Uncategorized

Zvibatei: Chiwenga

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Zvibatei: Chiwenga

Kwayedza

Tandayi Motsi —
MUKURU weuto reZimbabwe Defence Forces (ZDF), General Constantino Guveya Nyikadzino Chiwenga vanokurudzira veruzhinji kuti vachengetedze runyararo zvichitevera kusiya chigaro kwevaimbova mutungamiriri wenyika, Cde Robert Mugabe.

Cde Mugabe vakaendesa gwaro ravo rekusiya chigaro ichi nemusi weChipiri chadarika kumutauriri wedare reParamende, Advocate Jacob Mudenda sezvinotarisirwa mubumbiro renyika. Vachitaura nevatori venhau vari kuTongogara Barracks (iyo yaimbozivikanwa nekuti KGV1), General Chiwenga vanoti veruzhinji vanofanira kuzvibata zvikuru panguva ino.

“Zvichitevera zviri kuitika munyika medu, mauto nevamwe vanoona nezvekuchengetedzwa kwerunyararo vanoda kukurudzira zvizvarwa zvose zveZimbabwe kuti vave vanozvibata pamwe nekuchengetedza runyararo zvizere,” vanodaro General Chiwenga.

“Hunhu hwedu hwatagara tiinahwo hwekuva vanhu vane runyararo uye vanotevedzera mutemo iye zvino hunofanirwa kuratidzwa nekutevedzera mutemo,” vanodaro.

Mauto eZDF akapindira mukugadzirisa mamiriro ezvinhu munyika nemusi weChitatu svondo radarika kuburikidza nechirongwa chinonzi “Operation Restore Leagacy” vaine chinangwa chekubvisa nhubu dzange dzozviisa pedyo naCde Mugabe dziine chinangwa chekuti musangano nenyika zvirasike gwara.

Share This:

Sponsored Links