Zvakabuda pao-level

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

ZVAKANYORWA mubvunzo dzeO-Level dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) mumwedzi waMbudzi gore rapera zvakabuda uye zvakaendeswa kumahofisi ari kumatunhu akasiyana enyika.

Vakanyora bvunzo idzi vakatonga kutora zvakabuda kuzvikoro zvavo nemusi weChipiri svondo rino.

Mukuru weZimsec, VaEsau Nhandara, vanoti vadzidzi vegore rapera vakapasa kana zvichienzaniswa nevegore ra2014.

“Huwandu hwevadzidzi vakanyora bvunzo dzemumwedzi waMbudzi gore rapera hwaive 310 917. Vadzidzi vakanyora zvidzidzo zvishanu kana kudarika vaive 156 418 uye 43 581 vakabuda neGrade C kana zviri nani muzvidzidzo zvishanu kana kudarika zvichibva zvatipa chikamu che27.76% chekupasa.

“Huwandu hwevadzidzi vakapasa kubva kugore ra2014 kusvika 2015 hwakawedzera nechikamu che5.48%. Vadzidzi vakanyora vakazvimiririra zvidzidzo zvishanu kana kudarika vaive 23 235 uye 2 791 vavo vakapasa neGrade C kana zviri nani chinove chikamu che12.01%,” vanodaro.

VaNhandara vanoti kanzuru yavo yakadzikisa chikero chekupasa. “Gore rino, kanove kekutanga, takatarisawo huwandu hwevadzidzi vakabura Grade E kana zviri nani.” – The Herald.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey