Zvakaburwa kuShona

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
MAKOROKOTO makuru Musiki vakatiyambutsa vakatipinza mugore idzva zvakanaka. Tinoda kupa rumbidzo nekutenda ivo Musikavanhu vakava nesu vakatisesedza tikadya huku nemupunga zvakanaka tichinwira zvaitonhodza iyo mimhanzi ichidandaura zvisina mukare akamboona. Kana zviri zvekudzana hatichataura nekuti kuuya kwakaita imwe mhando yekutamba yaveko mazuva ano ndinoziva kwaisadanwa anonzwa musi weKisimusi neGoredzva.

Ndiko kupindana kwamazuva kunotaurwa uku tichiziva kuti chimwe nechimwe chine nguva yacho. Tinoti farefare tindike nekuti ramangwana rinoda muronga sehove.

Hongu goho rakauya kufara kana kusuwa kukavapo. Vadare nevakuru vedzidzo vanoda chose kuziva kuti  goho zvarakauya rakauya sei. Izvi zvinobuda mushure mehwerengedzo (analysis) idzo dzinotangira pachikoro dzoenda pamuunganidzwa wezvikoro zviri pedyo napedyo (cluster) zvozopinda muzvikoro zvenharaunda (district).

Hazvigumiriri ipapo asi kuti zvinoenda mberi zvobata zvikoro zvedunhu (province) zvonoperera panyika yose (national). Kana zvabata nyika yose, zvozoburitswa mumapepanhau kuti rwendo rwuno vana vakaita zvakadii pagoho ravo uye zvotariswa zvakare zvichifananidzwa nemakore akapfuura.

Hwerengedzo iyi inoitwa zvakare kuchidzidzo chimwe nachimwe kuti zvionekwe kuti ndechipi chakaitwa zvakanaka kuchionekwawo chakaitwa zvisina kumira zvakanaka. Handichabata zvimwe zvese asi ndinoda kubata bandiko reShona, kunova ndiko kwatinorerekera isu.

Tichitarisa kuchiShona chega, tinoona kuti hachina kubuda zvakanaka sezvaitarisirwa nekuti vana vashoma vakabuda nechibodzwa chimwe chete pagwaro rechinomwe mugore rapfuura (one unit). Hwerengedzo iya iri kuburitsa kuti kune zvikoro zvakawanda zvisina kana mwana mumwe akaita chibodzwa chimwe kuShona asi kumasvomhu nechiRungu haiwa, vana vairikita kwete zvekutamba. Vana vaizotangira kuwanda pazvibodzwa zvitatu zvichienda mberi.

Izvi zvinorwadza chose kuti mwana aigona kuita chibodzwa chimwe kuzvidzidzo zvina asi ozoita zvibodzwa zvishanu kuShona zvobva zvatoita kuti goho rake ritaramukira kure kure.

Chatinodira hwerengedzo ndechekuti inotiratidza mamiriro akaita goho. Zvinoratidza kuti chiShona hachina kuitwa zvakanaka pazvidzidzo zvose zviri zvishanu. Zvinobva zvabata mwoyo kuti, ko zvaruri rurimi rwaamai chii chabva chaita kuti rukanganise goho redu isu taiti tinorutaura mazuva ose. Vatambi venhabvu vakabva kunotamba nhabvu musi weSvondo vanosangana musi weChipiri vachitarisa matambiro avakaita (post-mortem of the game). Apa vanenge vachitarisa pavakagona nepavakatadza.

Paya pavanenge vakatadza vanoda kupagadzirisa kuti pabude zvakanaka kuitira mutambo uchatevera. Izvi zvinofananawo nevarairidzi muzvikoro mavo. Vanofanira kutora hwerengedzo votarisa muya makamanzika, votsvaga nzira dzekugadzirisa kuti zvinhu zvifambe nemazvo.

Hazvinganakidzi kuti mutauro wekunze wonyorwa uchibuda zvakanaka kupfuura waamai nekudaro pane panoda kugadziriswa. Iyi iyambiro kune vana vachangopinda mugwaro rechinomwe kuti muzive kuti chave kwenyuwo rwendo rwuno.

Munofanirwa kuziva kuti masiyana nezvamaiva kare uye kuenda pachigaro chepamusoro kwamaita muzvikoro zvenyu zvoreva wese ari pasi penyu akatarisa kwamuri kuti zvigofamba zvakanaka. Ngatidyarei mhodzi huru yerudo kuchiShona chedu ndiko kuti tigochipawo nguva yekuchiverenga uye kuchidzidza zvakanaka tichisimudzira goho redu kupera kwe gore.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey