Uncategorized

Zvikoro zvichaiswa magetsi – Mutezo

21 Jun, 2014 - 18:06 0 Views
Zvikoro zvichaiswa magetsi – Mutezo ENGINEER Munacho Mutezo

Kwayedza

ENGINEER Munacho Mutezo

ENGINEER Munacho Mutezo

HURUMENDE, kuburikidza nechikamu chinoona nezvekuiswa kwemagetsi kumaruwa – cheRural Electrification Agency (REA) – yakazvipira kushanda nesimba kuti zvikoro zviri kumaruwa zviwaniswe magetsi sezvo izvi zvichisimudzira dzidzo.

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota rezvemhando dzemoto, Engineer Munacho Mutezo, mudare reNational Assembly nguva pfupi yadarika.

Vakataura izvi vachipindura mubvunzo wemumiriri weGokwe-Nembudziya, Cde Justice Mayor Wadyajena.
Cde Wadyajena vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende mukuenderera mberi nechirongwa chekuisa magetsi muzvikoro zviri kumaruwa ekudunhu ravanomirira.

Eng Mutezo vakati Hurumende yakazvipira mukuona kuti zvikoro zvekumaruwa zvaiswa magetsi.
Vakati zvikoro zvose pamwe nedzimwe nzvimbo dzakaita semakiriniki nemataundishipi, izvo zviri chinhambwe chemakiromita 15 kubva pane magetsi, zvichaiswa magetsi panozosvika gore ra2018.

Eng Mutezo vakati pane hurongwa huripo hwekuisa magetsi kuzvikoro 18 zvepuraimari nesekondari zviri kudunhu reGokwe-Nembudziya kutanga gore rinouya kusvika 2017 uye zvimwe zvacho zvichange zvichiwaniswa moto une simba rinobva muzuva, zvichienderana nekuwanikwa kwemari yekufambisa basa iri.

Zvikoro zvichaiswa magetsi anobva kumwenje wezuva ndezvepuraimari zvinoti: Kahobo, Mangorohwe, Masemo neNyamahara.

“Boka reRural Electrification Agency rakaisa magetsi muzvikoro zvine chitsama nedzimwe nzvimbo dzakaita semumakiriniki kubvira muna 2002,” vakadaro Eng Mutezo.

Chirongwa chekuiswa kwemagetsi muzvikoro zvekumaruwa chakakosha zvikuru sezvo danho iri richisimudzira kudzidzwa kwemakombiyuta nezvidzidzo zvemanheru.

Share This:

Sponsored Links