Zvaidzidziswa magandanga

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
TINOENDERERA mberi nekupedzisa nzira dzinoshandiswa nevatema kuti vakunde vachena muhondo yeChimurenga.

Kudzidziswa kubata pfuti — magandanga aidzidziswa kuridza pfuti dzemando dzese, kuziva pfuti nemazita adzo pamwe chete nenzvimbo dzadzaishandiswa. Kugeza nekushandisa pfuti zvimwe zvezvinhu zvaidzidziswa magandanga.

Kupata makamba vachinohwanda – tinoona kuti panorwiwa hondo pakamba 2 magandanga akanga atuta zvinhu achinohwanda mumwena yaive kunze kwekamba. Masoja paanouya kuzovabhomba anosvika achishaya vanhu ndokutanga kurwiswa vachiri mubishi rekutsvaga kwainge kune vanhu.

Kutumira vamwe varwi kuti vanoita zvidzidzo zvemberi kune dzimwe nyika — tinonzwa kuti Kuda nevamwe gumi vaida kuendeswa kuChina kuti vanodzidziswa hunyanzvi hwekurwa hondo. Izvi hazvina hazvo kubudirira asi tinozoona achienda kunyika yeTanzania uko anonoita mwedzi mina achidzidziswa zvidzidzo zvehondo yemberi.

Kusashandisa mazita asiri pazvitupa — magandanga ese aive nemazita ekuhondo ayo aizoita kuti vasateverwe vachiurayirwa hama dzavo kumamisha kwavaibva nemasoja. Mazita aya aiitawo kuti magandanga abatanidzwe nedonzvo rimwe chete rekusunungura nyika yeZimbabwe. Kudakwashe Zaranyika tinoona achishandura zita rake iri paanoenda kuhondo achitora rekuti Kuda Hondo.

Kupamba vanhu vachitsvaga chikafu — tinoona magandanga achibva kukamba 2 achienda kuBurma Valley kunotsvaga chikafu mushure mekunge zvekudya zvavaive nazvo zvaparadzwa nemasoja. Vanobva kuBurma vaine zvinhu zvakaita semombe nezvimwewo zvekudya zvavainge vapamba papurazi iri kuvachena.

Kubatsira povho — magandanga akaba mari kuvaRungu aitarisirwa kuti apewo imwe kupovho sezvo yaimbovabatsirawo. Izvi zvinojekesa pfungwa yekuti paisazove nehugandanga kana povho isina kuvapa tsigiro. Magandanga aisatenderwa kuita hupombwe nevanhu vepovho nekuti zvaisurudza hondo yeChimurenga. Varwi vehondo yerusununguko vaizofanira kurapa povho dzainge dzarwara. Izvi zvaiita kuti povho ifarire magandanga uye isavakanganwa.

Kufundisa povho zvematongerwo enyika – tinonzwa kuti Political Commissar aive nebasa guru rekudzidzisa povho zvakanangana nemusangano nekunaka kwemushandirapamwe (socialism).

Kuuraya magamba ainge ane pfungwa dzekuzvipira kuvavengi — tinonzwa Komuredhi Nhamo Mutema vachiudza Kuda kuti auraye magamba ese aizopanduka achiita pfungwa dzekutengesa hondo kuvachena kana vasvika kuZimbabwe vave kurwa hondo.

Kushevedza povho ichiona zvitunha zvemasoja — tinoona vanaLevi pavanouraya masoja vanotuma vanamujibha kuti vanoshevedza povho kuti ione zvitunha zvevachena zvavainge vauraya. Izvi zvaiita kuti povho isateerere manyepo ese aitaurwa muwairesi.

Kuchinjanisa magamba munzvimbo dzavaigara — iyi inzira yekuti Detachment Commander aiudza vanhu kuti vashandire munzvimbo dzakasiyana-siyana misi nenguva kuitira kuti vazive nzvimbo dzese. Izvi zvaibatsirawo kuti rimwe gamba rikafa vanhu vepovho vaingoti rakaenda kune imwe nzvimbo zvoita kuti varambe vachiziva kuti magandanga eZanu aisafa uye aisakurirwa.

Kudya nguva dzakasiyana — magamba aienda kunodya nguva dzakasiyana zvinove zvaiita kuti bhesi rirambe rakachengetedzeka nguva dzese. Izvi zvinoonekwa panosvika Kuda muBuhera, vanochinjana kudya vamwe vachisara vakachengetedza pabhesi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey