zvidhoma zvopandukira ‘shefu’

28 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
zvidhoma zvopandukira ‘shefu’ MBUYA JENIFFER MAVHURA

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
CHEMBERE yemubhuku raMasiyambiri, kwaSvosve mudunhu reMarondera, inoti yaoneswa ndondo nezvidhoma zvayakapihwa nasahwira wayo, izvo zviri kuirova nekuibvutira zvekudya mundiro nemumapoto zvichikanganwa kuti mbuya iyi ndiyo “boss”.

Kunze kwaizvozvo, mbuya ava vanoti vanoona chipoko chemurume wavo akashaika kare chiri mune imwe yedzimba dzavo, icho chinovadzingirira nekuvaudza kuti vachisiire sadza kana vabika, izvo vanotevedzera – richitodyiwa zvekupera.

Mbuya Jeniffer Mamvura (73) vanoti upenyu hwavo hwavaomera nekuda kwemaminimini ari kuitika kwavari.

“Ini zvepano zvandinetsa mufunge, mudzimba umu hamusi kugarika. Zvidhoma zviri kundirova zvichindibvutira zvekudya. Ini nemhuri yangu tiri kugara nenzara, zvidhoma zvacho zvinoda sadza zvikuru.

“Mubhedhuru ndakatiza kurohwa nezvinhu izvi – zvina zviri zvipfupi – zvikadzi zviviri nezvirume zviviri. Zvine hasha dzakanyanya.

“Zvinogara muimba yangu yekurara uye murume wangu akafa ari kumuka chipoko chiri kugaramo imomo. Anouya achidya sadza ndichitomuona, ototaura kuti, ‘Mupote muchindisiira sadza’ izvo tave kuita,” vanodaro mbuya ava.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ndikaenda kusango kunozvibatsira, zvinotanga kundirova ndiriko zvondizora tsvina yangu. Ndinobvako ndichichema, ini chete ndini ndinoona zvinhu izvi asi vamwe havazvione.”

Mbuya Mavhura vanoti pane chikwata chevaroyi chiri kuvamanikidza kuti varoye navo, ava vanotiwo vanovarova husiku.

“Zvidhoma zviri pano ndakazvipihwa nemumwe mukadzi aiwadzana nemurume wangu nezvimwe zvakabva kwasahwira wangu apo akasiya andichengetesa achiti aizodzoka achizvitora ashanyira kuvana vake. Paakazodzoka, ndakada kumudzosera akanditi iye aitova nezvakawandisa, ndokubva azviramba nekudaro hazvina kuzobva pano.

“Ndayaura nezvidhoma zvina izvi, zvirume zviviri zvipfupi-pfupi zvine husvisvi hwendebvu chena nezvikadzi zvipfupi zvakare, zvine mazizamu anobata kutsoka kwazvo.”

Vanoti husiku panguva yekubika sadza vanonzwa izwi rinobva kuzvidhoma izvi richivati vabike sadza rakawanda kuti vazokwanawo.

Nemusi weMuvhuro apo ambuya ava vakashanyirwa neKwayedza, vakawanikwa vachitiza nembatya dzavo vachiti paiva nemadzimai akawanda ane mimba aivainga vachiti vaida kuvatorera mbatya idzi.

“Ndinoda kubatsirwa kuti zvinhu izvi zvibviswe pano, ndakuvara nekurohwa. Dzimwe nguva zvinotaura kuti titame, hamheno kuti zvinoda kuti tiende kupi sezvo ndakavaka musha wangu pano. Apa iyewo murume wangu akafa ari kumuka, ari kundirwisa panzvimbo yekuti andichengetedze,” vanodaro.

Mbuya Mamvura vanogara pamba apa nemwanasikana wavo, Juliet Mamvura nevana vake vatatu.

Juliet – uyo akawanikwa asipo aenda kubasa – anonziwo anoona chipoko chababa vake, icho chisingataure naye asi chinomudhonzera panze chichida kumurovera pamotokari, zvisinei nekuti pamusha apa hapana motokari iripo.

“Chokwadi hungava upenyu here hwekuti unobikira sadza munhu akafa kare, achitouya achidya? Ukuwo zvidhoma zvichidyawo nerumwe rutivi, kurohwa ndanzwa uye chikafu chapera. Mwana wangu anotenga chikafu haachazvigona,” vanodunura vachidaro Mbuya Mamvuura.

Vanoti zvidhoma izvi zvinogona kuvaudza kuti pane vanhu vanenge vafa munharaunda yavo, nemazita avo.

Aiva murume waMbuya Mamvura, mushakabvu Alfred Mangwenya, anonzi akashaika mugore ra2014 mutumbi wake ukavigwa pamusha apa. Murume uyu anonzi aive akaromba zvikuru, izvo zvinonzi ndizvo zvave kukwezva matambudziko aya.

“Murume wangu paakabva kuHarare kwaaigara, ndipo paakauya nezvimwe zvidhoma izvi nemukadzi uyo waaiwirirana naye. Akasvikotama pamba ndokunovaka kwake oga uko aigara kusvikira azofa,” vanodaro Mbuya Mamvura.

GOGO DORCAS MANDIRAHWE

Mbuya Docus Mandirahwe (59) – avo vanoziva nezvekutambudzwa kuri kuitwa mhuri iyi – vanoti zvava kuda rubatsiro.

“Vasahwira vangu ava vanotaura kuti murume wavo ndiye ari kuvarwarisa vachiti vanorohwa nezvinhu zvavasingaone, zvichivatorera zvekudya mumba nekuzorwa tsvina. Mwana wavo musikana anova iye oga – Juliet – ndiye anotenga kudya uku asi vari kugara nenzara,” vanodaro.

Gladys Njaka (40), uyo anogara mumusha uyu anoti anosangana naMbuya Mavhura vachizhamba kuchema vachiti vanorohwa nezvidhoma.

“Mbuya ava vasvitsa makore maviri dambudziko iri ratanga – kubva murume wavo achangofa. Vanotiwo vanozorwa tsvina yavo nezvidhoma izvi,” anodaro Njaka.

Mbuya Mamvura vanonzi vakaenda kwaSadunhu Muchemwa vemunzvimbo iyi vachinomhan’ara nyaya yavo yekushungurudzwa nezvidhoma.

“Vakanozvipira kwasadunhu VaMuchemwa vachiti vanoda kubatsirwa kuti vadzosere zvidhoma kumuridzi wazvo, uyo akanga avasiira. Sadunhu vanonzi vakaudza ambuya ava kuti vanomhan’ara nyaya yavo kwaMambo Svosve vachiti ivo vaita mutete pairi, izvo vasina kuita,” anodaro Njaka.

Mbuya Mamvura vanotsinhira kuti vakamboenda nenyaya yavo kwaSadunhu Muchemwa asi ndokuzotsenga-tsenga mukanwa pavakabvunzwa neKwayedza kuti sei vasina kuzoikwidza kwaMambo Svosve.

Sadunhu Muchemwa havana kuonekwa pakashanyirwa dunhu iri neKwayedza.

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti Mbuya Mavhura vanofanirwa kutaura chokwadi kuti vabatsirwe sezvo vanogona kunge vari muchikwata chevaroyi vemunzvimbo iyi asi vachinyara kubuda pachena.

Kune vanoda kubatsira Mbuya Mavhura vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0783 399 448.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey