Uncategorized

‘Zvikwereti zvandimomotera handina mari’

18 Dec, 2014 - 08:12 0 Views
‘Zvikwereti zvandimomotera handina mari’

Kwayedza

Tatenda Moyo
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akati anoda kubhadharwa mendenenzi ye$1 100 yekuchengeta iye nevana vatatu.

Chiedza Tasarirova akazvuvira Peter Masi kuHarare Civil Court achida mari yekuchengeta mhuri yavo.

“Baba vamunoona ava vane mari dzavo dzatinotoziva isu nevana mukugarisana kwatinoita. Saka zvekamari kavo ka$300 kavari kuda kutipa nekukura kwakaita mhuri hatisi kutomboteerera. Mari yandatoona ingatoita tichitarisawo kuti zvinhu zvakaomera munhu wese i$1 100 inova ichabatsira ini nevana vatatu sezvo mumwe ichiri mimba. Hatingaverenge nezvayo, tinezenge tava kuona kana yazvarwa.

“Iniwo ndinotoshanda basa risingashoreki asi handingangoite ini wekuzvara, ndini ndochengeta vana zvakare iye aripo achingoita madiro aGeorgina. Anotora zvikwereti zvizhinji uye kwese kwaanokwanisa kutora chikwereti anototi atore chete zvekutoti akatondimanikidzawo kutora chikwereti chaakazotengesa mota yaari kushandisa,” akadaro.

Masi akati mari yaidiwa naTasarirova yakawandisa uye ane imwe mhuri inoda kuchengetwa.

“Changamire, mari iri kutaurwa naamai ava yakawandisa zvekutoti nazvino ndichiri ndakashama muromo nazvo. Pa$1 100 yaari kuda ndinongokwanisa kubhadhara $300 pavana vatatu vandiinavo naye asi iye hapana yandinomupa nekuti anoshanda, mari anotowana svinu. Ndine mumwe mukadzi anodawo kuchengetwa neni uye munin’ina wangu ari kuenda kuchikoro.

“Vatogona kutaura kuti ndine zvikwereti zvandisiri kubhadhara, kwete nekuzviitisa sekutaura kwavo asi kutotadza chaiko.

“Nditori nechimwe chikwereti kuCBZ che$6 221 chandisati ndatotanga kubhadhara sezvo ndichiri kusundana nezvimwe zvekutoti ndiri kutoona pamberi ipapa kana $300 yacho ndinenge ndave kutotadza kuibhadhara tichatodzorana zvekare mudare muno”.

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati nyaya iyi yaizodzoka mudare zvekare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>