Uncategorized

Zvidhoma zvagara ‘tatata’

18 Dec, 2014 - 08:12 0 Views
Zvidhoma zvagara ‘tatata’

Kwayedza

Zvakabvuta musha waMadzibaba

Mupositori nemhuri yake vakatiza

IMWE mhuri yemapositori yemubhuku raMazivanhanga, kwaGoneso kuHwedza, yakasvika pakutiza musha wayo mushure mekugara ichikinditswa kurohwa nematombo asiri kuonekwa anoapotsera.

Sezvinonzi zvekukwaturwa izvi zvishoma, pamusha apa panonzi panonyorwa kumadziro, muvhu uye netsamba dzinongoonekwa dzakamwararidzwa pasi.

Vanoziva nezvemaminimini anokonzerwa nemishonga yechivanhu vanoti musha uyu “wakabvutwa” nezvikwambo kana kuti zvidhoma, izvo zvinonzi zvava kuita madiro uye zvikasashandirwa “zvichapedza vanhu”.

Pakaenda Kwayedza uku nemusi weChina svondo rapera, musha waMadzibaba Herry Mazivanhanga, avo vasina kuzivikanwa makore avo ekuberekwa, wakawanikwa uri dongo zvichinzi vakautiza pamwe chete nemhuri yavo mushure mekunge zvinhu izvi zvadya magaka mambishi zvichivarova.

Dambudziko remurume uyu, uyo anopinda chechi yeJohane Masowe weChishanu, rinonzi rakatanga mwedzi mitatu yakadarika apo aingotemwa nematombo aibva mumhepo. Iye bedzi ndiye anozvambaradzwa.

Muramu waMadzibaba Herry, Mai Constance Mazivanhanga (60), vakati mhuri iyi yakatiza musha vachiti vanotemwa nematombo anobva mumhepo.

“Pamba pavo hapasi kugarika, vaoneswa nhamo nechakati tende nekutemwa nematombo avasingaone kuti anopotserwa nani. Isu veukama tinotya kupasvika, vari kungotiza izvozvi takanzwa kuti vakaenda kwasekuru vavo kumusha kwaamai vavo kwaManyadza. Asi vakambodzoka musi weChipiri vaine mapositori nevana vavo vakarara vachinamata,” vakadaro Mai Mazivanhanga.

Vanoti Madzibaba Herry vanonzwikwa vachizhamba kuchema apo vanoti vanenge vachirikitwa nemabwe.

Murume uyu anonzi anogara nemudzimai wake, Colline Mazivanhanga, nemuzukuru weGrade 6 avo vasingatemwe sezvinoitwa mupositori uyu.

Mukoma waMadzibaba Herry, VaGeorge Mazivanhanga, avo vanogara kuBulawayo, vanoti hapana zvakawanda zvavanoziva panyaya iyi kunze kwekuti vakanzwa chete kuti vari kutemwa nematombo zuva roga-roga.

“Hamheno kana achishereketa isu hapana zvaanotitaurira. Kana paine chaakabata ndezvake isu hatingazive,” vakadaro.

VaFriday Chisanyu, mukuru wesangano rinomirira n’anga nemaporofita, reZimbabwe National Practitioners Association, vanoti pamba paMadzibaba Herry panogona kunge paine zvikwambo kana zvidhoma nekudaro dambudziko iri rinoda kugadziriswa nekukasika sezvo zvakatotora musha uyu kuuita wazvo.

Mutevedzeri wasabhuku wemusha uyu anonzi akamboshevedzwa kuti anonzwa dambudziko remhuri iyi asi akazobva pamusha uyu akabereka tsoka apo aitemwa.

Madzibaba Herry vanonzi vane vana vashanu, vakomana vatatu nevasikana vaviri, vose vava nemhuri dzavo.

Pakasvika vatori venhau kwakabuda mamwe mashoko ekuti madzibaba ava vakanga vaenda kwatezvara vavo kwaRusape kumbonotsvaga kubatsirwa.

Mwana wemukoma wamadzibaba, Sina Mazivanhanga (41), akati baba vavo havabude pachena kuhama dzavo nenyaya yekutemwa nematombo iyi. Anoti vanongonzwa marata achirira mupositori uyu achizhamba, angava masikati kana usiku.

“Ichokwadi kuti baba vari kurohwa. Tinonzwa pamarata ebhedhuru ravo kuti go go go toziva kuti zvatanga. Ivo vanozoita sevanotiza kurumwa nenyuchi,” akadaro Sina.

“Mutevedzeri wasabhuku, VaSimon Tavherwa, vakabva pamba apa vachimhanya vachiti matombo aiita kunaya kwavari vaina sahwira wepo, Patrick Goneso, uyo akatemwa tsapfu nezidombo. Vakaita rurasademo vachitiza pamusha apa,” vakadaro.

Pamba apa panonzi panonyorwa kumadziro nemuvhu nepamapepa nemashoko anenge akanzi, “Tichapedzerana”.

“Imwe tsamba yakawanikwa pamba apa yaiva yakanyorwa kuti, ‘Herry tichapedzerana tichakubvarura-bvarura. Bvisa muzukuru wako pano, moto waanogara achiona ndewei?’” akadaro Sina.

Mumwezve mwana wemukoma waMadzibaba Herry, Prodian Mazivanhanga (30), anoti hapana munhu achiri kuda kusvika pamusha uyu nekuda kwemasaramusi aya.

Akati: “Pamusha apa pakauya maporofita kasingapere zvichinzi baba vataure zvavanoziva nekuda kwenyaya iyi uye panonzi pakatombobviswa zvimwe zvinhu pakanzi pakasara chikuru chacho icho chinogona kuuraya vanhu. Muzukuru wavo anogara kumapositori, ivo upenyu hwavo ndehwekutsvaga rubatsiro. Vanonzi vakatsvaga mushonga wekupfuma uyo wakazovapandukira.”

Murume uyu anonzi akatoronga mombe dzake kuhama kuti dzichengetwe achisiya mbudzi dzake dziri mugomo reMazivanhanga.

Vatori venhau vakanzwa huku dzaingochema mumba yainge yakapfigwa gonhi zvisinei kuti paiva nehwindo raiva rakavhurwa sekunge pane vanhu.

Mwana waSabhuku Goneso, Hardlife Goneso (20), akatsinhira achiti:

“Baba vakarohwa vakatiza, hapasvikike pamba apa.”

Sabhuku VaCephas Goneso havana kuonekwa.

Pamba apa panonzi pakambobviswa nzara yeshumba nerusero nemamwe maporofita.

Mutori wenhau uno akavhura gedhi repamusha apa ndokupinda, hama dzaMadzibaba Herry dzakashama nekumutyira apo vainge vakamira vakayeva vari chinhambwe. Zvisinei, mutori wenhau haana chaakaona kana kuvhundutswa nacho apo akatenderera nechivanze.

Mumwe muzukuru mumhuri iyi, Tinashe Mazivanhanga (18), anonzi akatombopotsa arwiswa naMadzibaba Herry vachifunga kuti ndiye aipotsera mabwe pamba pavo kusvikira vakazozvionera kuti aibva mumhepo.

Mamwe mashoko anoti vana Madzibaba Herry ndivo vakatanga kuisa mhiko pamusha pavo mushure mekusangana nematambudziko akaita sekufirwa apo pakazotanga dambudziko iri.

Zvichakadai, nemusi weChishanu svondo rapera Kwayedza yakagashira mashoko panhare aiti Madzibaba Herry vakange vadzoka pamusha pavo usiku hweChina.

Hama dzemurume uyu dzinoti vanoda kumubatsira vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0773 709 027, 0783 802 041 kana 0779 405 466.

 

Share This:

Sponsored Links