Uncategorized

Zvidhoma zvochiva manesi

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Zvidhoma zvochiva manesi KIRINIKI yeMadawose apa pane zvidhoma zvashungurudza manesi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VASHANDI vepakiriniki yeMadavose, kwaShe Nyashanu kuBuhera, vanonzi vari kutiza kushandira apa zvichitevera nyaya yezvidhoma zvinonzi zvarura, izvo zvinonzi zvasvika pakupota zvichishinha nevanhukadzi. Nyaya iyi inonzi yakabuda apo mumwe mukoti wechidzimai anodaidzwa nekuti “Chihera” anonzi aiona zvirume zvipfupi usiku izvo zvimwe zvacho zvaizoguma zvave kushinha naye.

Pakiriniki iyi pane vakoti vaviri nemumwewo anovabatsira uye panogara vamwe vashandi veHurumende semadhomini nemhuri dzavo. Zvinonzi vamwe vanhukadzi vepo vari kusangana nedambudziko iri asi vanotya kana kunyara kubuda pachena. Chihera anonzi anoona zvirume zvipfupi zvine husvisvi hwendebvu mumba make zvigere pazvigaro, pamubhedha kana muchivanze chekiriniki iyi. Mumwe wevane ruzivo nenyaya iyi, Chirandu Dhewa, anoti mukoti uyu akabuda pachena kuti aoneswa ndondo nezvidhoma izvi.

Anonzi akanga atomboenda kune mumwe mudzimai wemunharaunda iyi achitsvaga rubatsiro. “Mukoti uyu aiti zuva roga-roga aishinhwa naye achitoona zvivarume izvi zvaitaura naye nemasaini kuti asataurire kana vamwe vanhu. Anoti chimwe chezvivarume zvaiuya mumba make aitochiziva semumwe muzvinabhizimisi ane zvitoro panzvimbo yekwaGwama uyo anoti dzimwe nguva akatombomutsiura akanzi auye kuzotora girosari raaida kuchitoro kwake sevharamuromo,” akadaro Dhewa.

“Kuno kwaChirozva, mukoti uyu akaenda kune vamwe amai vechin’anga uko akanonzi arare akazora hupfu muviri wake kusanganisa kunhengo dzakavandika, ndokunziwo akakiya dhoo remumba make oisa makii acho mumvura kuti paanomutswa nezvivarume izvi zvichida kurara naye paanoenda achida kuvhura dhoo akaisa mawoko ake mumvura anobva asvinura zvinobva zvatiza,” akadaro Dhewa.

Kwayedza payakashanyira dunhu iri yakawana mukoti uyu asipo achinzi akange ashanya kwaMutare. Mumwe mukoti akawanikwa ari pakiriniki iyi, uyo akangozivikwana nekuti Mhaka, akaramba nyaya iyi achiti inongozivikanwa naiye Chihera bedzi.

“Hamheno, dambudziko iri rinongotaurwa naiye mumwe wangu. Paanonzi akarwara ini ndaiva ndisipo, pamwe ndezvake iye oga nekuti isu hapana zvatinoona, pano panogara vakadzi vakawanda,” akadaro Mhaka.

Sadunhu Chirozva, VaWilson Chirozva (42), vakatsinhira nyaya iyi zvisinei nekuti vakati vakange vasina umboo.
“Ichokwadi ndakaridzirwa nhare nanesi wedu, Chihera, achiti ari kurwara ndokuti vaida kuona Ishe Nyashanu. Vakaridza nhare vachiti vaiva kwaMutare, nyaya yekunzi pane zvinhu zvinoonekwa pakiriniki apa yakasvika munzeve dzangu. Ini ndakanzi naShe Nyashanu titsvage nzira dzekugadzirisa nyaya iyi pachivanhu,” vakadaro Sadunhu Chirozva.

“Izvozvi tamirira vakuru kwandiri kuti nyaya iyi titsvage kwekuenda, kungava kumaporofita kana kun’anga, nekuti chivanhu ichi. Vakuru vekanzuru vakatoshanyira kiriniki iyi vanzwa matambudziko aya vakasiirawo nyaya iyi kwatiri isu madzimambo nemasadunhu kuti tibatsire.”
Pavakataurwa navo panhare, Ishe Nyashanu vakati kune nyaya yevakoti vari kushungurudzwa nezveusiku pakiriniki iyi.

“Nyaya yakadaro yakasvika kudare rangu, endai munoona headman Chirozva anokubatsirai,” vakadaro.
Zvakadai, pachikoro cheChirozva Primary School panonzi pane mwana akambobatwa nemamhepo achitaura nyaya dzaisanzwisisika.
Sadunhu Chirozva vakatsinhira nyaya iyi. “Nyaya yemwana akarwara haina kuitikira pachikoro asi ndeye mwana aigara pachikoro nababamudiki vake uyo akatanga kurwarira kuchechi kwavaienda, vakuru vezvedzidzo vakazoshanyira chikoro ichi,” vakadaro sadunhu.

“Mukuru wechikoro ichi akati haagone kunyora report nekuti zvinhu izvi hazvina kuitikira pachikoro pake,” vakadaro.
Mudzimai wavo, Mai Phillipa Nyanzou (38), vakati nyaya dzakadai dzave kukonzera kuti vashandi vakaita sevadzidzisi nevakoti vatye kushandira munzvimbo yavo.
Pane fungidziro yekuti dambudziko repakiriniki iyi nepachikoro riri kukonzerwa nechinhu chimwe chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey