zvidhoma zvakaba us$900 pachikoro

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
zvidhoma zvakaba us$900 pachikoro

Kwayedza

— Vabereki vozviramba
— ‘Panoitika mashiripiti’
— ‘Nyaya tiri kuiferefeta’

Kingstone Mapupu —
MUNYAYA inoti kushamisa igoti kusetsa — zvidhoma zviri kunzi zvakaba mari yechikoro inosvika $933 iyo yaive yabviswa nevabereki pachikoro cheKanyoka Primary School chiri kwaChikwizo, kuMudzi South mudunhu reMashonaland East.

Mari iyi inonzi yakashaikwa nenzira inoshamisa, uye mukuru wechikoro ichi, Va- Ephraim Matize, vanonzi vanoti havanzwisise mafambiro akaita mari yose iyi.

Kwayedza yakashanyira chikoro ichi svondo rapera ndokuita hurukuro naVaMatize avo vari kutsinhira kuti kune mashoko anoti mari iyi yakabiwa nezvidhoma.

“Yes, there are allegations of that sort which are being levelled against me and the school clerk. (Hongu, kune mashoko akadaro ari kupomerwa inini pamwe chete namabharani wechikoro, anoti mari yakashaikwa ichinzi yakabiwa uye vamwewo vachiti yakatorwa nezvidhoma. But I am not in a position to divulge more information because of mitemo yebasa you know. (Asi handikwanise kutaura nemi zvakawanda nekuda kwemutemo webasa). Visit the DSI Mr Chofamba or other responsible authorities at Mudzi Rural District Council or seek the audience of the CEO or ask for the inspectors variko kuKotwa. (Shanyira DSI VaChofamba kana vamwe vakuru vekukanzuru yeMudzi kana kuti motsvaga chief executive officer kana mamwe mainspectors variko kuKotwa),” vanodaro VaMatize.

EPHRAIM MATIZE

VaMatize namabharani wepachikoro ichi, Lucky Chabora, vanonzi ndivo vanofanirwa kutsanangudza kuti mari yechikoro iyi yakafamba sei.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naChabora kuti apewo divi rake pamusoro pemafambiro akaita mari yechikoro iri kunzi yakatsakatika iyi.

Asi mukuru wezvedzidzo mudunhu reMudzi, District Schools Inspector (DSI), VaCreezin Chofamba, vanotsinhira kuti pane nyaya iri kuferefetwa yekushaikwa kwemari pachikoro ichi.

“Nyaya yakadaro — yekushaikwa kwemari pachikoro ichi — tinayo. Yakasvika kwatiri. Pane ‘audit’ yakaitwa nekanzuru yedu ikaburitsa huwori uhwu, nekudaro bazi redu rezvedzidzo riri kutumira ma‘auditors’ 27 temu iri kutevera vachatanga nepachikoro ichi vachiongorora mabhuku emari. Vachange vachiongorora mabhuku ezvimwe zvikoro kwemazuva 11 vari munzvimbo iyi sezvinoitwa gore negore,” vanodaro VaChofamba.

Vanoti paongororo iyi ndipo pachabuda chaizvo zvakaitika paKanyoka Primary School pamusoro penyaya dzemari iyi.

“Hongu, zvakawanda zviri kutaurwa, isu tave kumirira zvichabuda pama‘auditors’ eHurumende ari kuenda temu inotevera. Vangadai vakaenda temu yechipiri ino asi basa rakawanda. Kumapurisa nyaya iyi yakasvika, iri kuferefetwa zvakare,” vanodaro.

Mumwe mubereki asina kuda kudurwa zita rake, anoti mari yechikoro iyi yakabiwa nevanhu, kwete nezvidhoma sezviri kutaurwa nevamwe.

“Chokwadi mari yakashaikwa pachikoro pedu inokwana $933, asi zvave kunzi yakatorwa nezvidhoma. Aya mashoko ekuhwanda chete avari kuita.

CREEZIN CHOFAMBA

“Nyaya iyi yakazoendeswa kumapurisa ekwaMakosa ndokuzodarikidzwa kuNyamapanda, izvo nanhasi sevabereki takangomirira kuziva kuti zvichafamba sei,” anodaro mubereki uyu.

Anoenderera mberi achiti: “Kunze kwaizvozvo, pachikoro apa panoitika masaramusi akawanda akaita kuti vamwe vakuru vechikoro vakambouyapo vatize kana kungofa. Mumwe ainzi Tsoro akangofa achangouya uye mumwe akangoti achiuya, ainzi Chidota, aiona tsvina yevanhu yakazorwa patebhuru, muhofisi nekumba kwake nepachivanze – ichitori nyoro. Uyu akazotiza angopedza mwedzi mitatu bedzi aripo.”

Mubereki uyu anoti mumwewo aimbova mukuru wechikoro ichi ainzi Chigayo, aiteverwa nenyoka mungava mudzimba dzekudzidzira nekuhofisi kana kuiona iri mumabhuku aanenge achinyora kana kuverenga.

“Mukuru wechikoro uyu aiona nyoka pose paaifamba kusvikira azotiza. Saka nyaya yemari iyi imwe yezvizhinji zvinongoshamisa zvinoitika pachikoro pedu apa. Isu sevabereki, hatichada kubhadhara mari yeschool fees inobviswa patemu pamwana – yema$10. Tichazobvisa kana nyaya iyi — yekuti mari yakaenda kupi — yagadziriswa,” anodaro mubereki uyu. Sachigaro wesangano rinomirira vabereki pachikoro ichi, reSchool Development Committee (SDC), VaEmanuel Katsande (41), vanotsinhira kutsakatika kwemari iyi. “Ichokwadi, mari inosvika $933 yakashaikwa pachikoro apa uye vamwe vari kuti yakabiwa nezvidhoma. Pane mashoko akawanda ari kutaurwa asi chiripo ndechekuti mari yakashaikwa zvedi, nyaya iyi tikaiendesa kumapurisa.

“Kusvika nanhasi takangomirira kuti tinzwe kuti zvakamira sei. Isu hatizive akatora mari iyi chaiye, tinotodawo kuti timuzive, mari iyi idzoke uye chikoro chigofambira mberi,” vanodaro VaKatsande.

EMMANUEL KATSANDE

Chikoro ichi chine vana vanodarika 600. “Ichokwadiwo kuti vabereki vari kuti havachada kubvisa mari dzechikoro kusvikira vaona kuti nyaya iyi yafambiswa sei. Tangomirira mapurisa nevakuru vezvedzidzo kuti vachatora matanho api. Pane ‘audit’ yakaitwa pachikoro apa temu ino ndokuonekwa kuti mari iyi yaisavepo,” vanodaro VaKatsande. Vanoti mabhuku emari akaongororwa ndeekubva mugore ra2015 kusvika gore rino zvikabuda kuti mari iyi yaiva isipo. VaKatsande havana kubvuma kana kuramba nyaya yehuroyi hunonzi huri pachikoro apa asi ndokuti kune vamwe vaimbove vakuru vechikoro vakabva pachikoro apa nenzira dzisinganzwisisike.

Anotaura akamirira mapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti nyaya yemari inonzi yakatsakatika pachikoro iyi iri kuongororwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>