Zvakasangana nemurimi wefodya

21 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Zvakasangana nemurimi wefodya

Kwayedza

Yvonne Mutava —
MURIMI ane mukurumbira – VaMadyavanhu Odman (47) – vakatanga kurima fodya mugore ra2006 uye havana kuzombodzokera kumashure.

Muna 2008, vakatenga chigayo, 2010 ndokutenga mombe, rori yetwo  tonne netende rekuvharisa fodya yavo pakuitakura mugore ra2015.

“Iye zvino ndave kukwanisa kutenga zvekushandisa mukurima fodya yangu nekudaro handichapihwi rubatsiro nemakambani anopa makondirakiti. Ndave kuzvimirira uye ndave padanho riri nani kana zvichienzaniswa neapo pandakatanga. Kunyangwe musha wangu, watsiga parizvino,” vanodaro vachinyemwerera.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndakapindawo mubasa rekutakura fodya nekuti ndakaona kuti avo vanotakura fodya kuenda nayo kumusika varimi vakafanana neni. Izvi ndizvo zvakaita kuti nditenge rori yangu. Ndakatanga kutakura fodya ndichienda nayo kumusika muna 2015. Zvisinei, ndakanga ndisina kunyoresa semutakuri wefodya zvakaita kuti ndisangane nezvimhingamipinyi zvakawanda. Handaiziva kuti pane nzira iri nyore yekubhadharwa mari yekushandisa stop-order mushure mekunge ndakatura fodya yevarimi. Kutsvaga varimi kuti vandibhadhare mari yangu yekutakura fodya mushure mekunge vabhadharwa vatengesa raive dambudziko chairo.

“Mwaka wapera, ndakashandisa stop-order yeshamwari yangu asi izvi zvakave nedambudziko zvakare saka ndakazoronga zvekuve neyangu mwaka uno mushure mekunge mukuwasha wangu – uyo ashandisa nzira yestop-order iyi kwemakore matatu – andipanga mazano achiti pakange pasina dambudziko kuti munhu anyorese kuti anoda kupota achitakura fodya yevarimi achiiendesa kumusika.

“Ndakakwanisa kudzora $8 000 iyo yandakashandisa kutenga rori iri nemari yandakawana mwaka wadarika. Nerori rangu retwo tonne, ndinowana mari imwe pamusoro inosvika $1 300 pasvondo pamatiripi maviri ekuenda nefodya kumusika. Pamusoro pezvo, ndinopawo varimi mari yebhazi neyekutenga zvekudya muHarare. Mari iyi vanozondidzosera apo vanenge vatengesa fodya yavo. Ndinopa rubatsiro urwu nekuti panotanga mwaka wekutengeswa kwefodya, vamwe varimi vanenge vasina mari.

“Pakudzoka nevarimi kuminda yavo kwavanorimira, ndinotakurawo fetereza nemimwe midziyo yavanenge vatenga apo vanobhadhara kamuripo kaduku-duku.

“Kuti munhu akwanise kutakura fodya kuenda nayo kumusika anofanira kuve anoremekedzwa nevarimi pamwe nekugona kuzovabatsira kana vachinge vasangana nematambudziko.

“Kana murimi akatadza kundibhadhara mari yangu nenguva, handimhanye kunomhan’ara kumapurisa, asi kuti  ndinomupa nguva, dzimwe nguva mwaka wose kuti abhadhare chikwereti changu.”

Zvakadai, TIMB inokurudzira varimi kuti vashandise motokari dzakanyoreswa pakutakura fodya yavo kuenda kumusika pamwe nekuivhara netende kuitira kuidzivirira kubva kumvura yekunaya nemamwe mamiriro ekunze.

Pakushandisa rori dzakanyoreswa, varimi havaise hupenyu hwavo panjodzi nekugara pamusoro pemabhero efodya apo vanenge vachienda kumusika.

Kuti munhu anyorese kutakura fodya, anofanirwa kuve nephotocopy yebhuku remotokari, photocopy rechitupa, pasipoti kana rezinesi rekutyaira pamwe ne$150 kana achinyoresa kekutanga uye $100 kana akambonyoresa kare, ndokunge kana munhu achinyoresa akazvimirira.

Kana munhu achinyoresa sekambani, panodiwa photocopy yebhuku remotokari, gwaro reCR14, certificate rekambani, tax clearance certificate pamwe nemari yekunyoresa $150 kana kari kekutanga ne$100 kana akambonyoresa.

Kana munhu akabudirira kunyoresa, TIMB inomupa nhamba yaanoshandisa kubvisa mari yake (creditor number) apo mabhero anenge apinzwa mumusika asi ndokunge murimi ange asina kubhadhara kare kutakurwa kunenge kwaitwa fodya yake.

Kumusika unotengeswa fodya, anenge atakura fodya anofanira kuzadzikisa stop-order inenge iine zita remurimi, growers number, nhamba yemabhero nemari yavanenge vawirirana uye murimi anofanira kuzoisa runyoro rwake kuratidza kuti ari kuwirirana nazvo.

Murimi anofanirwa kukanzura stop-order inenge yaitwa asi iye akabhadhara kare munhu anenge amutakurira fodya yake.

Anenge atakura fodya haatenderwe kuti anyore magwaro maviri panguva imwe chete ekuti abhadharwe mari nemurimi mumwe chete pamisika yakasiyana kana kuti musika mumwe chetewo.

Kunyoresa semutakuri wefodya kwakanakira kuti munhu haamirire kuti murimi atange abhadharwa mari yake kuitira kuti azomubhadharawo.

Varimi vanenge vakachengetedzekawo nekuti vakanyoresa havakwanise kungonyandadika nemabhero efodya.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey