Zvekuromba zvinozvimbira

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Zvekuromba  zvinozvimbira

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya inorovesa hana uye ichidzidzisa veruzhinji kuti muupenyu, munhu anofanirwa kudya zvinobva mudikita kana kuti ziya rake kwete kuwana pfuma nekuromba.

Nyaya iyi ndeye imwe mhuri yekuMt Darwin, iyo iri kubuda pachena kuti haina rugare nekuda kwemishonga yakarombwa nababa nemwanakomana wavo.

Baba ava vava mushakabvu asi mwanakomana mupenyu uye ari kuita kuimba chaiko pamusoro pemabasa ekuromba avakaita.

Mwanakomana uyu — zvose nababamudiki vake avo vakapihwa nhaka yemushakabvu — vanoti vane tsvimbo netsvimbo yekuromba iyo yavanoshandisa kutora kana kuti kuba mari mumabhanga, muzvitoro kana kuvanhuwo zvavo. Kunze kwetsvimbo iyi, mwanakomana wekuromba nababa vake uyu anoti ane kamushonga keraki kaakatora kuChipinge, ako kakazosanduka kakaita kadhori kave kumushaisa rugare.

Mhuri imwe chete iyi ndiyo zvakare ine nyaya yakabuda mubepanhau rino svondo rapera apo yaiti yagara nemutumbi mitatu yehama dzavo mumba kwemakore anodarika 20.

Mitumbi iyi inonzi yakatorwa nababa vavo kuburikidza nemishonga kumakuva. Mwanakomana vemushakabvu uyu haazi kana kumbonyara kutaura kuti ndiye akaenda nababa vake kuChipinge kunotsvaga mishonga iyo yaunza hurombe nerufu mumhuri.

Vanasikana vemumusha uyu vanonziwo havaroorwe uye kana vakaroorwa, vanorambwa zvisina tsarukano kana kungotiza voga kuvarume.

Zvakare, vanonzi vanoitwa vakadzi vezvikwambo.

Zvakadai, tsvimbo yakarombwa iyi — iyo inounza mari mumhuri – inonzi haisi kuonekwa mushure mekungotsakatika.

Zviri pachena kuti mhuri iri yakatarisana nematambudziko makukutu.

Zvinotokahadzisa kunzwa kuti kune mumwe wemumhuri iyi akatogara nhaka yeimwe yepfuma yekuromba – kusanganisira tsvimbo inoba mari iyi. Zvino tsvimbo yacho yakamutiza.

Matambudziko ari kusangana nevemhuri iyi chidzidzo kune veruzhinji kuti pfuma inowanikwa kuburikidza nemishonga inozvimbira.

Sekutaura kwemwanakomana wekuromba nababa vake uyu, anoti mazuva azvaivafambira, vaiwana mari yakawanda chaizvo vachishandisa tsvimbo iyi asi mari yacho hapana zvinhu zvisvinu zvayakashanda kunze kwekutengesa chikafu. Chimwe chiri kunetsa zvakare zvinonzi n’anga yakapa mushakabvu uyu mushonga wekuromba iri kuti yava kuda kuripwa nemombe 13 kuti idzoserwe zvinhu izvi. Vemhuri iyi vanoti havana kana mombe inoti buu. Nhasi uno mhuri iyi yakatarisana nematambudziko gumi nefararira nekuda kwehama dzavo dzakanoromba dzichitsvaga kupfuma.

Dzakawanda mhuri mazuva ano dziri kutambudzwa nekuda kwehushereketwa hwakaitwa nemadzitateguru.

Chinoshamisa ndechekuti zvisinei nekuti veruzhinji vanonzwa pamwe nekuverenga pamusoro penyaya dzerudzi urwu, kune vamwe vanozviita vanachandagwinyira avo vanoramba mishonga yakaipa. Muupenyu munhu shanda nesimba ugowana pfuma nenzira dzakanaka nekuti pfuma yekuromba haina kumbosiyana nekuzvisikira moto muziso. Zvakakosha kuti vabereki vasiire vana vavo nhaka dzisingazovatambudza mune remangwana pane kuvasiira zvikwambo nemimwe mishonga yakashata.

Share This:

Sponsored Links