Uncategorized

‘Zvidhoma ndakazviendera kuRuwa‘

01 May, 2015 - 00:05 0 Views
‘Zvidhoma ndakazviendera kuRuwa‘

Kwayedza

Daphne Machiri naMalven Mugadzikwa
CHEMBERE iya yekuMsasa muHarare, yekunovhurisa docket kumapurisa mushure mekunge yafurufushwa nezvidhoma, inoti yakafurwa nemhepo mushure mekunge zvinhu izvi yazviendera kuMalawi. Mbuya Pelagia Munemo (73), vepanhamba 56 Amby Drive, Msasa, vanoti dambudziko rezvidhoma rakapera munaZvita gore rapera apo vakarotswa vachinzi vaende kunotora mvura yemune rumwe rwizi rwekuRuwa pedyo neHarare, iyo yavaifanira kumwaya mudzimba dzavo dzose. Vanoti zvidhoma izvi zvikabva zvaenda.
Mbuya Muneno vanoti vane shavi renjuzu.

Dambudziko rezvidhoma iri vanoti rakatanga pakashaya murume wavo, Gynoise Chiridzo, muna Zvita 2013.
“Ndakarotswa kuhope, kwauya vanhu vaviri – mukadzi nemurume – vakapfeka nhumbi dzaiva neruvara rweblue nemachira eretso. Vakanditi ndiende kunotora mvura murwizi ndimwaye pamusha zvidhoma zvinoenda.

“Izvi zvakaitika muwedzi waZvita gore rapera apo ndakanotora mvura mune rumwe rwizi kuRuwa ndikamwaya. Zvidhoma zvakabva zvataura zvichiti, ‘Wakaoma mukadzi iwe, midzimu yekwako yakasimba. Watiuraya tava kuenda’.

“Hazvina kuzouya kusvikira nanhasi. Ndipo pandakazotanga kurara mumba mangu ipapo,” vakadaro Mbuya Munemo.
Mbuya Munemo vanoti vakazoenda kumusha kwemurume wavo kuMalawi mwedzi miviri yadarika apo vainozivisa hama dzake nezvekufa kwake sezvo vakange vasingazive kuti murume uyu akafa kare.

“Nguva yakashaika murume wangu handina vehukama hwake vandakaudza. Munhu aingozviziva ihanzvadzi yaamai vake chete pamwe nehama dzangu.

“Pakazotanga kunetsa zvidhoma ndipo pakanga patoshaika murume, ndichigadzirira kuenda kuMalawi nenhumbi dzake. Handina kunge ndaudza hama dzake nekuti kunyika kwavo zvinonzi hazvina basa kuti vanhu vazive kufa kwemunhu chero kuzongovaudza avigwa zvinoita,” vakadaro.

Vanoti pavakasvika kuMalawi, vakabvunzwa nehama dzemurume wavo kuti iye akange asara kupi sezvo vaisaziva kuti akafa.
“Ndakasvika kuMalawi hama dzemurume dzikatobvunza kuti sekuru vasara kupi. Ndipo pandakazovaudza kuti sekuru vakashaya ndichivatsanangurira kufa kwavakaita nekuzotanga kuvhiringidzwa nezvidhoma,” vakadaro Mbuya Munemo.

“Takafambawo nehama dzemurume kun’anga tichibvunzira kuti murume wangu akanga auraiwa nei sezvo ndaifungirwa kuti ndini ndakauraya murume asi ndakawanikwa ndakachena. Kun’anga dzatakaenda dzakasiyana dzaiti murume wangu akauraiwa nezvidhoma zvakatumirwa nevavengi kuti tibve pamba pataigara kuMsasa.”

Mukubvunzwa kuti kun’anga zvakanzi akauraya murume wavo ndiyani, Mbuya Munemo vakati havakwanise kumudura.
Vanoti hama dzemurume wavo dzabheja kuti: “Isu vaMalawi wedu haadyiwe achiendera mahara”.

Vanoti dzimwe n’anga nemaporofita vemuZimbabwe vakatadza kupedza dambudziko rezvidhoma zvakange zvavaonesa pfumvu izvi.
“N’anga nemaporofita vemuno vaitadza kunongedza paiva nezvidhoma asi ndakazoziva kuti zvaiva zviri pane mumwe muzukuru wangu. Zvakaiswa paari nekuti zvidhoma zvinoda pamunhu asati aziva mukadzi,” vakadaro.

“Izvi zvaioneka nekuti muzukuru uyu aingogara akapusa-pusa nekurwara rwara, zvidhoma ndizvo zvaimurwarisa.
Mbuya Munemo vanoti hama dzemurume wavo dzakavavimbiswa kuti dzichazouya kuZimbabwe munaChikumi kuzogova nhumbi.
Zvidhoma izvi zvinonzi zvaishungurudza muchembere uyu nenzira dzakasiyana, kusanganisira kuitira tsvina pachivanze, mumapoto nemudzimba.

Share This:

Sponsored Links