Zvidimbu zvezuva

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

 Ticha Danga —
APO Nyadenga vakasika denga nenyika vakabva vatigonera nekutipa mucherechedzo wenguva kuti tigoziva misi nenguva yekuita zvinhu. Vakabva vatigadzirira zvidimbu zvenguva apo tinowana nguva yekushanda, nguva yekudya nenguva yezorora. Takagadzirirwa nguva yekuti tigorara apo tinorota nekuzorodza nyama dzedu dzinenge dzaswera dzichishanda.

Kana tichitaura nyaya dzenguva tinobvira panguva dzatinotarisa pachiringiriro kana kuti wachi, kouya nguva dzekupera kwezuva kana kwesvondo. Nguva zvakare dzinobuda patinotaura zvekufamba kwemwedzi kana kwegore.

Mukati memikana yose iyoyi ndimo munobuda zvidimbu zvenguva izvo vanhu vazhinji vanonetseka nekuzvidudza kana kuzvideedza. Tinoda kutora mukana uno kuti tijekese zvose zviri maererano nezvidimbu zvezuva, kubvira richibuda mupaka rivire rigobudazve.

Regai titange nekutarisa mangwanani patinomuka. Pane nguva idzo hope dzakadzama kana kuti dzedanda padzinopera kunze koda kuedza, kubvira nguva dzeina kusvika panguva dzenhanhatu (4-6am). Ipapa pane zvidimbu zvitatu zvenguva.

Kubva nenguva dzeina inenge yava nguva yemashambanzou. Mashambanzou anotisesedza kusvika panguva dzeshanu (5am) apo runyanhiriri runotanga. Mashambanzou ndiwo mambakwedza. Zita iri rakabva mukuonekwa kuti ndiyo nguva apo nzou dzinozvishamba.

Vanahombarume chaivo ndidzo nguva dzavanobva pamba vachienda musango kunokwasha. Runyanhiriri izita rakabva mukuti zvakaonekwa kuti ndiyo nguva inodyiwa huku nenhiriri zvakanyanya.

Kubvawo nguva dzinopera runyanhiriri rufuramhembwe rwunobva rwati pfacha. Kunze kunenge kwachena uye ndiyowo nguva inofura mhembwe. Rufuramhembwe rwunowanikwa kaviri pazuva sezvatichaona.

Kubvawo panguva dzenhanhatu kusvika panguva dzegumi (6am-10am) ndidzo dzatinoti nguva dzemadziyamushana. Madziyamushana anonzi rudziyakamwe nerimwe zita. Anenge achiri mangwanani.

Mangwanani aya anotandavara kusvika nguva dzegumi nembiri (12). Panongokwana nguva dzegumi nembiri, rwava rurovanhongonya.

Dzinoramba dzichitekaira nguva kusvika dzabata atinoti masikati. Masikati zuva rinenge ropisa zvikuru riri pamusoro pedu dzamara roda kunorerekera. Nguva dzemasikati dzinotangira pane dzegumi nembiri idzodzo dzotatamuka kusvika pane dzegumi nenhanhatu.

Padzinongojobora pagumi nenhanhati atova madeukira. Kubva murudeukira zvichienda mberi zuva rinenge rava kunopinda muna amai varo apo vajana vemombe vanenge vonopfigira zvipfuyo zvavo. Kana zvino dzabata panguva dzegumi nenomwe rwava rukunzvikunzvi. Denga rinenge rakaita kakutsvukuruka, kunyanya kumavirira. Dzinoramba dzichitekaira nguva dakara godi panguva dzegumi netsere apo rufuramhembwe rwepiri rwunotanga.

Mwembwe dzinenge dzaswera dzakati kwandavata muzvuru nemumakwenzi dzichihwanda vavhimi dzinobva dzabuda kunofura. Dzinozotseketuka nguva dzamara vhu panguva yegumi nepfumbamwe. Ndiyo nguva yerubvunzavaeni. Ruvhunzavaeni ndirwo rukunguvira.

Ndiyo nguva inenge yangoti zuva nyurei kwave kuti tsvaa kusviba. Kazhinji vanhu vanenge vachishanya vanenge vobvunza pavanoda kuenda sezvo vanenge vasisaoni nekusviba kwekunze.

Kana ruvhunzavaeni rwapfuura, vanhu vanenge vati ware ware mudzimba vachidya zvirariro nekuita ngano. Iyi inenge yava nguva yehusiku. Husiku ihoho hunokura kusvika hwasvika pakati pousiku pokuti rudhende rwevanhu rwunenge rwati rororo kurara.

Dzinozoramba dzofamba nguva dakara dzateremuka kudzokera pakare paya patambotangira pamashambanzou. Ndiwo mamiriro akaita zvidimbu zvedu zvezuva maererano nenguva.

Share This:

Sponsored Links