Zvikoro hokoyo! …‘Vakuru vezvikoro ngavatongerwe rufu’ …‘Hazviite, vabereki bhadharai pashoma’

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Zvikoro hokoyo! …‘Vakuru vezvikoro ngavatongerwe rufu’ …‘Hazviite, vabereki bhadharai pashoma’

Kwayedza

Tandayi Motsi
VAKURU vezvikoro vanodzinga vana vanenge vasina kubhadharirwa mari dzechikoro vanofanirwa kutongerwa rufu nekuti vari kudzosera budiriro yedzidzo kumashure. Mashoko aya akataurwa mudare reParamende nguva yadarika nemumiriri weChegutu West, Cde Dextor Nduna, apo vaikurukura pamusoro pegwaro raive raturwa nekomiti yedare iri inoona nezveveruzhinji, vashandi nekubatsirwa kwevanoshaya, remashandisirwo emari yeBasic Education Assistance Module (BEAM).

“Zvakagara zvichitaurwa kubvira kare, kuti vana vasadzingwe muzvikoro nekuti zvinokanganisa remangwana ravo nenyika. Asi, mukugadzirisa dambudziko iri, revakuru vezvikoro vanodzinga vana muzvikoro vasingateerere Hurumende inoti ngavarege kudzingwa, ndaona zvakakodzera kuti vanofanirwa kutongerwa rufu kuburikidza nekusungwa netambo muhuro.

“Aya ndiwo maitiro matsva. Tikarega kudaro, tiri kusungirira remangwana renyika,” vanodaro Cde Nduna. Cde Nduna vanoti vabereki vane vana vasiri pachirongwa cheBEAM vanofanirwa kupihwa nguva yakareba yekuti vabhadhare mari dzechikoro nekuda kwenyaya dzekuoma kweupfumi munyika.

Kubvira chirongwa ichi chichitanga mugore ra2002, chabatsira vadzidzi vanosvika 5,4 miriyoni. Cde Nduna vanoti sezvo vatsigiri veBEAM vari kuenda vachishomeka, zvakakosha kuti zvikoro zvitsvage mamwe mabhindauko ekuita.

“Nekuda kwematambudziko ari kusanganikwa nawo munyaya dzekusimudzira upfumi hwenyika, vatsigiri vechirongwa cheBEAM vari kuenda vachiita vashoma. Tiri kuona kuti pane musiyano uripo pakubatsirwa kwevadzidzi pasi pechirongwa ichi kana tichienzanisa nemakore adarika.

“Tine zvikoro zviri mumaguta nemadhorobha izvo zvakakomberedzwa nenzvimbo dziri pasi pemakanzuru. Zvikoro zvakadai ngazvipihwe minda yekuti zvitange mabhindauko ekurima kuitira kuti pave nemari yekubatsira vana vanoshaya,” vanodaro Cde Nduna.

Danho rakadai, vanodaro, rinobatsira panguva iyo BEAM iri kusangana nedambudziko rekushomeka kwevatsigiri. Vanoti kuzvikoro zvekumaruwa kune zviwanikwa zvakaita sezvicherwa izvo zvinokwanisa kushandiswa mukubatsira vana vanoshaya nemari dzechikoro.

Vanoti zvakakosha kuti zvikoro zvibatsirikane nezvicherwa zviri munharaunda kuburikidza nekupihwa mimwe migodhi midiki (small-scale mines) kuitira kuti zviwane mari yekuyamura vadzidzi vanotambura pamwe neyebudiriro yazvo.

“Kana ndichitaura pamusoro pekuti zvikoro zvipihwe migodhi ndiri kutaura kubva pakadzika-dzikwa pemoyo wangu, ndizvo zvatinazvo saka ngatizvishandisei. Ngatizvishandisei nenzira yaishandiswa na(mushakabvu Muammar) Gaddafi kugovera mafuta eLibya kuzvizvarwa zvenyika iyi,” vanodaro Cde Nduna.

“Munyika muno hatidhinde mari yemadhora yeUS saka ngatishandisei zvicherwa zvedu zvatakapihwa naMwari, rinova goridhe. Ngatipe migodhi yezvicherwa kuzvikoro zviri pedyo nayo.”

Vachipawo pfungwa dzavo pahurukuro iyi, mumiriri weBuhera West, Cde Oliver Mandipaka, vanoti havawirane nepfungwa yekuti vakuru vezvikoro vanodzinga vana nenyaya dzemari vanofanira kutongerwa rufu.

“Handifunge kuti chingave chinhu chakanaka chekuti vakuru vezvikoro vanodzinga vadzidzi vatongerwe rufu. Uyu mutongo une hasha zvikuru. Ndinofunga kuti zvakakosha kuti sevabereki, kuti zvikoro zvibudirire, tinofanira kubhadharawo mari yakafanira.

“Tinofanira kubhadharira vana vedu kuitira kuti zvikoro zvedu, zvingave kumaruwa kana mumadhorobha, zvisimukire. Tinoziva kuti pane matambudziko munyaya dzeupfumi hwenyika asi sevabereki tinofanira kushingaira kuti tibhadhare mari dzechikoro,” vanodaro Cde Mandipaka.

Vachikurukurawo pamusoro penyaya iyi, mumiriri weProportional Representation, Ronia Bunjira, vanoti vabereki vari kumaruwa vari kusangana nematambudziko akawanda pakunyoresa vana pasi pechirongwa cheBEAM.

“Zvandakaongorora mune zvimwe zvikoro zvandakashanyira ndezvekuti pane kusawirirana pakati pevakuru vezvikoro nevabereki. Vabereki vari kuti vakuru vezvikoro vari kupinza hama dzavo muBEAM.

“Vakuru vezvikoro vari kuchema-chemawo kuti Hurumende iri kunonoka kubhadhara mari yeBEAM. Hurumende ngaipe dzidzo pachena kuvana vose vepuraimari nekuti kunyangwe vasiri pasi pechirongwa cheBEAM havasi kukwanisa kubhadhara mari dzechikoro nekudaro vanonzi vadzokere kudzimba,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>