Uncategorized

zta iri kufambirana nenguva – Kaseke

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

CHAMANGWIZA wesangano rinoona nezvekushanyirwa munyika, reZimbabwe Tourism Authority (ZTA), VaKarikoga Kaseke, vanoti vari kufambidzana nenguva kuburikidza nekushandisa dandemutande mukukwezva vashanyi vemuno pamwe nevekunze kwenyika.

Vakataura mashoko aya svondo rapera pane imwe hotera muguta reHarare pakuparurwa kwechirongwa chekukwezva vashanyi nevemabhizimisi, cheSanganai/Hlanganani World Tourism Expo.

“Sangano redu rinowana mari kuburikidza nekushanya kunoita vanhu kunzvimbo dzemuno dzakasiyana.

“Naizvozvo, zvakakosha kuti tifambirane nenguva mukuita bhizimisi iri kuti tisasiiwe nedzimwe nyika. Kushandiswa kwedandemutande nezvimwe zvakaita semaMobile Apps zvinobatsira zvakanyanya kuti vanhu vanoshanya zvivaitire nyore.

“Sangano redu pari zvino rasimba munyaya dzekushandisa maICT nekuti takaita zvidzidzo zveE-marketing, izvo zvakanangana nekuti vashandi vedu vagone kushandisa dandemutande mukushambadza nyika,” vakadaro VaKaseke.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, VaJim Katurura, avo vanova mazvikokota munyaya dzekushandiswa kwedandemutande (mobile application developer), vakatsinhira vachiti zvakakosha kuti vari mumabhizimisi ezvekushanyirana vafambirane nenguva kana vachida kuwana pundutso kubva mazviri.

“Makambani mazhinji pasi rose ari kutora mukana wavepo wekushandisa dandemutande kuita mabhizimisi izvo zviri kuita kuti vabudirire.

“Dandemutande rakanakira kuti haridhure kurishandisa uye rinoita kuti munhu akwanise kurishandisa pasi rose,” vakadaro vaKaturura.

Chirongwa cheSanganai/Hlanganani chinoitwa gore roga roga nechinangwa chekukwezva vemabhizimisi pamwe chete nevashanyi, izvo zvinosimudzirawo upfumi hweZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey