Zvakakoshera kuyamwisa mwana

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Zvakakoshera kuyamwisa mwana

Kwayedza

KUYAMWISA
Muchaneta Chimuka

MADZIMAI ane utachiona hweHIV nevasina vane kodzero yekuyamwisa vana. Zvisinei, pane mikana yekuti utachiona hunogona kutapurirwa kumwana kuburikidza nekuyamwisa, nekudaro zvakakosha kuti mudzimai ane utachiona hweHIV vawaniswe mazano nemachiremba mushure mekusununguka kuti paonekwe kuti ndeipi nzira yekuyamwisa yakakodzerana naye.

HIV iri nyore kutapurirwa kuvana vanenge vachipihwa kumwe kudya panguva yavanenge vari kuyamwiswa nekuti kudya uku kunokanganisa ura hwevana.

Zvakakosha kuti vana vapihwe mukaka bedzi dakara vasvitsa mwedzi mitanhatu yekuberekwa, vazoramba vachiyamwisa nekupihwa kumwe kudya kwemakore maviri kana kudarika.

Madzimai ane utachiona anokurudzirwa kuyamwisa vana vavo kana pachinge paonekwa kuti hapana mikana yekuti vange vachivatapurira uye vanogona kuyambirwa kuti vavape mukaka wemumagaba.

Chakakoshera kuyamwisa:
Zvinhu zvine njodzi kuti mamwe madzimai ari kuonekwa achiregedza kuyamwisa vana vachityira kuti mazamhu avo angazogara akarembera kana kutotya kuyamwiwa, pakati pezvimwe zvikonzero.

Kana mwana akasayamwiswa zvakakwana havakure zvakanaka. Mukaka wekutanga, uyo unodaidzwa kuti munamba (colostrum), unobatsira mukurwisa zvirwere kumwana nokudaro madzimai haafanire kuurasira nekuda kweruvara rwawo.

Mukaka waamai unoita kuti mwana asaite dambudziko renhova nekuti mumuviri make munenge muchiwana mvura yakakwana.
Mukaka wemuzamu haudhure nekuti unongowanikwa nguva dzose. Kana mwana akayamwiswa zvizere, anokura ari chigwindiri kana zvichienzaniswa neuyo anoshaiswa mukana uyu.

Panyaya dzemanyoka, mwana anoyamwisa mukaka wemuzamhu raamai haabatwe nemanyoka nyore.

Matambudziko ekusayamwisa:
Kune vana vakawanda vanonzi vari kufa nekuda kwekusayamwiswa. Vana vanokasika kubatira zvirwere zvakasiyana apo neapo.
Vana vasingayamwiswe vanokundikana kukura zvakanaka (stunted growth) zvekuti vamwe vanononoka kana kutadza kufamba zvachose.

Vana vanenge vafirwa:
Vana vanenge vafirwa nevabereki vanopihwa mikaka yemumagaba kana kukamirwa wembudzi kana wemombe kwemwedzi mitanhatu yekutanga. Mukaka une kudya kwe’iron’ uko kunobatsira mukusimbisa mabonzo nokudaro panotofanira kutsvagwa nzira dzekuti mwana auwane.

Makare-kare, vana vaifirwa nevabereki vaipihwa mukaka wehama dzakaita saambuya kana tete.
Iko zvino tsika iyi haichakurudzirwa neveutano nekurerwa kwakanaka kwevana mushure nekuonekwa kuti inobatsira mukupararira kwezvirwere neutachiona hwakaita seHIV.

Veutano kare vaikurudzira kuti munhu anenge azvipira kuyamwisa mwana asiri wake aifanira kunovhenekwa utachiona hweHIV nezvimwe zvirwere asati aita izvi.

Mushure meizvi, munhu anenge aonekwa kuti akakodzera aizopihwa mishonga inoita kuti akwanise kusisa kana kuti kubuda mukaka (wet nursing).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey