‘Zvekuimba zviri mudzinza’

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
‘Zvekuimba zviri mudzinza’

Kwayedza

Abel Ndooka —
MUSHAKABVU James “The Bindura Lion” Chimombe muimbi aive nemukurumbira zvikuru munyika yeZimbabwe.

Chimombe akazvarwa mugore ra1951 kuChivhu asi ndokuzokurira kuHighfield muguta reHarare uko kwaakatanga kudzidzira kuridza gitare panguva yaaienda kuchikoro.

Achitanga kupinda munyaya dzemhanzi, Chimombe akashanda nezvikwata zvakasiyana zvinosanganisira Pop Settlers, Acid Band, Ocean City Band, Ok Success neHarare Mambos.

Akamboita kanguva achishanda neReal Sounds of Africa vachiimba musambo weRhumba uyo aifarira zvakanyanya uye panguva iyi ndipo paakaburitsa kambo kake kanonzi Chigwaya.

Tarenda raChimombe rekunyora nziyo nekuimba rakatanga kuonekwa paaive kuOK Success apo paakanyora kambo kanonzi George Mudiwa ako kakanetsa zvikuru.

Panguva yaaive kuchikwata ichi, vakawana mukana wekuridza munzvimbo dzakasiyana uye vakambopihwa kondirakiti paMushandirapmwe Hotel, kwaMachipisa kuHighfield kwemakore matatu.

Mugore ra1983, akapinda muchikwata cheOcean City Band ndokutanga kuchitungamira achimba pamwe nekuridza gitare.

Ari kuchikwata ichi, Chimombe akaita mukurumbira ndokutsikisa nziyo dzinosanganisira Cecilia, Siya Waoneka, Mavanga uye naJikinya.

Mugore ra1988, Chimombe akabva kuOcean City Band ndokuvamba chikwata chake cheHuchi Band apo akatsikisa madambarefu maviri.

Panguva yaaiimba, Chimombe aizivikanwa sa ‘The Bindura Lion’ kuburikidza nekambo kake kanonzi Bindura ako kakaita mukurumbira zvikuru.

Muchinda uyu akazoshaika mugore ra1990 mushure mekunge arwara kwenguva ndefu.

Akaimbawo nziyo dzinoti Siya Waoneka nedambarefu – Jemedza.

Pana Jemedza, akaimba pamusoro pezvevadzimu vake kumusha kwake kwaakabva kuChivhu.

Vanhu vazhinji vaiziva Chimombe ari muimbi asi muchinda uyu akange ari murairidzi zvakare wemimhanzi kuchikoro cheZimbabwe College of Music.

Mwanakomana waChimombe – Freddy – akambozama kusimudzira mhanzi yababa vake.

Zvisinei, Freddy akakwanisa kutsikisa dambarefu rimwe chete ndokuzoshaya mugore ra2012

Mwanasikana waChimombe – Tendai – ndiye parizivino ave kutungamira chikwata cheHuchi Band. Mugore ra2015, akaburitsa dambarefu rake rekutanga rinonzi Tribute to the Legendary – James Chimombe.

Zvakadai, muhurukuro neKwayedza, Tendai anoti baba vake vakadzidzira zvekuimba apo vaitevera matsimba asekuru vavo – Tarwiraushe – avo vaiimba vachiridza mbira.

Anoti kambo kababa vake kakanetsa zvikuru kainzi Jikinya kari pamusoro pasekuru vavo ava vanonzi vakapfuma pamwe nekuvaka imba nemari yekutamba jikinya.

“Chandinoziva ndechekuti sekuru vedu VaTarwiraushe – avo vaive sekuru vababa vangu – vaiimba uye vachiridza mbira. Saka zvinogona zvirizvo zvakatuma baba vangu kuti vatange kuimba. Nekuti mukanyatsotereresa kambo kavo kainzi Jikinya kanotaura zvikuru pamusoro pasekuru vedu VaTarwiraushe,” anodaro.

Chimombe pakambo Jikinya anoimba nemashoko anotevera: “Sekuru vangu Tarwiraushe varume woye vakapfuma nekutamba jikinya.

Vakavaka musha wavo varume hoyee hoyee nemari yekutamba jikinya.

Vakazondirerawo varume hoye hoye nemari yekutamba jikinya.

Regai zvangu nditambe jikinya. Chokwadi hazvimbonyadzisa.”

Tendai nguva pfupi yadarika akatsikisa zvakare kambo katsva kanonzi Chava Chirungu ako akaimba naChief Hwenje.

Zvakadai, anoti baba vake munhu aive nerudo nemhuri yavo uye chinhu chaive chakavakoshera kuona mhuri yavo yakagara zvakanaka.

“Baba vangu kuti vazoita zvemagitare pamwe nekufundisa mhanzi munhu aishanda nesimba kuti vatiriritire kuti isu tigorarama hupenyu hwakanaka uhwo ivo vakakundikana kuwana pakukura kwavo,” anodaro Tendai.

Nziyo dzakaita mukurumbira dzakatsikiswa naChimombe dzinoti:

Mukuwasha

Muchiti Mugere

Zvaitika

Siya Wawoneka

Jemedza

Zviwuya Zviri mberi

Kudakwashe

Chawana Mumwe

Cecilia

Zvakaoma

Bindura

Munakandafa

Masutu [5]

Muchiti Mugere

Jemedza

Siya Waoneka

Mukuwasha

Mavanga

Nherera

 

Share This:

Sponsored Links