Uncategorized

Zvidavadi zviri murungano

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza  —-
Zvidavado zvinoshandiswa nemunyori pakuruka nyaya:

Vanyori vanoshandisa zvidavado pakuruka nyaya dzavo kuti dzibude dzichinyatsonzwisisika uye kuti dzinakidze vaverengi. Vanyori vanoruka nyaya dzavo nezvirungamutauro zvakasiyana-siyana zvichifambidzana nenguva yakaitika nyaya yacho. Kana iri nyaya yakaitika pasichigare, inorukwawo nezvidavado zvinoenderana nenguva iyoyo uye dzemazuva ano dzinorungwa nezvidavado zvinofambidzanawo neupenyu hwamazuvano kunyangwe zvazvo pasinyanyorina musiyano.

Muchikamu chino tichangokubatsirai kunyurura zvimwe zvidavado zvinowanikwa munyaya iri mubhuku Mavanga Orudo. Imi sevadzidzi munofanira kuzoenderera mberi muchiratidza kuti chidavado chega-chega chakashandiswa chinobatsira nenzira dzipi kuumba nyaya.

Mushure mekudoma chidavado unofanira kutsanangura batsiro yechidavado chacho uchishandisa mamwe mazwi anoti: zvinobatsira . . ., zvinoburitsa pachena . . ., zvinoyanika . . ., zvinojekesa . . ., zvichingodaro.

Nyaya iyi yakapfuma zvikuru nekuti munyori anoshandisa zvidavado zvakawanda pakuiruka. Zvimwe zvacho ndizvo zvinotevera:-

ChiRungu:

O-o, imwe missed call . . . p.1

The number you have dialled is not available . . . p.22

No women no cry p.25

Beware of the owner, not the dog p.54

Happy 14th February, Valentine’s day p.85

Fananidzo:

Usiku hwose ndanga ndichingoti boi boi ndakarara sehoromba yegudo yatizwa namamwe makudo, kana kumbobatwa nehope napadiki pose p.1

Vakanga zvino varembedza miromo samapere aona mhuru yemombe p. 31

Nyaudzosingwi:

Ndichangoti kwanyanu pamubhedha, runharembozha rwuya rwakandirovesa nehana p.2

Ndiye pfacha p.26

Nechinguvana ndakati kwarakwashu ndokunanga kugonhi p.62

Nenguva pfupi gomba raive rati shaku nevhu p.79

Akati kwarakwashu setsuro, ndiye tatara tatara kufamba akananga kuchimbuzi sokumuraira kwandainge ndaita p.101

Nhendeshure:

Pfungwa dzakadzokera mumashure pazuva ratakaonana kokutanga paUniversity yeZimbabwe (UZ) muguta guru reHarare p.5

Regai ndimbokudzoserai mumashure zvishomanana. Pakutanga ndambenge ndichingokiya-kiya kuti musaziva nhoroondo youpenyu hwomunhu hwunonhuwa kuti kutu kudaro p.48

Izvi zvakaita kuti ndisuruvare kwazvo ndave kuzvirangarira. Mwoyo wangu wakadzimbikana pandaiyeuka nharo dzataisiitisana p.73

Tsumo:

Ndosaka zvichinzi nevakuru nhamo urimbo inonamira p.9

Vakuru vanoti apunyaira haashaiwi misodzi p.10

Zvakanzi wani anyumwa bere nderake p.16

Chakanaka chakanaka mukaka haurungwi munyu p.20

Miromo yavakuru haiwiri pasi p.21

Chisingaperi chinoshura p.33

Chakafukidza dzimba matenga p.52

Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro p.55

Vakuru vakati tsuro haiponi murutsva kaviri p.65

Simbi inorohwa ichapisa p.66

Mvura bvongodzeki ndiyo garani p.72

Rume rimwe harikombi churu p.80

Chivi chinodya mwene wacho p.82

Tinoenderera mberi nekuongorora zvidavado zvinoshandiswa nemunyori munyaya iyi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>