Zvikoro zvakasima miti

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Zvikoro zvakasima miti

Kwayedza

AUGUSTINE MUKARO ACHIDZIDZISA VANA KUSIMA MITI (1)
Daphne Machiri

FRIENDS of the Environment (FOTE), iyo iri pasi peNyaradzo Group, nebepanhau reKwayedza zvakarumbidzwa zvikuru nebasa razviri kuita rekukurudzira kudyarwa kwemiti muzvikoro nenharaunda kumativi mana enyika. Kurudziro iyo yakaitwa naVaZacharia Chipendo, avo vanova murairidzi mukuru pachikoro cheFuramera Secondary School, kwaChihota. Izvi zvinotevera kupihwa kwakaitwa chikoro ichi miti 600.
Pachiitiko ichi, zvimwe zvikoro zvakapoteredza Furamera zvakapihwawo miti 100 yemhando dzakasiyana.

Bepanhu reKwayedza, rakabatana neNyaradzo, vane chirongwa chekusima miti muzvikoro, makiriniki nemachechi nyika yose nedonzvo rekudzoreredza masango eZimbabwe.

Zvikoro zvinoda miti zvinongonyorera kuKwayedza kuti zvinoda miti yakawanda zvakadii.
“Kutanga kwataita temu ino tiri kuda kuvamba chirongwa cheIntercultural Learning Associated School Project Network nezvikoro 19 zvemuMahusekwa apo tichange tichidzidzisa vana maererano nenharaunda. Izvi tichazviratidza kubudikidza nemitambo yakaita semadhirama, kuimba nemabhindauko ekusima miti nekurima muzvikoro.

“Ndinoda kutora mukana uno zvakare kutenda veFriends of the Environment neKwayedza nebasa guru ravari kuita rekusimudzira kudyarwa kwemiti pamwe nekuchengetedzwa kwayo muzvikoro,” vakadaro Chipendo.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, VaAugustine Mukaro vekambani yeFOTE vakati zvakakosha kuti vana vechikoro vazive kukosha kwemiti panguva yavanenge vachiyaruka.

“Miti inotipa mishonga yakasiyana, mimvuri uye zvakare inochengetedza ivhu kuti risakukurwe nemvura yekunaya.
“Nzvimbo ino tasarudza kusima mipuranga nekuti unorarama kubva gore richitanga muchinobata rimwe uye haufi kana kuoma nhando,” vakadaro VaMukaro.

Svondo rapera pamberi chirongwa ichi chaive kuDomboshava uko chikoro cheChinamhora chakapihwa miti 1 000 mimwe yakawanda ndokugoverwa kuzvimwe zvikoro zvakachikomberedza.

Share This:

Sponsored Links