Uncategorized

Zvidzidzo zveredhiyo zvodzoka

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Zvidzidzo zveredhiyo zvodzoka

Kwayedza

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti bazi ravo rine hurongwa hwekudzosa zvidzidzo zveparedhiyo (radio lessons) muzvikoro pamwe nekuzvivandudza kuti vana vadzidze kuburikidza neterevhizheni.

Dr Dokora vakataura mashoko aya mudare reSenate nguva yadarika apo vaipindura mubvunzo wemumiriri wevakaremara mitezo (Disabled Representative) Senator Nyamayabo Mashavakure.

Sen Mashavakure vaida kuziva kana bazi iri riine hurongwa hwekudzosa zvidzidzo zveradio lessons muzvikoro izvo zvaimboitwa kare vachiti zvaibatsira zvikuru mudzidzo yevana.

Dr Dokora vanoti pane matanho ari kutorwa kuti zvidzidzo zveradio lessons zvidzoswe muzvikoro.

“Mhinduro pfupi ndeyekuti, hongu pane matanho ari kutorwa kudzosa zvidzidzo izvi muzvikoro. Munoziva neICT, tine hurongwa hwekuti tive neterevhizheni channel zvakare yedzidzo. Pachirongwa cheterevhizheni ichi, tichapatsurana kuti isu tive nechikamu chemangwanani vamwe vedu vebazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina votora chimwe chikamu chemasikati. Saka tichakwanisa kushandisa chirongwa ichi kuti masai-masai asvike kune vadzidzi vari kumativi mana enyika,” vanodaro Dr Dokora.

Sen Mashavakure

Sen Mashavakure

Vanoti Zimbabwe iri kuvandudza dzidzo kuitira kuti ifambirane nenguva pamwe nezvinodiwa nevadzidzi vakasiyana.

“Kunyangwe mazamanishoni edu tiri kuavandudza kuti ange achienderana nezvinotarisirwa nevadzidzi vakasiyana. Tine vana vari kushandisa braille pabvunzo dzeGrade 7 uye vadzidzi vane dambudziko rekusanzwa zvakanaka vari kubatsirikawo mune zvakasiyana zvakare.

“Hongu, pane zvimwe zvinokwaniswa kuitwa zvichienderana nemamiriro ezvinhu, sekuti vadzidzi vane dambudziko rekunzwa havangapihwe nguva yakaenzana yekunyora mazamanishoni neavo vasina kuremera mitezo,” vanodaro Dr Dokora.

Vachipindura mumwe mubvunzo kubva kumuriri weMatabeleland North, Sen Medelina Bhebhe, Dr Dokora vanoti chirongwa chekupa vana zvekudya muzvikoro chichaenderera mberi.

Sen Bhebhe

Sen Bhebhe

Sen Bhebhe vanoti chirongwa ichi chakanaka zvikuru sezvo vana vari kupihwa zvekudya zvisinei kuti vanobva kumhuri dzinotambaura here kana kuti kwete.

“Mukazvitarisa, vana vari kubva kumhuri dzakasiyana vakaita senherera neavo vekumhuri dzinowana vose vari kupihwa chikafu zvakanaka. Chirongwa ichi chicharamba chiripo here kana nyika isisina kutarisana nedambudziko renzara kana kuti nherera dzicharamba dzichipihwa zvekudya muzvikoro here?” vanodaro Sen Bhebhe.

Dr Dokora vanoti chirongwa ichi chichaenderera mberi zvisinei nekuti nyika yakatarisana nenzara here kana kuti kwete.

“Chirongwa ichi hachisi kuzomira apo dambudziko renzara rinenge risisipo sezvo chicharamba chichienderera mberi. Chirongwa ichi chatove chikamu chedzidzo muZimbabwe,” vanodaro Dr Dokora.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>