Uncategorized

Zvidhoma zvopaza dzimba

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Zvidhoma zvopaza dzimba

Kwayedza

Chinotanga chiri chamupupuri
Musha wose worira mabhomba

IMWE mhuri yemubhuku raGweshe, kwaMambo Chipuriro, kuGuruve, iri kugara nekurara panze zvichitevera kuparadzwa kwedzimba nekupiswa kwemidziyo nemoto unongotanga uchiita sechamupupuri, pamwe pacho kuchiita sekunoputika mabhambu.

Mhuri yekwaMakore yasara iri pamhene sezvo dzimba dzapera kudhirika nekutsva uye chikafu nemidziyo yose zvinosanganisira mbatya, magumbeze, mafiriji, mibhedha, mawodhiropu, fetereza nesimende zvakatsva mumashiripiti ave nemasvondo anodarika maviri atanga.

Pamusha pari kuitika manenji aya ndepaVaTapera Ernest Makore, avo vakashaika gore rapera.

Mudzimai wemushakabvu, Mai Fairesi Makore (60), vanoti moto uyu unongobatira mudzimba dzose uye bhedhuru ravo guru rakatoparadzwa rose nechidziro ndokungosara kamba kekubikira chete. Zvinhu izvi zvananganawo nekamba ikaka umo munongobatirawo moto uchipisa midziyo.

Mai Fairesi Makore vachitaridza paive nemba yavo yakapwanyika

Mai Fairesi Makore vachitaridza paive nemba yavo yakapwanyika

Vanotaura vanoti aya mabasa emishonga yakaipisisa sezvidhoma kana kuti zvikwambo.

“Moto uyu unotanga woga apo chamupupuri chinotangira kumabvirazuva pedyo nemusha wedu. Mhepo iyi tikangoiona bedzi, tinotoziva kuti moto wave kutanga, inosvikopinda mumba kana kurovera pamudhuri nekupinda mukati memba moto wobva wabaka pangava pambatya kana pamidziyo,” vanodaro.

Pakasvika Kwayedza pamusha uyu svondo rapera, hazvina kutora nguva kuti vatori venhau vazvionere apo musvesvenenga wenyoka wakabuda mumagumbeze ndokupinda nemumakumbo emutori wemifananidzo uyo akarova bara rakashamisa vaivepo.

Mai Fairesi Makore

Mai Fairesi Makore

Mai Makore vanoti moto uyu unowanzotanga nguva dza10 mangwanani zvichienda mberi kusvika zuva rodoka uye unonetsa kudzimura apo unenge uchisanduka ruvara paunenge uchinganduma kubvira.

Mhuri iyi yaigara kuBulawayo kubva kuma1970 ndokuzoenda kumusha musi wa30 Nyamavhuvhu gore rino mushure mekunge vatanga vatengesa imba yavo yekuBulawayo. Ndipo pakatanga dambudziko iri.

“Tangova nemwedzi chete tava kugara pano tabva kuBulawayo. Nyaya iyi inoratidza kuti pane vanhu vasiri kuda kuti tigare pano asi sitendi ino ndeyedu, iyo takavaka mugore ra1978.

Mai Fairesi Makore naTatenda Makore vachitaridza pamagumbeze pakabuda zinyoka

Mai Fairesi Makore naTatenda Makore vachitaridza pamagumbeze pakabuda zinyoka

“Pano paisagara vanhu isu tichigara kuBulawayo. Handizive kuti kurwiswa uku kuri kubva kupi, muno ndimo mumusha memurume wangu maakaberekerwa uye mune hama dzake,” inodaro shirikadzi iyi apo midziyo yakatsva neisina yainge yakaita gatakata nechivanze chose.

Mai Makore vanoti havasati vafamba semhuri kuti vatsvage kuti mashura aya ari kukonzerwa nei asi vane fungidziro huru yekuti zviri kuitwa nezvikwambo zviri kutumirwa nevavengi.

Kubva pakashaika baba vepamusha uyu, zvinonzi pane dzimwe hama dzavo dzaida kutora imba yaive kuBulawayo kuti vaitengese votora mari izvo zvinonzi payakatengeswa hapana chavakapihwa.

Vana ava vaiita zvechikoro pamusha une dzimba dzakadhiriswa nemoto wakangotanga woga.

Vana ava vaiita zvechikoro pamusha une dzimba dzakadhiriswa nemoto wakangotanga woga.

Mwanakomana wepamusha uyu, Tatenda Makore (23), anoti dambudziko ravakatarisana naro ravashaisa rugare sezvo vasisina pekugara.

“Taigara kuBulawayo zvakanaka kusvikira baba vakazoshaika gore rakapera muna April (Kubvumbi). Takazoronga zvekudzoka kumusha apo takatengesa imba mari yacho ndokushandisa kutenga zvimwe zvinhu zvinosanganisira marata nesimende, ndokutakura midziyo yose kuuya kuno muna August (Nyamavhuvhu). Tangogara mwedzi chete tabva tasangana nedambudziko remoto unoshamisa uyu,” anodaro Tatenda.

“Hapana chatasara nacho pano, kubvira kumagumbeze, mbatya dzekupfeka, kudya, hembe dzevana dzechikoro, magwaro ekuzvarwa needzidzo nemabhuku ekumabhanga. Mumba maivawo nemari inosvika $700 asi yose yakatsva pakati pezvimwe. Zvose zvakaparadzwa zvinokosha mari inodarika $20 000,” anodaro Tatenda.

Tatenda Makore akamira paive nemba yavo yakadhirika - Mifananidzo — Tariro Kamangira

Tatenda Makore akamira paive nemba yavo yakadhirika – Mifananidzo — Tariro Kamangira

Anoti vave kurara panze nekutya kutsvira muimba imwe chete yekubikira yasara.

Vamwewo vanogara pamusha uyu vanosanganisira Shiella Tsuro (22), Charity Makore (30) nevana vadiki.

“Tanga tiine hurongwa hwekuvaka dzimwe dzimba sezvo takanga tatenga mabhegi 14 esamende ose akatsvira mumba huru iyo yakadhiritswa nechamupupuri chakazoputika kuita moto,” akadaro.

“Tine mari yatinoda kutora kuNSSA yababa neimwe kubhanga nekuti takangowana $300 chete yekuvavigisa. Zvino mabhuku ose nezvimwe zvinodiwa zvakatsvira mumba umu.

“Hamheno kuti tichakwanisa kutenga zvimwe zvinhu here sezvo zvakatsva zvinosanganisira masofa matsva, firiji itsva, 4 plate stove, mibhedha miviri, masaga matatu efetereza, 50 kg yesauti, maTV maviri, magumbeze 20 nematebhuru. Tinokumbira kubatsirwa kana chekudya chaicho hatina izvozvi,” anodaro Tatenda.

Mumwe wevana vepamusha apa anonzi akapotsa afira pasofa apo aiva akarara parakangotanga kubvira ndokunyekera akakotsira asi ndokuzonunurwa.

Pakashanyira Kwayedza pamusha uyu svondo rapera, vemhuri iyi vanoti vainge vazivisawo vakuru vedunhu ravo vanosanganisirsa sabhuku VaWallace Gweshe, mumiriri weGuruve South mudare reNational Assembly VaPatrick Dutiro nakanzura weko, VaForbes Kamambo.

“Vamwe vakuru takavataurira uye tangomirira baba vasara, VaWonder Makore, kuti vauye vazoona kuti tofamba takananga kupi nekuti ndivo sarapavana,” anodaro Tatenda.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, VaEdgar Kuzhinginya (42), vanoti havana kumbobvira vakaona dambudziko rakadai.

Sekuru vekwaMakore, VaScort Makore (78), vanoti aya manenji chaiwo.

“Nyaya iyi yandikandisa mapfumo pasi. Handizive pamba apa ndepe mwana wangu akashaika akasiya mhuri. Hamheno kuti zvidhoma here kana kuti zvikwambo, asi uku kuromba chaiko kana hushereketwa. Mhuri yangu inoda kubatsirwa,” vanodaro.

Vanoti vari kuronga kufamba nemhuri iyi kana vaungana vose.

Sezvo Zhizha rasvika, vanoti mhuri iyi inoda kubatsirwa nekuvakirwa imba nekukasika.

Zvakadai, mukuru weZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti mhuri iyi inogona kunge iri kushandisirwa mishonga yakaita sezvikwambo, zvidhoma, mheni kana sandawana kana kuti paine mumwe wavo akabata-bata mishonga yakaipa zvikuru.

“Kazhinji kubatira kwemoto woga zvidhoma, zvikwambo, sandawana, mheni nezvimwe zvakasiyana zvekushereketa kukuru kwehutakati,” vanodaro.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0785 995 030 kana 0734 639 780.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey