Zvakakosha kuchengetedza goho

30 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
NYANZVI dzezvekurima dzinoti zvakakosha kuti varimi vachengetedze goho ravo sezvo vachikwanisa kurasikirwa nechikamu che20 percent chegoho iri kana rikasachengetedzwa zvakanaka.

VaTirivangani Kova vanove deputy director kubazi rezvekurima nekuvandudzwa kwemichina yemadiridziro vanoti Hurumende yakazvipira kutsigira zvirongwa zvine chekuita nekuchengetedzwa kwegoho.

“Kune nzira dzakawanda dzinogona kushandiswa nevarimi kuti vachengetedze goho ravo dzakadai sekushandisa matura esimbi (metal silos), hermatic bags nekufirita goho nemishonga risati rapinda mumatura,” vanodaro.

VaKoza vanoti zvakakosha kuti goho richengetedzwe kuti nyika irwise nzara nehurombo.

“Kana goho rikachengetedzwa zvakanaka varimi vanoita mari nekuti rinotengeswa nemari yepamusoro sezvo rinenge risina kupfukutwa. Zvakare tinorwisa nzara nehurombo munyika medu nekuti kurima ibhizimusi rinomutsa mabasa mazhinji,” vanodaro.

Vanoti zvakakosha kuti varimi vatsvage ruzivo maringe nenzira dzekuchengetedza goho kuvarimisi vakatekeshera mumatunhu ese.

“Nyika iri kurasikirwa nechikamu che20-30percent chegoho rechibage pagore nekuda kwezvipfukuto, makonzo uye kukundikana kuchengetedza goho kwakanaka. Zimbabwe iri kurasikirwawo nechibage icho chiri kuparadzwa kuburikidza nenzira dzakasiyana nekudaro zvakakosha kuti varimi vapihwe ruzivo rutsva uye rwuri nyore rwekuchengetedza goho, zvikuru sei mukurwisa chipfukuto chemhando yeLarger Grain Borer (LGB) zvakanyanya,” vanodaro.

Kurasikirwa negoho kunorevei?

Kune nzira dzakasiyana dzine chekuita nekurasikirwa negoho dzinosanganisira kurasikirwa naro riri muhuwandu hwakadai semakgs sekukudyiwa nezvipfukuto, twumbuyu, makonzo uye kubiwa.

Nzira yechipiri yekurasikirwa negoho ndeyekudzikira kwekunaka kwaro nekuda kwezvikonzero zvakadai sekurasikirwa nekudya kunovaka muviri uko kunofanira kuwanikwa kuri mariri, kudzikira kwemunhuwi kana kusanduka kweruvara zvichikonzerwa nekuwandisa kwezuva, mwando kana kukanganiswa kwembeu kuchizobuda goho rakaderera.

Zvii zvinokonzera kuderera kwegoho uye varimi vangazvikunda sei?

Kuminda, zvirimwa zvinogona kuparadzwa nemhuka dzesango dzakadai seshiri, makonzo, mujuru, moto wesango kana mvura yemudenga.

Kana iri nguva yekukohwa, murimi anogona kurasikirwa negoho nekuda kwekusabereka kunoita zvimwe zvirimwa nekuputika kwezvirimwa kana zvichinge zvanyanya kuibva zviri mumunda.

Pakutakura zvirimwa zvichienda kumba apo zvinenge zvichibviswa muminda, pane mikana mikuru yekurasikirwa negoho zvakare.

Kunze kwazvo, panguva yekuomesa zvirimwa zvinogona kudyiwa netupukanana, shiri, makonzo kana kuoma zvakapfurikidza.

Pakugaya nepakubika, murimi anogona kurasikirwa zvakare sezvo mushure mekudya chikafu chizhinji – icho varimi vanobuda dikita vachichirima – chinoraswa zvisina tsarukano.

Chikamu chipi chatiri kurasikirwa negoho senyika?

Chikamu chiri pakati pe15-20 percent chechikafu chiri kurasika muZimbabwe nekuda kwenzira dziri pamusoro.

Zvipfukuto zvemhandoyi zviri kutambudza Zimbabwe?

Chipfukuto chemhando LGB chinoparadza goho zvakanyanya uye chinoparadza kunyangwe midziyo inogadzirwa nematanda mudzimba yakadai semacheya nemawadhiropu.

Dzimwe nhando dzezvipfukuto dzinosanganisira Maize Weevil neGrain Moth.

Varimi vanofanira kuziva kwavanokwanisa kutenga mishonga yechokwadi vachiwaniswa ruzivo maringe nemashandisirwo emishonga iyoyo.

Varimi vanofanira kutarisa mazuva anopera kushanda kwemishonga kuitira kuti vasazorasikirwe nemari apo vanotenga mishonga yakapera basa. Ngavakwashewo ruzivo kuvarimisi vavo uye kuvatengesi vemishonga vari muzvitoro.

Ndedzipi nzvimbo dzinonyanya kutambudzwa nezvipfukuto uye nezvikonzero zvei?

Nzvimbo dzese dzinotambudzwa nezvipfukuto nepamusaka pekuti goho rinofambiswa richiendeswa kunzvimbo dzakasiyana asi kune mamwe matunhu anonyanya kutambudzwa nechipfukuto cheLarger Grain Borer kupinda mamwe.

Ndezvipi zvirimwa zvinoganganiswa nezvipfukuto?

Zvirimwa zvakadai sechibage zvinotambudzwa nezvipfukuto zvemhamdo yeLarger Grain Borer, Grain Moth neMaize Weevil.

Bhinzi dzakaomeswa dzinogona kupfukutwa neBean Beatle apo Cowpeas dzichikanganiswa neCowpea Beatle.

Bazi rezvekurima nekuvandudzwa kwemadiridziro rinobatsira sei varimi?

Rinofundisa varimi nezvenzira dzekudzivirira zvipfukuto kuburikidza nepaterevhizheni, mumapepanhau neparedhiyo.

Rinoratidzira kushoo nekumisangano yeZimbabwe Trade Fair maringe neruzivo rutsva rwuri kuburwa.

Bazi iri rinodzidzaisa zvakare varimi pamwe nevarimisi maringe nekuchengetedzwa kwegoho.

Rinogadzirawo zvinyorwa zvakadai semaT-shirts nemabhuku anofundisa varimi machengeterwo egoho. Parizvino varimi 200 vakadzidziswa kugadzira matura esimbi uye vamwe 120 kugadzira matura ezvidhina akanaka.

Chikamu che74 percent chevarimi vechibage vari muZimbabwe varimi vadiki uye goho ravo rinenge riri rekudya nerekutengesa nokudaro zvakakosha kuti ringe richichengetedzwa zvakasimba kubva kuzvipfukuto kana kusanduka kwemamiriro ekunze.

Kushaikwa kwenzvimbo dzakanaka dzekuchengetera goho, ruzivo uye mamiriro ekunze anenge asina kumira zvakanaka zvinogona kuita kuti varimi varasikirwe negoho nechikamu che20 percent.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>