Zuru rakapinda nyoka!

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

MUTUNGAMIRI weMDC-T Morgan Tsvangirai vanoita kunge pwere ivo vave munhu mukuru, kana musoro watochena imvi. Hazvidi kuti munhu angonzi akura nekupfeka mabhurugwa kana marokwe makuru bedzi. Bato ravo rakavambwa muna 1999, asi ukavanzwa nhasi uno vachikurudzira mhirizhonga yokubvisa Hurumende naPresident Mugabe pachigaro nechisimba, unofunga kuti vatsva vetsambo saanaEvan Mawarire, kana vaya vanongosweromhanyisana namapurisa vanozviti Tajamuka.

Makore gumi namanomwe bato ravambwa, asi vanongoimba zviya zvavaingoimba kuti kana VaMugabe vakasabva pachigaro zvichakanaka, vachavabvisa nechisimba. PachiRungu vanoti kana zvave kudai ndiwo anonzi “the last kicks of a dying horse.”

Vachitaura pamhemberero dzokuvambwa kweMDC vari kuguta reBulawayo, mazuva mashoma achangopfuura, VaTsvangirai vanonzi vakapa President Mugabe zvinhu zviviri panyaya yokubva pachigaro: “Mugabe must choose between these two options – a violent option where we get to a point where someone is shot with live ammunition because he or she was simply demonstrating, or when we reach a stage where Mugabe chooses to install his wife Grace as president then it becomes gloves off and we confront the regime.”

Seka urema wafa, nokuti chakainga hama hachisekanwi. Iwo mwoyo unongofunga nezvokuratidzira kana zvemhirizhonga, mwoyo wakarongedzwa nehunyanzi hwokutonga nyika mune ramangwana here. Zvinobva kupi?

Vakazviita makore apfuura. Vakapwanya nokupa nyika chimiro chakaipa, ivo vachipihwa mazimari nehurumende dzeBritain, European Union, Australia neUnited States of America, asi ndezvipi zvimwe zvisvinu zvakagona kuitwa naVaTsvangirai nebato ravo kwemakore 17 apfuura?

Makanzuru mumadhorobha ane vanhu veMDC, asi Harare zvairi nhasi zvinodadisa here zvokuti vangazvirova matundundu kuti takatonga mumaguta kwenguva? Harare inongogaronzi inoda kunzi idzokere pachidanho chayo cheSunshine City. Zvinogoneka riini iro guta richitenge riri kudzokera kumashure mukuonekera?

Saka kana MDC ichitadza kusimudza chimiro chamaguta, vachipwanya zvakaumbwa kare, votyisidzira zvakare kuti vanogona kupwanya kupinda zvavakamboita, ndiani angaise pfungwa dzake pavari kuti havanoi vanhu vazouya vanogona kushandura zvinhu, sezvavanotaura musirogani yavo?

Kuita zvinhu zvinopikisana nechinangwa hazvitongi nyika VaTsvangirai. Hapana asingazive kuti MDC-T yangove zuru rakapinda nyoka!

Khama-a, Khama-a!

Chegorero takaonerera vatsigiri veMDC vachifunga kuti mutungamiri weBotswana Ian Khama, angatovhundutsa zvizvarwa zveZimbabwe, zvokutenge achauya kuzotonga Zimbabwe.

Vakazviita zvakare nemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma. Asi nhasi vaZuma vari parumananzombe. Mhirizhonga inochemwa navaTsvangirai yaita chinamira mumaunivhesiti eSouth Africa, zvokuti tiri kungoti kuchatsva demo, mupinyi uchisara.

Regai ndidzoke kuna Khama. Muna 2009 takaonerera kuHarare International Conference Centre pakanyoreranwa chibvumirano chomubatanidzwa (Global Political Agreement).

Khama aivepowo. Mahon’era awainzwa kuvatsigiri veMDC vachikuza Khama aishamisa. Waingonzwa apa nepapa, “Khama-a; Khama-a!” Iye zenze tuku, akati kana mutungamiri weZimbabwe anogona kuti ngaachibva pachigaro kana angozvifunga.

Zvinonyadza! Munhu uri padanho rokuda kupembera makore makumi mashanu nyika yawana kuzvitonga, baba vako vari ivo nhungamiri, asi panze pokupembedza nhoroondo yeBotswana, hoyo naPresident Mugabe — navo vavo. President Mugabe vanotonga Botswana here?

Vanokuza mutungamiri weBotswana ngavazive kuti handiye chete anogona kutaura.

Muna 2009 President Mugabe vakataurira Khama kuti havagoni kumutsiura pane vanhu nokuti vanayo mikana savatungamiriri yavanokwanisa kushandisa kutsiurana. Saka kunyange vanhu veReuters vakange vabvunza nezvaPresident Mugabe munyaya dzeBotswana, Khama akatadza kuona kuti ari kuda kutapwa mukanwa here?

Dunhu reSadc rinoda runyararo, uyewo ngazvirege kunge zvinonzi zvizvarwa zveZimbabwe ndizvo zviri munyika dzakatipoteredza chete. Panze pamabasa, tsika namagariro zvakafanana, tiri vanhu vakasungwa noukma hwokuroorerana. Saka kuda kupembedza vana Reuters zvauya sei?

Zvatiri kuonawo kuSouth Africa mushure mokufa kwaVaMandela, hatina kumbofunga kuti zvingaitika nhasi uno. Nokuti vainzi ndivo vane “democracy”, muZimbabwe mune hudzvanyiriri. Asi nhasi uno, pwere dzine mukaka pamhuno dzave kutaura kuti hapana zviripo.

Ndizvo zvinosungirwa kutariswa naVaTsvangirai izvi! Zvokutonga Zimbabwe zvakaramba. Ihapana-hapana!

Hakuna muti unoera sanhu!

Vamwe vanoriti demo, vamwe vachiti sanhu. Zvimwe chete, kunobviwa ndokunosiyana asi muri munyika imwe chete. Kuriti demo kana sanhu hazvinei, asi chirevo chimwe chete chokuti hapana muti unoera sanhu. Zvanzi pachiRungu tinogona kuti kana paine zviri kuitika, “There are no sacred cows.”

Mukwende haasi kukurudzira vanhu kutema miti zvisina tsarukano, asi kuti idimikira rakangofanana nokuti chihwerure hachiendi kumba, saichochi chihwerure chatave kutotamba pano. Igaroziva kuti hachiendi kumba, kunyange zvikazvimbira sei.

Ndotanga neiri kupisa-pisa izvozvi. Zvokuti kana munhu wanenedzerwa mhosva, woti kana vana nhingi vakazviitawo wani, kana kuona munhu hoyo nemusango ave kuti rusarura rwamarudzi zvabva nokupi? Nyaya dzacho dzinosangana papi?

Zvinodyidzana kupi kwacho? Kunyange munhu ukasungwa kana kunenedzerwa mhosva, bumbiro romutemo rinoti hauna mhosva kusvikira vakunenedzera vaburitsa umboo hunokuroverera.

Hapana munhu mutsvene pasi pano. Kana ishe Jesu Kristu vakazvitaura wani kuti Mwari chete ndivo vatsvene. Vaidaro vasati vaenda pamuchinjikwa.

Share This:

Sponsored Links