Zvemadhirama zviri muropa: Muchaneta

22 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Zvemadhirama zviri muropa: Muchaneta

Kwayedza

SHASHA yemitambo yemadhirama nekuimba Kessia “Muchaneta” Musonda anoti kushanda nesimba uye nekuziva Mwari ndiko kwaita kuti akwanise kusvika paave parizvino.

Muchaneta – uyo anozivikanwa nedhirama rinosetsa zvikuru rinonzi “Muchaneta” paZTV apo anenge achishungurudza murume wake, Josphat, pamwe nevabereki vake – anoti anotenda Mwari nekumupa chipo chekuita zvemadhirama pamwe nekuimba.

“Zvinhu zvinorwadza kuzviita zviri zviviri – mhanzi nemadhirama – asi ndiri kukwanisa kuzviita nekuda kwenyasha dzaMwari. Zvimwe zvacho zvinoda kuti unge uchishanda nesimbawo pauri,” anodaro.

Muchaneta akaberekwa mugore ra1980 kuMarondera mumhuri yevana vatanhatu uye iye ndiye gotwe. Anoti akatanga kuita zvemhanzi mugore ra1999 uye ndokuzopinda mune zvemadhirama muna ra2004.

“Ndakabva kare ndichiita zvirongwa zvakasiyana zvinosanganisira “Waiters” asi dhirama ra”Muchaneta” ndiro razondisimudza kusvika pandave,” anodaro.

Anoti ari kutevera matsimba eaimbova shasha yemitambo yemadhirama pamwe nekuimba Safirio “Mukadota” Madzikatire.

“Mukadota raive gamba rangu, ndakakura ndichimufarira zvikuru zvakazoita kuti nditange kuita zvemhanzi nemadhirama. Kubva ndichiri mudiki ndaienda kumashoo aMukadota uye ndakatoberekwa kumusana chaiko, ndiko kutanga kwandakaita kuyemura basa rake,” anodaro.

Muchaneta – uyo ane vanakomana vaviri vane makore 10 ne17 ekuberekwa – anoti pese paanoenda kuchikoro kwavo vamwe vana vanenge vachimudeedza vachiti “Muchaneta” uye iye anongoseka nemufaro sezvo vari ivo vari kuita kuti dhirama iri riite mukurumbira.

“Kuchikoro kwevana vanenge vachiti ‘Muchaneta’, vanofara chaizvo vakandiona asi ndazvijaira nekuti rutsigiro urwu ndirwo runoita kuti dhirama raMuchaneta rirambe richinetsa,” anodaro.

Mudhirama iri, shasha iyi inozivikanwa ari munhu anopopota zvikuru asi anoti izvi zvakatosiyana nehupenyu hwaanorarama.

“Kessia naMuchaneta vakatosiyana nekuti Mucha anopopota kuti anzwikwe zvaanenge achida kuburitsa kozoti Kessia anoda zvekufara uye zvese zvaanotaura anozvitaura nenzira yekufara.

“Asi vese vanhu vanotaurisa vakasununguka, vakazvimirira uye vanorwisa nhau dzekudzvanyirirwa kwemadzimai,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links