Zvikwata zveVolleyball zvoenda kuMaputo

13 Dec, 2014 - 15:12 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka
ZVIKWATA zvitanhatu zvevolleyball zvevarume nemadzimai zviri kuenda kuMaputo, kuMozambique  uko zvichanokwikwidza kumutambo weConfederation of African Volleyball Region V Volleyball Club Championship.Zvikwata izvi, izvo zvinoti zvitatu zvevanhurume nezvitatu zvakare zvemadzimai, zvinotarisirwa kusimuka musi weChina svondo rino mutambo uyu uchizotanga musi waZvita 13 kusvika 21.

Mutambo uyu uchange une zvikwata zviri kubva kunyika dzinoti Mozambique, Zimbabwe, Lesotho, Botswana, Zambia, Malawi, South Africa pamwe neSwaziland.

Zimbabwe ichange yakamirirwa kumutambo uyu nezvikwata zvinoti Support Unit Volleyball Club (varume nemadzimai), Stanbic Thunder (varume), NABA Stars (varume), UZ Wolves (madzimai) uye neRaiders (madzimai).

Munyori weSupport Unit Volleyball Club, Steven Charakupa, anoti chikwata chavo chakagadzirira zvikuru uye chiri kunanga kuMaputo kunohwina chete.

Anoti rino igore rechikwata chavo rekuhwinawo mutambo uyo vave nemakore vachingokundirwa muquarter-final.

Muna 2012, apo mutambo uyu wakatambirwa kuZambia, chikwata chevarume cheSupport Unit chakatamba zvinonwisa mvura asi chakazokundirwa muquarter-final kozoti gore radarika kuBotswana zvikwata zvese zveSupport Unit zvevarume nemadzimai zvakakwanisa kusvika muquarter-final yemutambo uyu.

“Gore rino tiri kutarisira zvikuru kubva kuchikwata chedu, tiri kuda chaizvo kuti chinohwina kuMozambique.

“Chakagadzirira zvakasimba uye tiri kuvimba nacho kuti chinobata basa sebasa, tiri kuda menduru yegoridhe chete kwete zvimwe zvese.

“Makore awanda tichikundikana mumutambo uyu asi iye zvino tinoona chiedza chakanaka uye tinovimba kuti tichakunda.

“Zvikwata zvedu zvakambokwanisa kupinda muquarter-fainal kaviri saka zvinorakidza kuti tiri kufamba mugwara chairo,” akadaro Charakupa.

 

Share This:

Sponsored Links