Zvibhakera zveZim neZambia

23 Apr, 2015 - 16:04 0 Views
Zvibhakera zveZim neZambia

Kwayedza

Abel Ndooka        
VATAMBI vetsiva vaviri vemuZimbabwe –  Nicola Mutonhora naTinashe Madziwana –  svondo rino vachabandana nevekuMalawi vanoti Wilson ‘Shasha’ Masamba naLimbani Masamba avo vanove mukoma nemunin’ina mumutambo wehushamwari.

Wilson naLimbani vakauya kuzorwa nevatambi vemuno vakasiyana apo vari kuita gadziriro dzekurwira mabhande eWorld Professional Boxing Federation muna Gunyana.

Kunze kwekuuya muZimbabwe, vaviri ava vari kufamba nyika dzakasiyana vachiita gadziriro dzemutambo uyu.
KuMalawi, Wilson ndiye ane bhande reMalawi Featherweight kozoti uyuwo Limbani aine reMalawi Welterweight.

Vacharwa nevatambi vemuno nemusi weMugovera neSvondo mumitambo yakarongwa nekambani inosimudzira tsiva kuMalawi yeNo Pain No Gain Boxing Promotions yakabatana neyemuZimbabwe yeDeltaforce Boxing Promotions.

Maneja waMutonhora naMadziwana, Clyde Musonda,  anoti kuuya kwevatambi vekuMalawi kuchabatsirawo vatambi vake kuti vasimukire mumutambo uyu.

“Kuuya kwanaMasamba kwakakoshera vatambi vangu nekuti vange vave nenguva refu vasina kumborwa mumutambo uyu.

“Tiri kuedza nepatinogona kusimudzira mutambo uyu asi mapuromota mashoma anoda kuutsigira nemari,” akadaro Musonda.

Akaenderera mberi achiti Wilson naLimbani vachagara muZimbabwe kusvika musi waChivabvu 10 uye svondo rega-rega vachange vachivarongera mitambo.

“Izvi zvichabatsira kusimbisa mutambo uyu muno uye vatambi vedu vazhinji vachadzidza zvakawanda kubva kuna Wilson naLimbani,” akadaro Musonda.

Zvakadaro, vachibva muZimbabwe, Wilson naLimbani vachanorwa zvakare kuNamibia musi waChivabvu 23 naChikumi 20 mumitambo yehushamwari.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey