutsigiro chairwo kubva kuHurumende.

“Vatambi vedu vaigona kupedza mwedzi yakawanda vasina kubhadharwa mari dzavo kana nedzebhonasi pavanenge vahwina zvekuti ini sasachigaro wechikwata ichi ndaizosvika pakuburitsa mari yangu muhomwe ndichivapa. Asi hedu takakwanisa kubhadhara zvikwereti zvavo zvose.

“Gore ra2016 tiri kufanirwa kunge tichitambira muPSL, ipapo hatisi kudzokera shure. Tiri kuvaka patsva chikwata chedu kubva kuvarairidzi vacho uye chine vatambi vechidiki,” vakadaro Snr Asst Comm Tanyanyiwa.

Vanoti vachange vachiongorora vatambi vane chitsama vachiri kuyaruka avo vanodzidza pachikoro cheZRP High School pamwe nekupa vamwe vacho mabhezari.

“Tiri kukoshesa vatambi vechidiki uye isu tichange tichiongorora vatambi vazhinji vanodzidza paZRP High School.

“Vatinoona kuti vane chipo chinodadisa tichavapa mabhezari uye toda kuti vange vachiuya vachizombotirena nechikwata chedu.

“Tinofanirwa kukoshesa vechidiki nekuti ndivo vachatamba nhabvu yedu mune remangwana,” vakadaro Snr Asst Comm Tanyanyiwa.

Zvakadaro chikwata cheZRP FC chiri pakati pekuita gadziriro dzacho chakamirira kutanga kwemwaka mutsva weNorthern Region Division One.

 

Share This:

Sponsored Links