Zvidzidzo murungano

25 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
13. Ndezvipi zviitiko zvishanu zvaungati ndizvo zvinoita kuti rungano rwuri muna Museve Usingapotse rwufambire mberi sezvarwakaita? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

Chiitiko chekuramba kwaPondai kuti Mambo Chakaingesu vadzidzise mwanakomana wavo, Karinge kudeketera midzimu chinoita kuti rungano rwufambire mberi sezvarwakaita. Zvinoonekwa Mambo Chakaingesu zuva ravanoshevedza machinda avo padare vachida kuasuma nezvenyaya yekuti vakanga vafunga kuti vaende kunodzidzisa Karinge kupira midzimu yavo kuninga yemadzimambo asi Pondai anopikisana nazvo achiti Karinge aive mwana mudiki kuti azive zvekuninga iyi. Izvi zvinoita kuti Pondai abve pamusha asina kuoneka achipotera kwaMambo Mupambi vanhu vosara vachinetseka zvikuru.

Chimwe chiitiko chinosusukidza rungano kunyeperwa kwaMambo Mupambi naPondai kuti aive neumambo hwainge hwapambwa naMambo Chakaingesu. Zvinobuda Pondai paanoshevedzwa padare naMambo Mupambi mushure mekunge apotera mudunhu ravo. Vanomubvunza chikonzero chaakanga afambira ndokuvaudza kuti aida rubatsiro rwemauto ekurwisa Mambo Chakaingesu vainge vapamba umambo hwake asi ariye aida kutovabvutira umambo hwavo. Zvinoita kuti Mambo Mupambi vazopa Pondai tsori, Marizani naKunjerekunjere kuti adzokere navo kumusha kwake vachinosora dunhu raChakaingesu.

Chinosundira rungano mberi kubvuma kwaMambo Mupambi kubatsira Pondai nemauto. Tinozviona pavanovimbiswa naPondai kuti vakamubatsira kurwisa Mambo Chakaingesu akakwanisa kutora umambo hwavo aizovapa vakadzi gumi vakanaka, ndarira dzinokosha negurusvusvu remombe. Mambo Mupambi vanobva vabvuma kubatsira Pondai pavanopiwa vimbiso iyi yakavatora mwoyo. Zvinoita kuti pamauto aMambo Mupambi pazosarudzwa varume vakasimba vaifanira kunogara musango kwemazuva makumi maviri vachikoka simba rekurwa.

Rufu rwaMambo Chakaingesu rwunofambisira rungano mberi. Tinozviona Mambo Chakaingesu pavanobva kuninga yaivigwa madzimambo avo vachimhanyira kumuzinda kuti vanorwisana nemauto aMambo Mupambi akanga achida kupamba musha wavo. Vanosangana naPondai pamuzinda ndokufara vachifunga kuti vawana mubatsiri asi anobva avabaya nemuseve pabendekete ndokuzovapedzisa nemimwe gumi vachibva vafa. Izvi zvinoita kuti Pondai azopa Nyamaropa mombe zana nemhandara gumi dzaisanganisa vakunda vaMambo Chakaingesu kuzadzisa chibvumirano chaakanga aita naMambo Mupambi.

Rungano rwunosusukidzwa naVaMatiwanzira vanofuridzira Tapera naNyamaropa mushonga wekuti vararise vakachengeta Karinge ari muusungwa hwaMambo Chikwirandaombera. Izvi zvinobuda VaMatiwanzira pavanenge vachinyahwaira usiku vachienda kwaiva naKaringe nevamwe vake vaive muusungwa hwaPondai mavakanga vakachengetedzwa naTapera naNyamaropa. Vanosvika ndokufuridzira Tapera naNyamaropa mushonga wekuti vakotsire. Ndizvo zvinoita kuti Karinge akwanise kuziva kuti Pondai akanga auraya baba vake achida kusara achipamba umambo hwavo.

14. Ndezvipi zvidzidzo zvishanu zvemhangwa zvawakawana murungano rwunonzi Museve Usingapotse? Tsigira mhinduro yako nezviitiko zvinoburitsa chidzidzo chimwe nechimwe chawakawana. [25]

Muna “Museve Usingapotse” ndakadzidza kuti mubairo wechivi rufu. Izvi zvinobudiswa naPondai akaita chitadzo chikuru chekuuraya Mambo Chakaingesu ndokutora umambo hwavo nechisimba asi kumagumo chivi chaakaita chakazomuuraisa naKaringe mwanakomana wamambo.

Ndakadzidza kuti mwana washe muranda kumwe. Chidzidzo ichi ndakachiwana kuna Karinge aive mwanakomana waMambo Chakaingesu asi akabatwa senhapwa mudunhu raMambo Tineshungu. Akakandwa naChivhere muchidziva chaigara garwe kuti arwisane naro.

Chimwe chidzidzo chandakawana ndechekuti n’anga haizvirapi. Izvi zvinoonekwa pana Kandishaya aive n’anga ine mukurumbira chaizvo kwaMambo Chakaingesu asi akatadza kuzvitakanura nemakona ake paakanga akuuraiwa nemuseve naPondai, panguva inopambwa dunhu raMambo Chakaingesu nevarwi vaMambo Mupambi.

Imwe mhangwa yandakawana murungano urwu ndeyekuti ruchiva rwakaipa. Mhangwa iyi inojekeswa naMambo Mupambi vaive neruchiva rwepfuma nemadzimai zvinoita kuti vazobatsira Pondai kupamba umambo hwaMambo Chakaingesu mushure mekuvimbiswa kuti vaizopiwawo mombe zana nemhandara gumi.

Izvi zvakazovauraisa nekuparadzisa dunhu ravo naKaringe.

Kubva murungano urwu ndave kuziva kuti zino irema rinosekerera newarisingadi. Ndakazviwana pana Pondai ainyepera kufarira Mambo Chakaingesu nekuvabatira haka paanenge achibva kwaMambo Mupambi asi achiziva zvake kuti aida kuvaparadza osara achipamba umambo hwavo.

Share This:

Sponsored Links