Zvekuita kumunhu anwa muchetura

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Zvekuita kumunhu anwa muchetura

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KUNE nzira dzakawanda dzinoita kuti muchetura unge uchipinda mumuviri wemunhu. Muchetura unogona kupinda mumunhu nemukanwa kana kuufema kana ndokunge uri mweya. Michetura mizhinji inokurudzirwa kuti inge ichigara kure nevana sezvakaita mishonga yekuuraya makonzo, umhutu, mapete netumwe tumbuyu. Izvi zvimwe chetezvo neinotsvukisa ganda, kerosene, peturu kana parafini. Zvekuita kana munhu achinge atora muchetura?

Endesai murwere kukirinika kana kuchipatara nekukasika. Musaedze kurutsisa munhu anenge atora muchetura wakadai separafini, maasidhi akawanda, wax, peturu nezvimwe. Edzai nepose pamunogona kupedza simba remuchetura nekupa murwere mvura yakawanda yekunwa nezvimwe zvinwiwa kana mukaka.

Kana munhu achinge amedza mishonga yemiti ine uturu, zvakakosha kuti ange achirutsiswa kuitira kuti ubude mumuviri wake. Kurutsisa murwere kunogona kuitwa nenzira yekumupa komichi imwe chete izere nemvura iine zvipunu zvitanhatu zvemunyu moramba makatsimbirira rurimi nechepasi. Itai kuti munhu arutse kusvika zvose zvapera.

Kana munhu achinge afenda kana kuti asizazive zvaari kuita, musamupe mvura kana zvimwe zvinwiwa. Kana achinge atora muchetura wakawanda uye ave kunzwa kurwara mushure mekufema hutsi hwemotokari, pendi kana mushonga wetumbuyu, zvakakosha kuti akasike kuendeswa kuchipatara.

Mashoko aya ari mubhuku rakadhindiswa nesangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group rinodaidzwa kuti ‘’Utano Hwako, Upenyu Hwako’’.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>