Zvemari hazvisi zvedu: Katsande

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Zvemari hazvisi zvedu: Katsande

Kwayedza

‘. . . chedu kutamba bhora’

KAPUTENI weWarriors, Willard Katsande, anoti rwendo rwavo rwekuenda kumutambo weAfrican Cup of Nations (AFCON) kuGabon gore rinotevera muna Ndira rwange rwusiri nyore uye havasi kuswera vachitemwa nemusoro nenyaya yekuti sangano reZifa riri kuti harina mari yekuti vaende kunokwikwidza sezvo risiri basa ravo.

Izvi zvinotevera nyaya yakaburitswa neKwayedza svondo rapera apo Zifa iri kuti haina kana kobiri rekuti maWarriors nechikwata chemadzimai chenyika chemaMighty Warriors vaende kunokwikwidza kuAFCON. Zifa iri kutopemha rubatsiro rwemari kumasangano akasiyana.

MaMighty Warriors achanokwikwidza kuAFCON yemadzimai iyo ichatambirwa kuCameroon kutanga musi wa19 Mbudzi ichizopera musi wa3 Zvita gore rino.

Katsande, uyo anotambira Kaizer Chiefs yekuSouth Africa, anoti vatambi vemaWarriors basa ravo ndere kutamba nhabvu chete munhandare.

Muchinda uyu anoti ibasa reZifa rekuvatsvagira mari yekuti vaende kuGabon gore rinotevera.

“Tiri nyanzvi mukutamba nhabvu, ndinozviziva kuti kutaura kuno Zifa iri kushanda nesimba kuti tinge takagadzirira kuenda kumutambo mukuru wemuAfrica uyu uye tivarakidze kuti isu zvizvarwa zveZimbabwe tinogonei,” anodaro.

Bute kana kuti Salt n Vinegar, sekuzivikanwa kunoitwa Katsande munhabvu, anoti rwendo rwavo rwekuenda kuGabon rwakange rusiri nyore uye vakatorwa semvumba kuti vabudirire kuenda kumakwishu aya.

Anoti chishuwo chavo ndechekuti vatore mukombe weAFCON uyo wakahwinhwa  neIvory Coast mugore ra2015 apo mutambo uyu wakatambirwa kuEqutorial Guinea.

Anoti zvakakosha zvikuru kuti Zifa imhanye-mhanye kuvarongera mitambo yehushamwari nezvikwata zvakasimba izvo zvinovabatsira kuti vaongorore matambiro avo vasati vaenda kuGabon.

“Kuenda kuAFCON kuchange kusiri nyore saka tinoda kuti zvizvarwa zvose zvemuno zvinge zvichititsigira nemwoyo wose kuti tigohwinha. Isuwo sechikwata tinoda chaizvo mitambo yehushamwari nechikwata chimwe chikuru chekuWestern Africa nechimwe chekuNorthern Africa. Kana tikasangana nazvo tinenge tabikika tangomirira kunokwikwidza,” anodaro Katsande.

Katsande anoti iye pamwe nevamwe vatambi wemaWarriors vari kugara vachikurukura nguva nenguva pamusoro pekuti vanofanirwa kugadzirira zvakasimba pavari kuenda kuAFCON kuitira kuti vanosimudzira mureza wenyika.

“Nguva nenguva tiri kugara tichingokurukura sechikwata nevamwe vangu tichikurudzirana kuti tirambe tichishanda nesimba nekuti tinoda chaizvo kunosimudzira mureza wenyika kuGabon.

“Ini pachangu semazuva ose ndinogara ndichishanda nesimba nekuti ndinoda chaizvo kusiya mucherechedzo nenhorowondo yakanaka pose pandinotamba nhabvu,” anodaro Katsande.

Zvakadaro, mukushi wemashoko kuZifa, Xolisani Gwesela, svondo rapera akati sangano ravo harina kana kobiri mudura maro panguva iyo zvikwata zviviri zvenyika izvi – maWarriors nemaMighty Warriors – zvakatarisana nemitambo yeAFCON iyi.

Gwesela anoti vakatotanga kunyora matsamba kumasangano akasiyana vachikumbira rubatsiro rwekuti zvikwata izvi zvikwanise kuenda kuGabon kunokwikwidza.

Kubvira makore mazhinji adarika, vatsigiri venhabvu vemuno vanogara vachishoropodza Zifa vachiti haina kurongeka zvakakwana sezvo inozotanga kutsvaga mari yekutumira zvikwata zvenyika kunokwikwidza kumitambo yakasiyana apo mazuva acho anenge aswedera.

Nguva pfupi yadarika apo Zimbabwe yaifanirwa kusangana neGuinea mumutambo wayo wekupedzisira wekurwira tikiti rekuenda kuAFCON, rwendo rwacho rwekuenda kuConakry rwaive nekugomera kukuru sezvo Zifa yakazokwanisa kuwana ndege yekutakura vatambi ava nguva pasisina.

Izvi zvakaita kuti vamwe vatambi vanotambira nhabvu yavo kunze vakaita saCosta Nhamoinesu naMarvelous Nakamba vashaye nguva yekugadzirira nevamwe vavo sezvo vakabva kuEurope ndokunanga kuConakry kumutambo uyu nguva yapera.

 

Share This:

Sponsored Links