Zvakakoshera kutora mishonga yeHIV nemazvo

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Zvakakoshera kutora mishonga yeHIV nemazvo

Kwayedza

Kuna Chiremba

Ndiri mudzimai ane makore 32 okuberekwa uye ndichangobva mukuonekwa kuti ndine utachiona hweHIV. Pakiriniki vakandiudza kuti ndinonwa sei mishonga yangu asi ndinonzwa kuti ndinoda rumwe ruzivo. Ndinonzwa kakawanda vamwe vachiti vanombokanganwa kunwa mishonga yavo apo vanenge vari mubishi kuita mabhindauko akasiyana ekutsvaga mari.

Ndingatore sei mishonga yangu apo ndinenge ndichitsvaga zvinondiraramisa?

Ndapota nditsanangurireiwo kuitira kubatsira ini nevamwe vane dambudziko rakafanana nerangu kuti tingatore mishonga yedu zvakanaka sei.

Ndini Positively Positive

Kuna Positively Positive

Ndinotenda nekunyora kwawaita. Ichokwadi kuti vakawanda vanopedzisira vofunga zvekutsvaga mari vachikanganwa kunwa mishonga yavo. Ndinofarawo nekuti kune vamwe vakaita sewe vanokoshesa utano hwavo.

Vanhu vanosvika 900 000 muZimbabwe vari pachirongwa chekunwa mishonga yeHIV cheanti-retroviral therapy (ART). Zvakakosha kunwa mishonga iyi nguva dzose, sezvinenge zvakataurwa kuchipatara kana kukiriniki.

Mishonga iripo parizvino hairape utachiona hweHIV. Asi, mubatanidzwa wemishonga iyi unodzikisa huwandu hweutachiona hweHIV muropa rako (viral load) uye kuti husarambe huchibereka humwe hutachiona.

Izvi zvinoita kuti masoja anorwisa zvirwere mumuviri arambe akasimba uye achikwanisa kudzivirira zvimwe zvirwere.

Zvakadai, zvakakosha kuti utore mishonga yako yeHIV nemazvo. Kusatora mishonga iyi nemazvo kunogona kureva kuti huwandu hwemishonga iyi muropa rako hunenge husiri padanho rinotarisirwa kuti hunge huchirwisa utachiona hweHIV. Kana zvikadai, utachiona hweHIV hunogona kuberekana.

Izvi zvinoita kuti nekufamba kwenguva mishonga yaunenge uchitora itadze kushanda mumuviri zvachose zvinoreva kuti haukwanise kunge uchibatsirika pautano hwako.

Kana kutora kwako mishonga kusingafambe zvakanaka zvinoreva kuti viral load yako inokwira ukuwo CD4 cell count yoderera.

Mamiriro ezvinhu akadai aya anowedzera mukana wekuti unge uchirwara nekuda kweHIV.

Kana viral load yako ikawedzera zvakanyanya, unogona kusandura mishonga yaunenge uchitora. Asi, mishonga mitsva iyi inogona kukunzoresa zvimwe zvange zvisipo. Utachiona hweHIV hunogona zvakare kutadza kudairirana nemishonga yakada kufanana neyawainge uchitora.

Kana mishonga yeHIV ikanyatsotorwa zvakanaka inodzikisa viral load mumvura inobuda munhengo dzesikarudzi.

Izvi zvinodzikisa zvikuru mukana wekutapurirana utachiona hweHIV panguva yebonde. Kushandisa makondomu kunoderedzawo mukana uyu zvakare pamwe nekudzivirira iwe nemudikani wako kubva kuzvirwere zvepabonde.

Gara uchiziva kuti kuva nezvirwere zvepabonde zvakadai sechlamydia kana gonorrhoea, kunogona kuita kuti HIV viral load yako mumvura inobuda nhengo dzesikarudzi iwedzere, izvo zvinogona kuita kuti utachiona huberekane.

Kana uri pachirongwa cheART pota uchienda kungave kukirinikia kana kuchipatara chiri pedyo uchiongororwa kuti mishonga yaunenge uchitora iri kuwirirana newe here.

Chiremba

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey