‘Zvibhakera zvandipfidzisa’

27 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
‘Zvibhakera zvandipfidzisa’

Kwayedza

Hardway Nyakuwarwa
MUKADZI wekugarozvindikitwa nemurume wake zvekuitwa kafiramberi pamwe nekusariritirwa akazoguma anopotera kumatare uko akadunura achiti upenyu hwakange hwamuomera. Patience Chimanikire akamhan’ara kuHarare Civil Court achida kuti apihwe $500 yekuchengeta vana vavo vaviri nemurume wake, Thomas Chimanikire.

“Ishe wangu, ndapotera kuno kuti zvichida vana vangu vangachengeteka. Murume uyu ane kambani yake inoita zvekutengesa mabhuku muzvikoro, ane muchovha pamwe chete nekombi uye pamusoro pezvo ane maroja anomupa $750 pamwedzi,” akadaro Patience.

“Ndinoda kukuzivisai kuti hapana chandiri kukwanisa kuita sezvo ndanzwa nekurohwa zuva rimwe nerimwe, izvezvi chipfuva changu chakarema nekuda kwezvibhakera.”

Thomas akapikisa achiti:
“Ndingafare kana mukadzi uyu akauya kudare neumboo hunoratidza kuti ndine kambani nemichovha. Handina kana chandinacho, izvezvi ndiri kutsvaga basa kuti ndigone kuriritira mhuri yangu.
“Ndine chikwereti chembatya icho takakwereta tose.

“Ndine imwe mari yemendenenzi yandakatemwa pavana vangu 4 vemukadzi mukuru inoita $200 pamwedzi. Ndinobhadhara mari yechikoro inoita $710 patemu nekudaro handikwanisi mari iri kudiwa iyi.”
Mutongi Trevor Nyatsanza akati Thomas abhadhare $110 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links