Zvidzidzo murungano

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
NDEZVIPI zvidzidzo zvishanu zvawakawana muna Pfuma Ndeyamaoko? Tsigira mhinduro yako nezviitiko zvinojekesa chidzidzo chimwe nechimwe chawakawana. [25]

Muna Pfuma Ndeyamaoko ndakadzidza kuti zino irema rinosekerera chero newarisingadi. Ndakazviwana kuna VaMabvura vainyepedzera kufarira Ishe Chivhimaushe vachinovatandadza kumuzinda kwavo asi vakavavenga zvikuru zvinoonekwa nekuronga kuvauraya kwavaida kuita vakabatana naKufakunesu.

Chidzidzo chandakawana kubva murungano urwu ndechekuti mbudzi kudya mufenje hufana nyina. Izvi ndakazvidzidza kuna Kufakunesu anonzi akanga atodza baba vake, VaZvauyanepi panyaya dzekuvhima sepatinomuona ari kwaShe Marwei achibva kusango kwaakanga amukira kunovhima ndokudzoka kumusha usiku akabata usavi hwetsuro.

Dzidzo yemhangwa yandakabura kubva mubhuku iri ndeyekuti ruchiva rwakaipa. Dzidzo iyi ndakaiwana kuna Ishe Chivhimaushe vaida pfuma nemadzimai zvakanyanyisa. Ndizvo zvakaita kuti vazosvike pakupandukirwa nejinda ravo, VaMabvura nekuti vakanga vamhanyira kutora nhapwa yechidzimai, VaChinhamo vaida kuitwawo mukadzi naVaMabvura. Ruchiva rwavo rwepfuma rwunoita kuti vazouraisa Kufahakupere pahondo yekupambwa kwaShe Chakandida zvinoita kuti vauraiwewo namukoma wake, Kufakunesu.

Muupenyu hwepasichigare ndakadzidza kuti maive netsika yeutapwa. Izvi ndakazviona kuna Ishe Chivhimaushe vanoenda kwaShe Marwei nevarwi vavo vachinovarwisa ndokuzobvako nenhapwa dzaisanganisa VaChinhamo nevana vavo, Kufakunesu naKufahakupere. VaChinhamo vanobva vaitwa mudzimai waShe Chivhimaushe ukuwo Kufakunesu naKufahakupere vanenge vave kuvafudzira mombe dzavo.

Rungano urwu rwakandidzidzisa kuti kare haagari ari kare. Izvi zvinojekeswa  naShe Chivhimaushe vakanga vaine utsinye vachitapa nekuuraya vanhu sezvavakaita VaChinhamo vavakanga vatapa kwaShe Marwei.

  1. Ndezvipi zvinoitika murungano Pfuma Ndeyamaoko zvinoratidza mararamiro echinyakare? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

Pasichigare kwaipfekwa zvipfeko zvaigadzirwa nematehwe emhuka. Izvi tinozvinzwa naVaMabvura zuva ravanotanga kugara naKufakunesu vachitandara padare pavo vachiti vakanga vasingapfekeri nhahwamaringa nemhapa zvenhando nekuti vaive murume azere.

Rungano urwu rwunotiratidza kuti pasichigare kwaive netsika yekutapana. Izvi tinozviona kuna Ishe Chivhimaushe vanoenda kunotapa vanhu vekwaShe Marwei ndokubvako vaine nhapwa zhinji kwazvo dzaisanganisa VaChinhamo nevana vavo, Kufakunesu naKufahakupere. VaChinhamo vakazoitwa mudzimai naShe Chivhimaushe uye Kufakunesu ndokutanga kuvafudzira mombe dzavo.

Kurwa hondo nemapfumo itsika yepasichigare. Zvinobuda panoenda Ishe Chivhimaushe kuhondo yekunopamba upfumi hwaShe Chakandida. Tinoona Kufahakupere achirwisana neuto raShe Chakandida kusvika abaiwa kumusana nepamwoyo nepfumo achibva afa.

Pasichigare kwaifambwa nzendo refu netsoka. Izvi zvinoonekwa Ishe Chivhimaushe pavanobva kwaShe Marwei vaine nhapwa vachienda nadzo kudunhu ravo. Vanenge vachifamba nemugan’a raive nejekacheka richivachenyura tsoka. Vanosimuka kwaShe Marwei usiku ndokuzosvika mudunhu ravo usikuzve vachingofamba pasina zororo.

Muupenyu hwepasichigare vana vaiberekwa nematehwe emhuka. Izvi tinozvijekeserwa zuva rinoitwa musangano wekugova nhapwa pamuzinda waShe Chivhimaushe. Tinozonzwa Kufakunesu ave kurondedzera VaMabvura nezvaamai vake achiti vakanga vakabereka mwana nedehwe reshumba pamusangano iwoyu wekugoverwa kwenhapwa dzekwaShe Marwei.

Pasichigare madzimambo aigara nevasori vehondo. Zvinobuda panorwiswa Ishe Chivhimaushe naKufakunesu nemamwe machinda pamuzinda wavo. Tinoona VaMabvura nevamwe varwi vachibatsirana kuuraya tsori dzaShe Chivhimaushe dzaida kubatsira mambo kurwa. Izvi zvinoratidza kuti kare madzimambo aigara netsori dzehondo dzaivabatsira kusora matunhu avaizorwisa vachipamba pfuma.

Muupenyu hwepasichigare mukadzi airoorwa nebadza. Ndakazviona zvichiitwa naVaMabvura vanotsvagira Kufakunesu mukadzi ainzi Tsitsi. Paanobvuma zvekuroorwa naKufakunesu vanosvitsa shoko iri kuna baba vake, VaMusora vakabvumiranawo nazvo nekudaro VaMabvura vakanotora munyai ndokumupa badza iro akanosvitsa. Mushure mezvo, anobva atoenda kunotanga kugara nemurume wake.

Itsika yepasichigare kuti vanhurume vaienda kunovhima vachitsvaga usavi. Izvi tinozviona mudunhu raShe Marwei, panomukira Kufakunesu makuseniseni achienda kusango kunovhima ndokuzodzokako usiku akabata usavi hwetsuro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey