Zvidzidzo murungano

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
11. Tsanangura zvidzidzo zvishanu zvawakawana maererano nezvechirwere cheshuramatongo muna Dare Retariro. [25]

Ndakadzidza kuti chinonzi HIV hutachiona kwete chirwere cheAIDS. Izvi ndakazvidzidza kuna mukoti Sibanda zuva ravanovheneka Tandiwe chirwere cheshuramatongo pakiriniki yepaMutapi.

Pavanomuudza kuti ropa rake rine utachiona hweHIV anoridza mhere achiudza maiguru vake, Hazvinei achiti, ndanzi ndine chirwere cheAIDS. Mukoti Sibanda vanomudzidzisa kuti utachiona hweHIV hwaaive naho hwaisave chirwere cheAIDS asi hwaigona kuzokonzera chirwere cheAIDS.

Dzidzo yandakawana kubva munyaya iyi ndeyekuti munhu ane utachiona hweHIV anokwanisa kurarama kwenguva refu. Izvi ndakazviwana kuna mukoti Sibanda vanodzidzisa Tandi aive neutachiona hweHIV kuti akatevedzera zvese zvaanenge achiudzwa navanachiremba aizorarama kwenguva refu sezvo utachiona uhu huchirera munhu.

Chimwe chidzidzo chandakabata chinobva muna Dare Retariro ndechekuti utachiona hweHIV hunobatira huchitevera ropa. Zvinozadziswa naTandi akanga arara naZvidzai aive neutachiona hweHIV vari kuChipinge. Paanozoenda kunonyoresa pamuviri kukiriniki anoudzwa nevakoti kuti ropa rake rakanga rine utachiona hweHIV, achibva aziva kuti akanga ahutapurirwa naZvidzai.

Munyaya iyi ndakadzidza kuti ndikaita zvebonde nevanhu vakawanda ndinozopedzisira ndave neutachiona hweHIV hunokonzera chirwere cheAIDS. Ndakazvidzidza kubva kuna Zvidzai, zuva raanonzwa kuti Tandi aonekwa navanamukoti kukiriniki kuti ane utachiona hweHIV hwaakanga amutapurira. Anopinda mugota make ndokuedza kuverenga vanhukadzi vese vaakanga arara navo asi anoona vakawandisa zvekupfuura makumi maviri zvinove zvakaita kuti azopedzisira atapurirwawo utachiona hweHIV.

Nyaya iri muna Dare Retariro yakandidzidzisa kuti kurara nemhandara hakupedzi utachiona hweHIV. Izvi ndakazvidzidza kubva kuna Zvidzai akanga aonekwa kuti aive neutachiona hweHIV paakamborwara neTB.

Anoenda kun’anga yainzi Zinorengwe achinobvunzira ndokunyeperwa kuti akarara nemusikana asati aziva murume utachiona hwaaive naho hweHIV hwaizopera asi paakazviita arara naTandi, utachiona uhu hauna kupera muropa rake.

12. Tsanangura zvinhu zvishanu zvinoitwa naBaba Madzore zvinojekesa kuti vakanga vakamira pachokwadi muchitendero chechiKristu muna Dare Retariro. [25]

Chinoratidza kuti Baba Madzore vainamata vari pachokwadi kupa Tandiwe chekudya. Izvi zvinoonekwa Tandi paanosvika achipunzikira pamusiwo wehofisi yaBaba Madzore. Vanomubvunza kuti chii chaimunetsa ndokuvapindura achiti inzara. Vanobva vamhanya kunotora chingwa nebhotoro rekokokora kuti adye vasati vatanga vataura naye zvakawanda.

Baba Madzore vanoratidza kuva mutendi akamira pachokwadi nekuedza kuyananisa Tandi navamwene vake, VaMandionei. Tinozviona pavanobva kuchechi kwavo kuRoma naTandi vachienda kumba kwaVaMandionei kuti vanovayananisa kuti vagare vese murudo nemurunyararo. Pavanosvika pamba paVaMandionei vanoedza kutaura navo kuti vachengete Tandi zvakanaka sezvo vaive mucherechedzo wemuenzaniso wakanaka kunyika.

Mufundisi Madzore vanoratidza kumira pachokwadi muchitendero chechiKritsu nekuti vaisatsividza chivi. Izvi zvinoonekwa pavanotukwa naVaMandionei vachinzi vasapindira munyaya yemwana wavo, Zvidzai naTandi nekuti vakanga vasina kumbobvira vaita mwana pamwe nekukandirwa mabhachi ekuchechi asi vanoramba vakanyarara uye vanozobatsirawo Zvidzai nemotokari yavo pavanomuperekedza kunoroora Tandi kumusha kwavo kuChipinge.

Baba Madzore vanoratidza kuva mutendi akamira pachokwadi pavanotsvagira Tandi rubatsiro kubva kuchechi. Izvi zvinoonekwa panoenda Tandi kuchechi yavo yeRoma achinodzidzisa vanhu nezveutachiona hweHIV nechirwere cheAIDS. Paanenge apedza, Baba Madzore vanomukumbirira rubatsiro kubva kuvanhu vemuchechi. Izvi zvinoita kuti azobatsirwa nemari, mbatya nechikafu.

Baba Madzore vanozvipira kutsvagira Tandi kwekunogara. Izvi tinozviona pavanoudzwa naTandi kuti VaMandionei vakanga vamushungurudza zvakanyanyisa nekumudyunga pamuviri pake nemutsvairo.

Anovakumbira kuti vamutsvagire kwekugara vachibva vamuti afanouya kuzogara pachechi pavo paRoma vachinotaura nevekuMusasa Project kuti vamuchengete nemwana wake kuitira kuti abve pamba paVaMandionei vaida kumuuraira mwana.

Share This:

Sponsored Links