Uncategorized

Zvidhoma zvakabvuta chitunha …chikaita chimhuka . . . dhimoni rikabuda

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Zvidhoma zvakabvuta chitunha …chikaita chimhuka . . . dhimoni rikabuda Guva remufi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VANHU vaiva parufu kwaMusami, mudunhu reMurehwa, vakapotsa vadzvamuka kutiza apo chitunha chemurume wechidiki chakasanduka chikaita kunge chimhuka kana chemumwewo munhu asingazivikanwe nehama chikazovigwa chichidhubhuka ropa mukanwa nemumhuno. Pane mashoko ari kutenderera munzvimbo iyi uye nefungidziro huru yekuti mutumbi wemushakabvu uyu hauna kuvigwa, asi kuti wakatorwa nezvidhoma, ukaendwa nawo.

Vamwe vari kuudza Kwayedza kuti chitunha ichi hachina kuvigwa sezvinofungwa, asi kuti chiri muimwe imba umo chakavigwa nevaroyi vemunharaunda.

Izvi zvinonzi zvakaitika mubhuku rekwaGomo, kwaSadunhu Chitopi, apo mutumbi waWellington Chirara Jnr (27) unonzi wakasanduka ukaita sewechipuka chisina kunzwisisika kana kuti wemumwewo munhu asina kuzivikanwa nehama, “ndokunge kuine vanhu vakadaro”.

HAZVINEYI MARUFU

HAZVINEYI MARUFU

Mutumbi uyu unonzi waimbosanduka uchimboita sewechimhuka, wozomboita chimunhu. Muchakabvu uyu anonzi akangofa asina kurwara. Zvinonzi akatofuma achishanda mabasa epamusha apo akazongodonha atova kubindu uko kwaaidyara muriwo, ndokungoti zi-i dakara azofa rechimangwana racho.

Chitunha Willington Jnr chinonzi chakasanduka chiri mubhokisi, vanhu vava kunochiviga, apo mumwe wevanamati vaive parufu apa anonzi akabatwa nemweya wainzi wevaroyi vakauraya murume uyu.

Mweya uyu unonzi waidura kuti ndiwo wakauraya Wellington Jnr nechikonzero chekuti aionererwa achizviti ainamata uyewo kuti akanga adzinga varoyi vane mweya waitaura uyu vakashaya kwekuchengetera zvinhu zvavo.

HAZVINEYI MARUFU

HAZVINEYI MARUFU

Rutendo Rakawota

Rutendo Rakawota

Wellington Jnr akafa mangwanani emusi wa4 Nyamavhuvhu. Baba vemushakabvu, VaWellington Chirara Snr (51), vanotsinhira nyaya yekuti chitunha chemwanakomana wavo chakasanduka ukaita chemumwewo munhu.

“Handina kumbobvira ndakaona mashura akadaro mukurarama kwangu. Wellington akafa asina kurwara, akarohwa nezvishiri kana kutungwa nezvikwambo kana zvidhoma. “Takazoshevedzerwa kugarden kwaaiva achinzi adonha tikawana asisataure. Vakamuona vanoti akangoti aiva arohwa nechinhu mumusoro,” vanodaro.

Vanoti vakazomutakura nebhara kuenda naye kumba uko akatanga kubuda furo nemukanwa nemumhuno. Anonzi akazoguma ave kupupa rave ropa dakara azofa zuva rechimangwana racho.

Mushakabvu Wellington Chirara (Jnr)

Mushakabvu Wellington Chirara (Jnr)

“Paakapunzika, akaonekwa naTinashe Chirenda uyo akazotizivisa. Chishamiso ndichocho chekuti takazoona chiso chake chasanduka kuita chemumwewo munhu watisingazive, musoro wakura uye kumeso kwazvimba zvikuru.

“Dai akafira kuchipatara, ndaimuramba nekuti wandakaona akanga asisiri mwana wangu wekubereka. Chitunha chakanga chava kutyisa kunge mhuka, hamheno kuti ndiyani pamwe ndiko kunonzi kusandurwa kuitwa zvidhoma.

“Mwana wangu akauraiwa. Ndinoda kudzosera chete nekuti handizive kuti akanga avakanganisira chii. Dai kwaiva kuchipatara ndaiti ndakachinjirwa mutumbi wemwana wangu,” vanodaro.

Vanotizve apo mwana wavo akanga achiri kudziya muviri ari mumba uye asati afa, kune maporofita eJohane Masowe weChishanu akahakira mweya waiti ndiwo wakauraya mukomana uyu.

“Mweya uyu wakati, ‘Kamwana aka kakachenjeresa. Kanoti kanonamata handiti kakatibvisisa zvinhu zvedu mumba? Ndisu takauraya’.” Vanoti veruzhinji havana kuzoonekana nemufi sezvo zvakanga zvisisaite kuti vaone mashura aya.

Izvi, vanodaro VaChirara, zvakaita kuti vechikuru bedzi uye vari hama dzepedyo vaonekane nemushakabvu, “bhokisi richibva rangovharwa”. Vanowedzera vachiti kwakazouya chamupupuri vave kuburitsa bhokisi mumba icho chakapotsa chapunzira vanhu vainge vakatakura bhokisi iri pasi.

“Tangoburitsa bhokisi panze, kwakauya chamhungwe kana kuti chamupupuri chakavhiringidza vanhu bhokisi rikapotsa radhonhedzwa pasi. ‘‘Chakazotenderera musha chichibva chaenda, takanosvika kumakuva, chinova chinhambwe chinodarika kiromita, uko kwakazouya imwezve mhepo yakasimba ikatenderera bhokisi iri apo muporofita aiparidza,” vanodaro VaChirara.

Vanoti muporofita aivapo akaudza kanzura wenzvimbo iyi nasabhuku kuti vagadzirise musha uyo akati une zvitopota zvevaroyi. VaChirara vanoti: “Apo muporofita aiparidza, kwakauya mhepo yakasimba apo akazokumbira kanzura nasabhuku vedu kuti vabatsire pakugadzirisa musha, kubva muzviitiko zvakadai izvi.

“Pakarepo, vamwe vakabva vati mutumbi wemwana wangu wakanga watorwa nezvidhoma kana zvikwambo zvaiva zvatumwa mumhepo iyi. Mwana uyu takamuviga achidhubhuka ropa mukanwa nemumhuno.” Vanoti zvisinei nemasaramusi ose aya, vakangoviga mufi zvakadaro.

VaChirara vanoti pane vanhu vakavaudza kuti vanomhan’ara kumapurisa nekuenda kuchipatara kuti mutumbi uyu unoongororwa nemachiremba, izvo vasina kutevedzera. Vanotizve kubva musi wavaviga Wellington Jnr, pamba pavo pari kungofa mbira nembwa zvisina tsarukano.

“Zvipfuyo zvangu zvapera, handichaziva kuti chichatevera kufa chii.” Hazvinei Marufu (31), uyo anova muzukuru mumusha uyu, anoti akashamiswa zvikuru nemashiripiti aya.

“Isu sevanhu, tinofungira kuti mutumbi wasekuru vangu takazosara zvedu toviga watorwa kare tichitarisa mhepo iyi nekuzoti mutumbi wakasanduka,” anodaro. Mashoko ake anotsigirwa naRutendo Rakawota (28), uyo anove muzukuru wemhuri iyi zvakare.

Winnet Dube (50), mumwe wemumhuri iyi, anoti nyaya iyi inoda kuti vafambe kutsvaga chakakonzeresa. “Ndinoti kumadzisekuru angu vasimbe kufamba. Sekuru Wellington kuita semunhu akafamba rwendo, kufa munhu asina kurwara?” anodaro.

Kanzura Jeniffer Chirenda (60) veWard 13 kwaMusami, vanotsinhira nezvenyaya yekunzi mutumbi waWellington wakasanduka ukaita chimwe chinhu. “Ndakazvinzwa, kuti mutumbi uyu wakasanduka kuita wemunhu asingazivikanwe uye mhepo iyi ndakaiona kumakuva. Izvi zvinoshamisa. Ichi chivanhu. Handizive kuti zvingagadziriswe sei asi nyakufa uyu aisarwara zvekuti dunhu rino vanhu vasara vaine kutya,” vanodaro.

Zvichakadaro, VaChirara vari kukumbira kuruzhinji rweZimbabwe kune vanoda kuvabatsira kuti vavabate panhare dzinoti 0715 607 080. Votaurawo nezvenyaya iyi, nyanzvi mune zvechivanhu, Sekuru Jonathan Shonhiwa vekuChiredzi, vanoti mutumbi wemufi uyu wakatorwa musi wakare nevaroyi vanhu vakazosara voviga mumvuri.

“Vanhu ava vakaviga mumvuri chete, chitunha chatorwa nevaroyi. Ndinovakurudzira kuti vafambe kuchivanhu vagadzirise musha wavo nekuti vachapera rumwe rumwe,” vanodaro.

Zvichakadai, chiitiko ichi hachizi chekutanga sezvo nguva yadarika pane mutumbi wemunhu unonzi wakasanduka apo waive mubhokisi kwaGuwa, kwaMusana, ukaita sewechimhuka uyo wakazongovigwa wakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>