Zvakakosha kuziva pamusoro petb nehiv

19 May, 2017 - 00:05 0 Views
Zvakakosha kuziva pamusoro petb nehiv

Kwayedza

Kuna Chiremba —
Ndiri murume anorarama neutachiona hweHIV. Ndinogara ndichitya nguva nenguva apo ndinokosora, ndinotya zvakare kubatwa nechirwere cherurindi. Ndakanzwa kuti HIV neTB zvese zvakaipisisa.

Nditsanangurireiwo.

Ndini

Anetariro

Kuna Anetariro

Ndafara zvikuru kuti unokoshesa nyaya yeutano hwako. Ichokwadi kuti TB neHIV hazvisi nyore kuti zvinge zvichirwiswa panguva imwe chete asi zvinogoneka.

Chirwere cherurindi chinokanganisa mapapu nepahuro (pulmonary TB).

Inogona kukanganisa dzimwe nhengo dzemuviri (extra-pulmonary TB), dzakadai yemuuropi, mutsipa kana nzvimbo dzinoita mwandabvu.

Kana uri kurarama neutachiona hweHIV, pane mikana mizhinji yekuzova nechirwere cheTB nekuda kwekuderera kwemasoja emumuviri.

Zvisinei, unokwanisa kuderedza mikana yechirwere cherurindi kuburikidza nekutora mishonga yako yemaARVs zvakanaka.

Kana uri kurarama neutachiona hweHIV, ramba uchienda kunovhenekwa chirwere cherurindi nguva nenguva.

Ndingatapurirwei sei TB?

Chirwere chePulmonary TB chinotapuriranwa kana munhu anacho achinge akosora kana kuhetsura, utachiona hwacho hunobva hwafemwa nemumwe munhu.

Zvisinei, havasi vose vanobatwa nechirwere cherurindi vanobva varwara. Kune mhando mbiri dzechirwere cheTB dzinoti ‘Active’ ne‘Inactive’.

Active TB

Zvinoreva chirwere cherurindi icho chinopararira nemuviri wese nekudaro masoja emuviri anenge asisakwanisi kudzivirira zvimwe zvirwere mumuviri.

Zviratidzo zveActive TB zvinosanganisira:

◆ Kukosora kunodarika masvondo matatu nekupera simba zvakanyanya.

◆ Kupindwa nechando

◆ Kudikitira usiku

◆ Kushaya hanya nekudya

◆ Kupera simba

◆ Kuzvimba kuseri kwenzeve kuchirwadza.

Inactive TB

Kana munhu aine Inactive kana kuti latent TB, zvinoreva kuti muviri unenge usingakwanisi kurwisa TB kana kumisa humwe hurwere. TB iyi inenge isina zviratidzo nekudaro haikwanisi kutapurirwa kune vamwe vanhu.

Kune vamwe vanhu, TB inoramba isina zviratidzo kweupenyu hwavo hwese.

Inokwanisa kuzoonekwa kana masoja emumuviri anyanya kuderera, semuenzaniso nekuda kweHIV.

Zvakaipira musanganiswa weHIV neTB

—Zvinonetsa kuonekwa kuti une TB

— Inopararira nekukasika

— Inogona kuuraya kana ikanonoka kurapwa

— inogona kudzoka mushure mekurapwa

— inogona kurambana nemishonga.

Zvakakosha kuti vanhu vange vachivhenekwa HIV neTB kuti munhu ange achirapwa nekukasika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>