Zvidzai arwarisa

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
13. BURITSA zvinhu zvishanu zvinojekesa kuti Zvidzai akanga anyanyisa kurwara muna Dare Retariro. [25]

Kurwarisa kwaZvidzai kunoonekwa nekugara akarara. Tinozviona paanoenda kunotsvagwa naMoses kuDangamvura kwaMutare kwaakanga ava kuita zvechihwindi kumakombi. Anomuwana ave kugara kuSakubva kumaBlock kwaakasvika akarara mumagumbeze ndokuzofukurwa naZano.

Kurwarisa kwaZvidzai kunoonekwa nekupera muviri. Tinonzwa nezwi remunyori kuti panoenda Moses kuSakubva kumaBlock achida kunotora Zvidzai kuti adzokere naye kumusha anomuwana apera muviri. Zvinonzi akanga awunyana senapukeni rasakara uye maziso ake anyura mumakomba.

Chinoratidza kurwarisa kwaZvidzai kusanduka kweruvara rweganda rake. Izvi zvinoonekwa panoenda Moses kwaMutare kunotsvaga Zvidzai ndokumuwana ari kuSakubva kumaBlock. Moses anovhunduka kuona ruvara rweganda raZvidzai rwasviba kuti tsva-a setsubvu dzaibva.

Kutandira kwetsinga dzemuviri waZvidzai kunoratidza kuti akanga ave kurwara zvakanyanyisa. Zvinobuda Moses paanosvika kuSakubva kumaBlock kwakanga kuina Zvidzai achirwara. Anovhunduka paanomuona afugurwa gumbeze naZano nekuti tsinga dzainge dzatandira muviri wese.

Zvidzai anorwarisa zvekusvika pakutadza kuzvifambira ega. Izvi zvinojekeswa Moses paanosvika pamusha pavo achibva kwaMutare naZvidzai. Hazvinei mudzimai waMoses anoshamisika kuona babamudiki vake, Zvidzai vakaberekwa kumusana vasingachakwanise kuzvifambira vega nekurwara.

14. Tsanangura zvizere kuti chitendero chechiKristu chinoburitswa sei muna Dare Retariro. [25]

Chitendero chechiKritsu chinoburitswa chichiita kuti vanhu venharaunda vabatsirikane. Tinonzwa nezwi remunyori kuti chechi yeUnited Methodist yakanga yabatsira nhauraunda zhinji dzakapoteredza nzvimbo yekwaMutare kuburikidza nekuvaka chipatara chekwaMutambara. Ichi ndichowo chipatara chimwe chete chakanga chabatsira VaMandionei panguva yavakarwara nechirwere chebhiipii kusvika vaita zvakanaka.

Chitendero chechiKristu chinoburitswa chichiyananisa vanhu. Izvi tinozviona mutungamiri wechechi yeRoma, Baba Madzore pavanoenda kumba kwaVaMandionei wavainamata navo. Vanoshandisa chitendero pakuedza kuti VaMandionei vagare naTandi zvakanaka vachivati vaisafanira kumunyima chekudya nekuti vaive mukuru weruwadzano aifanira kupa muenzaniso wakanaka kunyika.

Chitendero chechiKritsu chinoonekwa chichidyidzana nenharaunda.

Tinozviona Sabhuku Sango naMufundisi Madzore pavanowirirana kuti Tandi azodzidzisa vanhu venharaunda nevatendi vechechi yeRoma nezveutachiona hweHIV nechirwere cheAIDS. Sabhuku Sango vanotuma mupurisa wavo kuti afambe achizivisa vanhu kuti vaizofanira kuenda kuchechi yeRoma musi weSvondo yaitevera kunodzidziswa nezvechirwere cheshuramatongo naTandi. Mufundisi Madzore vanopa

Tandi mukana wekuti adzidzise vanhu vakanga vaungana pachechi pavo nezvechirwere cheshuramatongo.

Muna Dare Retariro chitendero chechiKristu chinoburitswa chichisimudzira tsika dzakanaka. Izvi zvinojekeswa naZvidzai paanokumbira Baba Madzore kuti vamubatanidze naTandi zuva raareurura chokwadi chekuti aimuda. Vanomurayira kuti aifanira kuroora mudzimai wake, Tandi zviri pamutemo vasati vavabatanidza. Izvi zvinoita kuti Zvidzai azobatsirwa kuroora nehama dzake, vozomubatanidza naTandi zviri pamutemo kuchechi kwavo kuRoma.

Chitendero chechiKristu chinoburitswa chichipa tariro kuvanhu vagumirwa. Izvi tinozviona panoenda Tandi kwaBaba Madzore asisina pekutangira mushure mekunge VaMandionei varwara nebhiipii ndokusitiroka. Vanopiwa mubhedha kuchipatara chekwaMutambara zvinoita kuti Tandi azotanga kutya ave kufunga kuti vakafa aizonzi ndiye akavauraisa. Mufundisi Madzore vanomubatsira kuburikidza nekuvanamatira vachibva vaita zvakanaka.

Chitendero chechiKristu chinenge chichishandiswa kuvanza mabasa akaipa. Zvinoonekwa kuna VaMandionei vanenge vachiita mabasa akaipa akaita sekuvenga Tandi, vachiwanda nechitendero chechiKristu. VaMandionei vanenge vachitungamira mamwe madzimai eruwadzano asi vasina unhu hwakanaka zvinoita kuti Mufundisi Madzore vazoshamisika kuona kuti vaisave neruremekedzo zuva ravanodzingwa pamba pavo vachiedza kuvayananisa naTandi kuti vagare zvakanaka.

Chitendero chechiKristu chinoburitswa chichibatanidza vanhu. Izvi zvinobuda Moses paanokoka hama dzavo dzekwaTigere nevanhu vemunharaunda kumuchato waZvidzai. Hama dzaTandi dzekwaSigauke dzakaendawo kumuchato wake wakaitirwa kwaZimunya.

Mhuri mbiri idzi dzakazobatanidzwa zvinofambirana nemutemo wechiKristu naMufundisi Madzore.

Share This:

Sponsored Links