Uncategorized

Zvehuchapa bodo: EMA

04 Feb, 2016 - 22:02 0 Views
Zvehuchapa  bodo: EMA

Kwayedza

neveEMA
SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) rinoti zvakakosha kuti vanamuzvinhabhizimisi vachengetedze nzvimbo dzavanoshandira dzakachena nedonzvo rekurwisa kunyuka kwezvirwere zvinokonzerwa nehuchapa hwekurasira marara pose-pose.

“Ivo varidzi vemagirosa vanofanira kuchengetedza nzvimbo dzavari dzakachena kwete kungosiya zvakadaro,” inodaro EMA.

Sangano iri rinoti kusvika pari zvino, rasungisa vanhu vanosvika 700 avo vakaonekwa vachirasira marara pose-pose.

Vemakambani, makanzuru nezvikoro vanokurudzirwawo kupinda muzvirongwa zvekuchengetedza nharaunda dzakachena.

Share This:

Sponsored Links