Uncategorized

zvidhoma zvokecha dzinza rose

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
zvidhoma zvokecha dzinza rose

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
IMWE mhuri yekuGoromonzi inoti yabviswa chiri kumeso nezvidhoma zvichibatsirana nemweya wengozi, izvo zvavanoti zvinoita munhu wese wepo — varume nevakadzi — madzimai.

Kana zvipfuyo zvepamusha apa hazvinawo zororo — inongova ngoma ndiyo ndiyo. Izvi zviri kuitika kumhuri yekwaChaitezvi, iyo inogara mubhuku raMudhuviwa, kwaSadunhu Chihuri, kwaChikwaka.

Baba vemhuri iyi vasara, VaChristopher Chaitezvi (58), vanotsinhira nyaya yekuti zvidhoma zviri kushinha nevanhu vemhuri iyi pamwe chete nezvipfuyo.

“Havasi vanhu bedzi, mombe chaidzo unonzwa dzichibowa dziri mudanga, netumhuru. Ukuwo mbudzi nemakwai edu chinenge chiri chimee-mee kuchema.

“Imbwa unozongoona dzati rapata pasi dzichipfanhura sekunge dzave kufa, dzozomuka mushure mechinguva. Asi zvinhu zvinokonzera izvi hazvioneke.

“Iwo madzimai nesu varume, tapera kushereketwa nesu nezvinhu izvi. Haikona kutaura kani . . .

“Uku zvipfuyo zvacho zviri kupera kufa zvimwe zvichingosvodza. Kwatinofamba tinonzwa kuti izvi zviri kukonzerwa nezvidhoma kana kuti zvikwambo nemweya wengozi.

“Unogona kuwana danga rose mombe dzakarara dzichibowa dzakaburitsa rurimi,” vanodaro baba vemusha ava.

Vanoti dambudziko iri riri kukonzerwa nezvikwambo zvakarombwa nemukoma wavo – Francis Dicky Gulliver Chaitezvi – uyo wavanoti aiva n’anga uye akanotora mishonga iyi kuMozambique, kuBeitbridge nekuMt Darwin.

Murume uyu anonzi ava nemasvondo matatu ashaya. VaChristopher Chaitezvi vanoti kwose kwavanofamba nekuda kwedambudziko riri mumusha mavo iri, vanobata mukoma wavo mushakabvu.

“Akanga asingavanze mukoma wangu, kuti ane zvidhoma izvo aiti akanotsvaga uko kumapurazi uko aishanda uye anonzi aiita vose nemudzimai wake uyowo akashaika,” vanodaro.

Vanoti vanhu vanongofuma vakarukutika miviri zvekuti vamwe havakwanise kuenda kumabasa uku vana vachirovha kuchikoro.

“Vanhu vapera kuondoroka nekuda kwedambudziko iri uye mumatanga hamusisina mombe kana zvimwe zvipfuyo. Pane dzimwe mombe dzaiva njeni (itsva) dzakatiza mumusha muno dzasangana nazvo dzikabva dzaenda nesango idzo dzakange dzabva kuvazukuru vedu.

“Nyaya iyi tinoibata mudzin’anga nekumaporofita kwatinofamba, zvichinzi zvidhoma zvinoshereketa nesu — varume nevakadzi zvose — uyewo mudzinza redu munonzi mune ngozi,” vanodaro.

VaMuchineripi Dicky Chaitezvi (49) — avo vanova mwanakomana mukuru mumusha uyu — vanotsinhira vachiti havana rugare nekuda kwehurombwa hwakaitwa.

“Madzimai edu, vanasikana, isu varume vacho, mombe, mbudzi, makwai, madhongi, huku nezvimwe zvipfuyo zvatinazvo – tapera kuitwa vakadzi nezvidhoma zvakarombwa nababa wedu akashaika,” vanodaro.

VaDenford Dicky Chaitezvi (39) vanotiwo zvakakosha kuti dambudziko iri rigadziriswe nekukasika.

Sabhuku wemusha uyu, VaThomas Mushonga (49), vanoti vemhuri iyi vanofanira kuisa misoro pamwe chete vogadzirise zviri kuvanetsa.

“Nyaya yekunzi vanhu nezvipfuyo zvavo vaoneswa nhamo nekuitwa madzimai, kusanganisira varume vacho, inozivikanwa muno,” vanodaro sabhuku ava.

Muzukuru mukuru mumusha uyu, VaWatson Maponga (60), vanoti dambudziko remumusha wemadzisekuru avo rinoshamisa.

Sahwira wemumhuri iyi, VaTrouble Chitembeya (45), vanoti muchakabvu – Francis Dicky Chaitezvi – aisavanza kuti akaromba.

“Taifamba tose achitaura zvose sahwira wangu. Aiva nekadende, nyanga, zvikwambo, madumwa, tsvimbo nezvimwe,” vanodaro VaChitembeya.

Apo Kwayedza yaiva pamusha pemhuri iyi, mumwe muporofita akabva asvika zuva rodoka akokwa nevemhuri iyi ndokutanga kuvashandira. Pakazobatwa zvinhu zvakasiyana zvainzi ndizvo zvinotambudza mhuri iyi.

Madzibaba Strive Masango (30) vakabvisa zvinhu zvinonzi zvaishandiswa naVaFrancis Dicky Chaitezvi.

“Pano pamusha pane kadende kanoteketerwa mazita evanhu vose nemazuva avanozofa. Pane nyanga huru inotungamirira zvidhoma nezvikwambo pakushinha nevanhu vose – varume kana madzimai. Kana zvipfuyo chaizvo zvapfidziswa,” anodaro muporofita uyu.

Asati atanga basa rake, muporofita uyu akazvibaya netsono paruwoko rwake rwekurudyi semhiko dzake.

Nyanga inonzi inotungamirira mukushungurudza vanhu nezvipfuyo zvavo yakazobatwa muchimba chaiva chakachengeterwa mbatya dzevanhu vashanu vakashaika avo vasati varohwa makuva.

Nyanga iyi yakapfumbuka ikabatira moto apo yakabatwa nemuporofita uyu. “Iyi ndiyo nyanga inochengeta zvidhoma zvinoita fararira mumusha zvichishereketa nevanhu nezvipfuyo. Kana zvapedza zvinodzokera zvose munyanga iyi.

“Hakuna anonzwa kuda mukadzi kana murume muno, kunyepa here? Shungu dzavo dzinopedzwa nezvikara izvi,” anodaro Madzibaba Masango.

Zvakadai, Sabhuku VaMushonga vakatungwa nenyanga iyi apo yairwiswa ikavabvarurira hembe nekumusana vakadonhera pasi. Vamwe vakakuvadzwa nenyanga iyi vanosanganisira VaTrouble Chitembeya, avo vakatungwa muromo mazino akasara achizunguzika.

Mudende wakabviswa uyu unonzi ndiwo waipinduka kuita nyoka nekamba zvinogara zvichionekwa mumusha uyu, vanhu vachizoshaya kuti zvaenda kupi.

Tsvimbo dzinonzi dzaiva dzemhiko dzakawanikwawo mumba. Kuguva remufi uyu kukanobviswa dende raiva kumakumbo kweguva rinonzi raiva raiswa nevaroyi avo vaishanda nemushakabvu.

Pachiitiko ichi pakaungana vanhu vaidarika zana. Zvinhu zvakabviswa izvi zvakazopiswa. Muchakabvu Francis Dicky Chaitezvi angosarirwa nemwana mumwe chete, Muchineripi Dicky Chaitezvi, kubva pavana vake vatanhatu.

Share This:

Sponsored Links