‘Zvikoro ngazvive pedyo nevana’

19 May, 2017 - 04:05 0 Views
‘Zvikoro ngazvive pedyo nevana’ VaDokora

Kwayedza

Tandayi Motsi —
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti zvakakosha kuti zvikoro zvinge zvakanyoreswa uye zviri pedyo nevadzidzi kuitira kuti vana vasafambe nzendo refu.

Vakataura mashoko aya svondo rapera mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMutoko East, VaRicky Nelson Sylvern Mawere.

VaMawere vaida kuziva nzendo dzinotarisirwa kufambwa nevana vachienda kuchikoro uye kuti mutemo unoti kudii nekuda kwezvimwe zvikoro zviri kungonyuka mudzimba dzemumaguta nemadhorobha.

“Ukaenda kuHillside unoona pamadziro ejurahoro pakanyorwa kuti, ‘Tinotora vana veGrade 1 – 7.’” Imba iyoyo inenge ichikwanisa kumbogara vanhu vangani? Ndiwo mubvunzo wangu uye kuti vana vanotarisirwa kufamba mutunhu wakareba zvakadini vachienda kuchikoro?” vanodaro.

Dr Dokora vanoti zvakakosha kuti zvikoro zvinge zviri pedyo nevadzidzi uye ichi ndicho chikonzero chikuru Hurumende iri kushingairira kuvaka zvimwe.

“Mutunhu unotarisirwa kufambwa nemwana achienda kuchikoro kana ari wepuraimari makiromita mashanu kubva pamba paanogara uye kana kuri kusekondari makiromita 10. Asi zvinhu zvinozivikanwa kuti zvandiri kutaura izvi handiwo mamiriro azvakaita, nekudaro ichi ndicho chikonzero chikuru Hurumende iri kushanda nesimba mukuvaka zvimwe zvikoro kuitira kugadzirisa dambudziko iri,” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti zvisati zvatanga kushanda, zvikoro zvose zvinofanirwa kunyoreswa zviri pamutemo nebazi ravo.

“Pamubvunzo wechipiri wekuti dzimba dzakawanda kuHillside dzave kushandiswa sezvikoro, ndine chokwadi kuti pakadai apa panofanirwa kutorwa matanho nekuti zvikoro zvinofanira kunyoreswa zviri pamutemo. Kana paine zviri kushanda zvisina kunyoreswa, kutaura chokwadi, ndingafare zvikuru kana mazita azvo akapihwa kune mahofisi ebazi redu kuitira kuti matanho akakodzera atorwe,” vanodaro.

Dr Dokora vanoti mazita ezvikoro zviri kushanda zvisina kunyoreswa zviri pamutemo anokwanisa kuendesa kumahofisi aDistrict Schools Inspector kana aProvincial Education Director ayo anowanikwa kumatunhu ose enyika.

Share This:

Sponsored Links