Zvekutarisa panhetembo

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
DZINONYANDURA Svinga Renduri muunganidzwa wenhetembo dzemazuva ano dzine madingindira akasiyana-siyana. Mamwe amadingindira aya anosanganisira akapihwa pazasi:

Madingindira edzimwewo nhetembo

Dingindira rerayiro kana kuti nhango

Nhetembo dzakanzi Dzidzo p.2 uye Ndimandishamise naCatherine Mapanda, p.3. Pasvomhu yacho naWakandijaidza kubva kuna Sharon Ngomani, p.6 na7.

Idzai Iris Mashayabasa nedetembo rinonzi Wotokwinya p.76. Rabison Shumba nenhetembo dzinoti, Nyakutumbura p.16 naNhaurwa Muchizarira p.17.

Brian Tafadzwa Penny anonyorawo pamusoro perayiro munhetembo dzake dzinoti, Ngoma Kunakidza p.45, Mwana, p.48, Ngoma Kudya p.46 naUnatwo Chete p.47. Edwin Msipa – Rufaro p.51, Dai p.52, Havasi vose p.53. Tinashe Muchuri – Ticha vanoti p.84, Ndomuwanepi p.85, Chaira Nedzevamwe p.86, Chifumi Chekisimusi Zvimbokoma p.88. Chenjerai Mazambani – Rusununguko p.93, Mombe Yamai p. 96, Musandichemedza p.99, Mazivazvose p.100, naBatai vanhu p.102.

Dingindira rekunyunyuta/nyunyuto/kutsutsumwa:

Conarth Macheka – Misodzi p.22, naKumba kwedu p.23. Rodwell Harinagoni – Mupfura p.31. Brighton Muponda – VaZindoga p.42. Mildred Jaricha – Moyo wangu p.62. Idzai Iris Mushayabasa – Ndotamba mutambiroyi p.75. Ndoda mukoho wangu p.15 naRabison Shumba.

Dingindira rerudo:

Sharon Ngomani nedetembo rake rinonzi, Zvinoda moyo wangu p.9. Rabison Shumba – Ndonda hangu p.11. Conarth Macheka – Ndinoda p19 naNdakanyora pasi p.25. Rutendo Tapiwa – Bu bu bu p.34. Mildred Jaricha – Enda nerugare p.58, Ko iye p.55, Mhai p.60 naAsatye zvake p.64.

Davison Mudzingwa – Nokuda kwako p. 67 naZiso rako p.73. Evidence Makuni – Ndinange p.78. Tinashe Muchuri – Rwendo p.83.

Zvinotarisirwa kumudzidzi:

Nhetembo ngadzizivikanwe nemhando dzadzo

Nhetembo ngadzidzidzwe nemadingindira adzo

Ziva musoro wedetembo

Pfungwa huru dzinobuda munhetembo imwe neimwe yaunenge wakaverenga

Ipa detembo nepapfupi

Zvidavado zvakashandiswa nanyanduri

Zvidzidzo zvinobuda munhetembo

Ziva kutsanangura pfungwa dziri mudetembo setsigiro kana kunyurura mitsara inokosha kuti uzoitapa zvakanaka

Sarudza nhetembo shanu dzinoratidza rairo dzakasiyana-siyana uchiona zvinorairwa mune imwe neimwe yadzo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey