Zvidzidzo munyaya

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
Zvidzidzo zvaunogona kubura munyaya iyi:

Mwoyo muti unomera paunoda — chidzidzo ichi chinobuda pakati paStanley naBeaula vaidanana pasina kutarisa zvekuti Stanley aive mukomana aishaya uye achitambudzika zvikurusa kupinda musikana wake.

Rina manyanga hariputirwe — Beaula anotsakatika, sezvineiwo matsotsi ainge amupamba ndokudzima nhare yake pamwe nekushandura ruvara rwemotokari yake asi zvese izvi zvakazongobuda pachena pazvakaonekwa naStanley kuChriston Bank.

Mabasa ehuori anourayisa — ichi chidzidzo chinobuda pana Samson aive gadhi wepaSearing Heights akanga aita madhiri pabasa ndokutendera mbavha; vanaVheremu kuti vapinde mumba maStanley muchihwande asi kumagumo kwacho mbavha dziya ndidzo dzakazomuponda achibva afa.

Ukasazvibata unofa nechirwere cheshuramatongo – izvi zvinobuda pana Stanley anoramba kurara nevamwe vakadzi vekubhawa vakaita saEsinati naEve achitya kuti vaizomuzadza chirwere cheAIDS akafa sezvainge zvamboitika kuvamwe vakatevedzera matsimba egwara irori.

Dzidzo yakanaka — chidzidzo ichi chinobuda pana Stanley anoshingirira nezvidzidzo zvake mushure mekuendeswa kuPorta Farm asi anozobudirira kumagumo kwacho. Vamwe vake vakaita savanaTinos, Kuda nevamwe vanotiza chikoro zvinoita kuti varambe vachingoshupika.

Kukara mari kunouraisa — zvinobuda pana Eve akanga achida mari zvakanyanyisa kubva kuvanhurume vakaita saStanley zvinoita kuti azogume auraiwa naMonya nechikwata chake vave kutya kuti aizovafumura madhiri avo akabuda pachena.

Mhirizhonga yemudzimba yakaipa — chidzidzo ichi chinobuda pane murume anorova mudzimai wake mbama pana Angwa Street achibva asungwa nemapurisa.

Kuba kwakaipa — chidzidzo ichi chinobuda pavashandi vepaC and T Private Limited vaiba mari pakambani iyi zvinoita kuti pazoshevedzwe maodhita ekunze ayo anozotanga kuvhimwa nembavha idzi dzichishuvira kuvauraya. Gona ana gona wakewo — chidzidzo ichi chinoonekwa pana Monya aiuraya vamwe vanhu asi kumagumo kwacho tinoonawo kuti anozogonekwa naStanley uyo anomurova zvekuti anosara asingachakwanise kudzosera.

Rudo rwunokunda ngoma kurira — Stanley anosarudza kuregedza kuenda kubasa achitsvaga musikana wake, Beaula uyo akanga apambwa nembavha dzainge dzaba mari kuC and T Private Limited kusvikira amuwana. Chakanaka chakanaka mukaka haurungwi munyu — mhondi dzinomboedza kusvibisa zita raStanley kuti anzi akanga aponda Beaula asi kumagumo kwacho tinozoona mapurisa achimuchenura kuti akanga asina mhosva.

Share This:

Sponsored Links