Uncategorized

Zvakakosha pakureva mendenenzi

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Rumbidzai Tawonezvi-Moyo —
VANHU vazhinji vanoendesa nyaya dzavo dzemendenzi kumatare edzimhosva vanenge vakazvimirira. Nokudaro chinyorwa chino chinofundisa veruzhinji kuti vangareva sei mendenenzi vachibudirira apo vanoenda mumatare edzimhosva.

Munyaya yemendenenzi mune mumhan’ari nemumhan’arirwi.

1. Ipa umboo hwezvinhu zvaunoshandisa:

Mari inorehwa nemumhan’ari pamendenenzi haingobvi mumusoro make bedzi asi kuti inofanira kuva neumboo maringe nezvinhu zvainoshandiswa. Zvakadai sekuva nebhajeti yepamwedzi saka mushure mekunzvera izvi panozobuda kuti imarii inodiwa nemumhan’ari pamwedzi. Iva nekapepa mumaoko apo unopinda mudare kanokubatsira kukutondedza maringe nezvinhu zvinenge zviri kudiwa kuitira kuti mutongi ange achitenderana nezvaunoreva. Kuti zvibudirire, panodiwa umboo hwezvauchashandisa mari yauri kureva zvakadai semarisiti emari yechikoro, mayunifomu kwaunoatenga wokumbira marisiti emitengo.

Kana uri kureva mari yegirosari, kumbira marisiti kuzvitoro zvaunotenga kusanganisira emitero nezvimwe. Magwaro iwayo anobatsira kuti mutongi aone kuti mari dzauri kureva hadzina kuwandisa.

Dare haringopi zvakare mutongo kumumhan’arirwi kana richinge raona kuti mari dzauri kureva haadzikwanisi.

2. Zvinoda vaviri mukuchengeta vana:

Rangarirai kuti kana muchireva mendenenzi dare haringotarisi kuti mumhan’arirwi ave iye oga anobhadhara mari asi kuti vaviri vakaita mwana iyeye vanofanira kubatsirana. Kuchine pfungwa yekuti baba vemwana ndivo bedzi vanochengeta mwana, asi kwete baba naamai ndivo vanoita izvi. Saka kana dare rikange raona kuti uri kureva mari yakadai se$500 rinogona kuikamura nepakati kuti munge muchibatsirana.

3. Zadzikisawo kuti uri munhu anogona kuchengeta mwana wako:

Dare rinoda kuziva kuti iwe pachako unogona kuchengeta mwana. Rinoda kuziva kuti unoshanda here kana kuti kwete uye kwaunowana mari. Zvakakosha kuti uve nemagwaro epeyi yaunotambira kudare seumboo. Izvi zvinobatsira dare kuti rione kuti ungabhadhariswa marii.

4. Gona kupa umboo hwekuti mumwe wako anowana mari kupi uye yakamira sei:

Izvi zvinogona kurema asi zvakakosha kuti uwane mendenenzi yako. Sokuti kana mumhan’arirwi akati haashandi unogona kupa dare umboo maringe nezvimwe zvinhu zvaanoita muupenyu zvinomupa mari. Kana achishanda uya nemagwaro epeyisiripi (payslip) yake kudare.

5. Iva wakavimbika:

ZWLA inokurudzira kuti vanhu vave vakavimbika apo vanoreva mendenenzi. Usanyepera dare kana kuwedzera huwandu hwemari inotambira munhu kana yako kuti ive shoma kuti dare ribvume, kwete. Kunyepa kunopa dare pfungwa yekuti uri munhu asina kuvimbika nekuti dare rinoita ongororo yezvose saka ukanyepa rinogona kuzokupa mutongo usingafadzi iwe. Mendenenzi ngaive mari yechokwadi yekurera vana kwete zvimwe zvinhu.

6. Usareva mari yakawandisa:

Vanhu vazhinji vanofunga kuti kana vakareva mari yepamusoro sekuti mwana anenge asiri kuenda kuchikoro, vonyora kuti ave kuenda kuchikoro zvinovabatsira zvinove zvisiri izvo.

Kana mari yezvinhu zvaunoshandisa pamwedzi ikawedzera zvinoreva kuti unokwanisa zvakare kuenda kumatare edzimhosva kunoiwedzeresa

SeZWLA tinovimba kuti ruzivo rwatinokupakurirai rwuchakubatsirai zvakanyanya mukureva mendenenzi.

. Makasununguka kutumira pfungwa dzenyu padandemutande rinoti: [email protected] <mailto:[email protected]>, kutibata panhamba yeHotline inoti 0782 900 900, 0785 023 840 kana yeToll free inoti 08080131.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>